Mateu 14
Matthew 14 · 36 verses
1(Mar. 6. 14-29; Ruka 9. 7-9.) Nenguva iyo Herodhe mubati wakanzwa mukurumbira waJesu.
2Akati kuvaranda vake, Uyu ndiJohane Mubhabhatidzi wakamuka kuvakafa. Saka masimba awa anobata maari.
3Nokuti Herodhe wakanga abata Johane akamusunga, akamuisa mutorongonokuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripo munun’ina wake.
4Nokuti Johane akati kwaari hauna kutenderwa kuti uve naye.
5Zvino wakanga achida kumuvuraya asi wakatya vanhu vazhinji nokuti vaiti muporofita.
6Asi zuva rokuberekwa kwaHerodhe rakati rasvika, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo. Akafadza Herodhe.
7Naizvozvo wakamupikira nemhiko kuti uchamupa chinhu chipi nechipi chaanenge achakumbira.
8Zvino iye wakati arairwa namai vake akati, ndipei pano mundiro musoro waJohane Mubhabhatidzi.
9Mambo akazvidya moyo asi nokuda kwokupika kwake vuye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya akaraira kuti apiwe.
10Akatuma murwi kundogura musoro waJohane mutorongo.
11Vakavuya nomusoro wake uri mundiro, musikana akapiwa, iye akaenda nawo kuna mai vake.
12Vadzidzi vake vakavuya vakatora mutumbu, vakauviga ndokuenda kundovudza Jesu.
13Jesu wakati azvinzwa, akabvapo negwa. Akaenda kurenje ari oga. Zvino vanhu vachizvinzwa vakabva kumaguta vakamutevera netsoka.
14Zvino Jesu wakati achibuda mugwa akavona vanhu vazhinji-zhinji akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.
15Zvino ava madekwana, vadzidzi vakavuya kwaari vakati, pano irenje zuva roda kuvira endisai vanhu vazhinji, vaende kumisha vandozvitengera zvokudya.
16Asi Jesu wakati kwavari, havafaniri havo kuenda. Imi muvapei zvavangadya.
17Vakati kwaari, hatina chinhu pano asi zvingwa zvishanu bedzi nehove mbiri.
18Iye akati, vuyai nazvo vuno kwandiri.
19Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pavuswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa ndokupa vadzidzi vake. Vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.
20Vakadya vose vakaguta. Vakavunganidza zvimedu zvakasara matengu anegumi nemaviri azere.
21Vakanga vadya vaiva varume vane zvuru zvishanu vakadzi navana vasingaverengwi. (Mar. 6. 4556; Joh. 6. 1621.)
22Pakarepo Jesu wakagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde mugwa, vamutungamirire mhiri, iye akasara achiendisa vanhu vazhinji..
23Zvino wakati aendisa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Ava madekwana wakanga aripo ari oga.
24Asi igwa zvino rakanga rava pakati pegungwa richitambudzika namafungu nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa.
25Nenguvayechina yovusiku Jesu akavuya kwavari achifamba pamusoro pegungwa.
26Zvino vadzidzi vakati vachimuvona achifamba pamusoro pegungwa, vakamanikidzwa vachiti madzimudzangara. Vakadanidzira nokutya.
27Pakarepo Jesu akataura navo akati, tsungai moyo ndini musatya.
28Zvino Petro akamupindura akati Ishe, kana murimi ndirairei kuti ndivuye kwamuri pamusoro pemvura.
29Iye akati, vuya! Petro akaburuka mugwa akafamba pamusoro pemvura akaenda kuna Jesu.
30Asi wakati achivona mhepo inesimba akatya. Zvino wakati otanga kunyura akadanidzira achiti Ishe, ndiponesei!
31Pakarepo Jesu wakatambanudza ruvoko rwake akamubata akati kwaari, iwe unokutenda kuduku, wanyunyutireiko?
32Vakati vapinda mugwa mhepo ikanyarara.
33Ipapo vakanga vari mugwa vakamunamata vachiti, Zvirokwazvo ndimi Mwanakomana waMwari!
34Vakati vayambukira mhiri, vakasvika panyika yeGenesareti.
35Varume venzvimbo iyo vakamuziva, vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza. Vakavuya kwaari navose vairwara.
36Vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake. Vose vakabata vakaporeswa
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.