Bhaibheri

Mateu 18

Matthew 18 · 35 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1(Mar 9. 33-50, Ruka 9. 46-50) Nenguva iyo vadzidzi vakavuya kuna Jesu vakati, ndianiko mukuru pavushe hwokudenga?

2Jesu akadanira kwaari mwana muduku akamuisa pakati pavo.

3Akati, zvirokwazvo ndinoti kwamuri kana musingashanduki mukava savana vaduku hamungatongopindi muvushe hwokudenga.

4Naizvozvo aninani unozvininipisa somwana uyu muduku ndiye mukuru muvushe hwokudenga.

5Aninani unogamuchira mwana muduku mumwe wakadai nezita ranguunondigamuchira ini.

6Asi aninani unogumbusa mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri, zvirinani kwaari kuti guyo guru risungirirwe pamutsipa wake, anyudzwe mugungwa rakadzika.

7Nyika inenhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuvuya hazvo asi une nhamo munhu uyo unogumbusa vamwe.

8Kana ruvoko rwako kana rutsoka rwako rwuchikugumbusa, urugure, ururashire kure newe. Zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uri chirema kana uchikamhina pakukandirwa mumoto usingagumi unamavoko maviri kana tsoka mbiri

9Kana ziso rako richikugumbusa uribvise urirashire kure newe. Zvirinani kwauri kuti upinde muvupenyu uneziso rimwe pakukandirwa muGehena romoto unameso, maviri.

10Chenjerai kuti murege kuzvidza mumwe wavaduku ava nokuti ndinoti kwamuri kudenga vatumwa vavo vanosivona misi yose chiso chaBaba vangu vari kudenga.

11Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzoponesa chakarashika. (Ruka 15. 3-7.)

12Munofungeiko? Kana munhu anamakwai anezana, rimwe rawo rikarashika, haangasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, akaenda kumakomo kundotsvaka rakarashika here?

13Kana ariwana, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, unorifarira kupfuvura makumi mapfumbamwe namapfumbamwe asakarashika.

14Nokudaro hakuzi kuda kwaBaba venyu vari kudenga, kuti mumwe wavaduku ava afe.

15Kana hama yako yakutadzira, enda umuvudze mhosva yake, iwe naiye muri moga; kana akakunzwa, wadzora hama yako.

16Asi kana asinganzwi, tora mumwe kana vaviri newe, kuti mashoko asimbiswe nemiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu.

17Kana asingavanzwi, uvudze vungano; kana asinganzwi vo vungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarise.

18Zvirokwazvo ndinoti kwamuri:chipi nechipi chamunosunga panyika chichasungwa kudenga.vuye chipi nechipi chamunosunungura panyika chichasunungurwa kudenga.

19Ndinoti kwamuri zve: Kana vaviri venyu vakatenderana panyika pamusoro pechimwe chinhu chavanokumbira, va chachiitirwa naBaba vangu vari kudenga.

20Nokuti apo pakavungana vaviri kana vatatu muzita rangu, ndiripo pakati pavo.

21Zvino Petro wakavuya akati kwaari: Ishe hama yangu ichanditadzira kangani ko ndikaikanganwira, kusvikira kanomwe here?

22Jesu akati kwaari; handiti kwauri kusvikira kanomwe, asi kusvikira makumi manomwe;anoverengwa kanomwe.

23Saka vushe hwokudenga hungafananidzwa nomumwe mambo, wakanga achida kugadzira mangava navaranda vake.

24Zvino wakati achitanga kugadzira mumwe wakanga anechikwerete chamatarenta anezvuru zvamazana zvinegumi* akaiswa kwaari.

25Asi wakati achishaiwa chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwerete chiripwe.

26Zvino muranda akawira pasi, akamunamata, akati: Ishe ivai nomoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.

27Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunungura, akamukanganwira chikwerete.

28Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana mumwe muranda waibata pamwe chete naye, wakanga anechikwerete kwaari chamadenari anezana; akamubata, akamudzipa, akati: Ripa chikwerete chako!

29Zvino muranda uyo waibata pamwe chete naye, akawira pasi petsoka dzake akakumbira zvikuru kwaari, akati: Uve nomoyo murefu neni, ndichazokuripira.

30Asi iye wakaramba, akaenda, akamuisa mutorongo, kusvikira achizoripa chikwerete.

31Zvino vamwe varanda vaibata pamwe chete naye vakati vachivona zvaitwa, vakafa neshungu kwazvo, vakaenda kundovudza ishe wavo zvose zvakaitwa.

32Zvino ishe wake akamudana, akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwerete icho chose, nokuti iwe wakakumbira zvikuru kwandiri.

33Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unobata pamwe chete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?

34Zvino ishe wake akatsamwa, akamuisa kuvarwadzisi kusvikira achizoripa chikwerete chake chose.

35Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitirai vo, kana musingakanganwiriyi mumwe nomumwe hama yake nomoyo wenyu wose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.