Mateu 15
Matthew 15 · 39 verses
1(Mar. 7. 1-23.) Zvino vaFarise navanyori vakavuya kuna Jesu vachibva Jerusarema vakati;
2Vadzidzi venyu vanodarikireiko tsika dzavakuru nokuti havashambi mavoko kana vachidya zvokudya?
3Akapindura akati kwavari, nemivo munodarikireiko murairo waMwari nokuda kwetsika dzenyu?
4Nokuti Mwari wakati, kudza baba vako namai vako vuye unotuka baba kana mai, ngaafe norufu.
5Asi imi munoti, aninani unoti kuna baba vake kana mai vake, chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava chipo kunaMwari.
6Haachakudzi baba vake kana mai vake asi, haana mhosva. Makatorera murairo waMwari simba netsika dzenyu.
7Imi vanyengeri Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu achiti,
8vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo asi moyo yavo iri kure neni.
9Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirairo yavanhu.
10Zvino akadana vanhu vazhinji kwaari, akati kwavari, tererai munzwisise.
11Izvo zvinopinda mumuromo, hazvisvibisi munhu asi zvinobuda mumuromo ndizvo zvinosvibisa munhu.
12Zvino vadzidzi vakavuya kwaari vakati, munoziva kuti vaFarise vakagumburwa vachinzwa shoko iri here?
13Akapindura akati, muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vari kudenga uchadzurwa.
14Varegei mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamiraira bofu achawira mugomba ose ari maviri.
15Petro akapindura akati kwaari, tidudzireivo mufananidzo uyu.
16Iye akati: Nazvino nemi vo muchigere kunzwisisa here?
17Hamunzwisisi here kuti zvose zvinopinda mumuromo, zvinoenda mudumbu, zvikazorashwa kunze?
18Asi zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo ndizvo zvinosvibisa munhu.
19Nokuti mumoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuvuraya, novufeve, novupombwe, nokuba, nokupupura nhema nokumhura Mwari.
20Ndizvo zvinosvibisa munhu asi kudya namavoko asati ashambwa hazvisvibisi munhu. (Mar. 7. 24-30.)
21Zvino Jesu wakabva po akaenda kumativi enyika yeTire neSidhoni.
22Zvino tarira mukadzi muKanani wakabva kunyika iyo akadana achiti, ndinzvirei ngoni, Ishe Mwanakomana waDhavhidhi, mwanasikana wangu wakabatwa kwazvo nomweya wakaipa.
23Asi haana kumupindura neshoko rimwe. Ipapo vadzidzi vake vakavuya vakakumbira kwaari vachiti, mumuendisei nokuti unodanidzira shure kwedu.
24Asi wakapindura akati, ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsraeri.
25Zvino akavuya akamunamata akati, Ishe dondibatsirai henyu.
26Akapindura akati, hazvina kunaka kutora chingwa chavana ndokuchikandira imbwanana.
27Akati, hongu Ishe kunyange nembwananavo dzinodya zvimedu zvinodona patafura ravatenzi vadzo.
28Zvino Jesu akapindura akati kwaari, haiwa mai kutenda kwako kukuru, zvaunoda ngazviitwe. Mwanasikana wake akapora kubva panguva iyo;. (Mar. 7. 31-37.)
29Jesu wakati achibva ipapo akaenda napagungwa reGarirea. Akakwira mugomo, akagarapo pasi.
30Zvino vanhu vazhinji vakavuya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu nembeveve navamwe vazhinji vakavaisa pamberi paJesu. Akavaporesa.
31Naizvozvo vanhu vazhinji vakashamiswa vachivona mbeveve dzichitaura, nezvirema zvapora, navanokamhina vachifamba, namapofu achivona vakarumbidza Mwari wavaIsraeri. (Mar. 8. 1-9.)
32Zvino Jesu wakadanira vadzidzi vake kwaari akati, ndinetsitsi navanhu vazhinji ava nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya. Handidi kuvaendesa vane nzara zvimwe vangaziya panzira.
33Vadzidzi vakati kwaari, tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai?
34Jesu akati kwavari, munezvingwa zvinganiko? Vakati zvinomwe nehove duku shomanene.
35Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi.
36Akatora zvingwa zvinomwe nehove akavonga, akazvimedura ndokupa vadzidzi vake. Vadzidzi vakapa vanhu vazhinji.
37Vakadya vose vakaguta, vakanonga zvimedu zvakasara matengu manomwe azere.
38Vakadya vakanga vari varume vane zvuru zvina vakadzi navana vasingaverengwi.
39Zvino wakati aendisa vanhu vazhinji akapinda mugwa akasvika munyika yeMagadhani.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.