Mateu 17
Matthew 17 · 27 verses
1(Mar. 9. 2-13; Ruka 9. 28-36.) Mazuva matanhatu akati apfuvura Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohane munun’una wake, akaenda navo mugomo refu vari voga.
2Akashanduka pamberi pavo; chiso chake chikapenya sezuva, nguvo dzake dzikachena sechiedza.
3Pakarepo Moses naEria vakavone kwa navo, wachitaura naye, mumunzwei.
4Zvino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, zvakanaka zvatiri pano; kana muchida, ndichavaka matumba matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi rimwe raEria.
5Wakati achataura navo, tarira, gore rinobwinya rikavafukidza; inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira mumunzwei.
6Vadzidzi vakati vachizvinzwa, vakawira pasi nezviso zwavo vakatya zvikuru.
7Jesu akaswedera; akavabata, akati: Simukai, musatya.
8Vakati vachitarira, havana kuzovona munhu, asi Jesu bedzi.
9Zvino vakati vachiburuka mugomo, Jesu akavaraira, akati: Musavudza munhu zvamaratidzwa, kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa.
10Vadzidzi vakamubvunza, vachiti, Vanyori vanotaurireiko, vachiti, Eria unofanira kutanga kuvuya?
11Akapindura, akati, Eria uchavuya hake, avandudze zvinhu zvose.
12Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvo vo Mwanakomana womunhu uchabva wotambudzwa navo.
13Zvino vadzidzi vakanzwisisa kuti wakavavudza zvaJohane Mubhabhatidzi. (Mar. 9. 14-29; Ruka 9. 37-43.)
14Vakati vasvika kuvanhu vazhinji, mumwe munhu akavuya kwaari, akamufugamira, akati:
15Ishe, donzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti unezvipusha, unotambudzika kwazvo. Nokuti kazhinji unowira mumoto, kazhinji mumvura.
16Ndakavuya naye kuvadzidzi venyu, vakasagona kumuporesa.
17Jesu akapindura, akati: Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira riniko? Vuyai naye pano kwandiri.
18Zvino Jesu akamuraira, mweya wakaipa ukabuda kwaari, mukomana akapora kubva panguva iyo;.
19Zvino vadzidzi vakavuya kunaJesu vari voga, vakati: Ko isu takanga tisingagoni neiko kuubudisa?
20Akati kwavari: Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsanga yemastarda, mungati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! Ringaenda; hakune chinhu chingakukundai.
21Asi rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera, nokuzvinyima zvokudya. (Mar. 9. 30-32; Ruka 9. 43-45.)
22Zvino vachafamba muGarirea, Jesu akati kwavari: Mwanakomana womunhu uchabva woiswa mumavoko avanhu;
23vachamuvuraya, asi nezuva retatu uchamutswa zve. Vakafa neshungu kwazvo.
24Vakati vachisvika Kapernaume, vanhu vaigamuchira muripo wetembere vakavuya kuna Petro, vakati: Mudzidzisi wenyu haaripi muripo wetembere here?
25Akati: Hongo. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti: Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavananiko? Kuvanakomana vavo kana kuvaeni?
26Akati: Kuveni. Jesu akati kwaari: Saka vanakomana vakasununguka.
27Asi, kuti tirege kuvagumbusa enda kugungwa, ukande chiredzo, ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana stateri*; uritore, uvape iro, kuripira iwe neni.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.