Mateu 21
Matthew 21 · 46 verses
1(Mar. 11. 1-10; Ruka 19. 29-38; Joh. 12. 12-15.) Vakati vachiswedera Jerusarema, vakasvika Betefage, pagomo reMiorivhi, Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
2akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, inemhuru yayo; mudzisunungure, muvuye nadzo kwandiri.
3Kana aninani achitaura chinhu kwamuri, muti: Ishe unodzida; pakarepo uchadzituma,
4Izvozvo zvakaitwa, kuti zvakataurwa nomuporofita zviitike. Paakati:
5Vudzai mwanasikana weZiyoni: Tarira Mambo wako unovuya kwauri,
6Vadzidzi vakaenda, vakaita sezvavakarairwa naJesu,
7vakavuya nembongoro nemhuru, vakaisa nguvo dzavo pamusoro padzo; akagara pamusoro padzo.
8Vazhinji pakati pavanhu vakawarira nguvo dzavo munzira; vamwe vakatema matavi emiti vakaawarira munzira.
9Vanhu vazhinji vakanga vakamutungamirira navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti: Hosana kuMwanakomana waDavhidhi! Ngaakudzwe iye unovuya muzita raShe! Hosana kumusoro-soro!
10Wakati apinda Jerusarema, guta rose rikapesaniswa, vanhu vakati: Uyu ndianiko?
11Vanhu vazhinji vakati: NdiJesu muporofita weNazareta reGarirea. (Mar. 11. 15-18; Ruka 19. 45-48; Joh. 2. 13-17.)
12Zvino Jesu wakapinda mutembere, akabudisa vose vaitengesa navaitenga mutembere; akawisa matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvavaitengesa njiva,
13akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera, asi imi munoiita bako ramakororo.
14Zvino mapofu navaikamhina vakavuya kwaari mutembere, akavaporesa.
15Asi vaPirisita vakuru navanyori vakati vachivona zvinoshamisa zvaakanga achiita, navana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi! Vakafa neshungu,
16vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivavo here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongorava here, panoti: Mumiromo yavacheche navanomwa makakwanisa kukudza?
17Akavasiya, akabva muguta, akaenda Betania, ndokuvatapo. (Mar. 11. 1214; 1924.)
18Mangwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
19Zvino, wakati achivona muvonde mumwe panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha bedzi; akati kwawuri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri nokusingaperi. Muvonde ukawoma pakarepo.
20Vadzidzi vakati vachizvivona, vakashamiswa, vakati: Muvonde waoma pakarepo seiko?
21Jesu akapindura, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nokutenda, musinganyunyuti, hamungaiti izvi zvomuvonde bedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe mugungwa, zvichaitwa.
22Nezvose zvamunokumbira muchinyengetera, kana muchitenda, muchazvipiwa. (Mar. 11. 27-33; Ruka 20. 1-8.)
23Wakati achipinda mutembere, vaPirisita vakuru navakuru vavanhu vakavuya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri?
24Jesu akapindura, akati kwavari: Neni ndichakuvhunzai vo shoko rimwe: kana mukandivudza iro, neni ndichakuvudzai vo simba randinoita naro zvinhu izvi.
25Rubhabhatidzo rwaJohane rwakabvepiko? Kudenga kana kuvanhu here? Vakataurirana vachiti: Kana tikati, Kudenga,uchati kwatiri: Makagoregerei kumutenda?
26Asi kana tikati, kuvanhu, tinotya vanhu vazhinji; nokuti vose vanoti, Johane muporofita.
27Vakapindura, vakati kunaJesu; Hatizivi, Akati kwavari: Neni handingakuvudziyi vo simba randinoita naro zvinhu izvi.
28Zvino munofungeiko? Mumwe munhu wakanga anavana vaviri; akaenda kunowokutanga, akati: Mwana, enda nhasi kundobata mumunda wangu wemizambiringa.
29Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akazvidya moyo, akenda.
30Akaenda kunowechipiri, akataura saizvozvo. Iye akapindura, akati: Ndinoenda, Ishe; akasaenda.
31Ndoupiko kunaivavo vaviri wakaita kuda kwababa vake? Vakati: Wokutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muvushebwaMwari.
32Nokuti Johane wakavuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi vateresi nezvifeve vakamutenda. Imi makati muchivona izvozvo, hamuna kuzozvidya moyo mukamutenda. (Mar. 12. 1-12; Ruka 20. 9-18.)
33Inzwai mumwe mufananidzo; Mumwe munhu waivapo, mwene weimba, wakasima munda wake wemizambiringa; akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira mauri, akavaka chirindo, akaupa varimi, ndokufamba rwendo..
34Nguva yezvibereko yakati yasvika, akatuma varanda vake kuvarimi, kundotora zvibereko zvake.
35Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe vakavuraya mumwe, vakatakamumwe namabwe.
36Akatuma zve vamwe varanda, vazhinji kunovokutanga; vakavaitira saizvozvo.
37Zvino pashure akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti; Mwanakomana wangu vachava nehanya naye.
38Asi varimi vakati vachivona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai timuvuraye, titore nhaka yake.
39Zvino vakamubata vakamubudisa kunze kwomunda wemizambiringa vakamuvuraya.
40Zvino kana mwene womunda wemizambiringa achizouya uchaitei iko navarimi ivavo?.
41Vakati kwaari: Uchaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa akaisa vamwe varimi mumunda wemizambiringa, vachazomupa zvibereko nenguva dzazvo.
42Jesu akati kwavari: Hamuna kutongorava here paMagwaro panoti: Ibwe rakarashwa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona; Izvozvo zvakaitwa naShe, Zvinoshamisa pameso edu?
43Naizvozvo ndinoti kwamuri: Muchatorerwa imi vushe bwaMwari, bwukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvabwo,
44Unowira pamusoro pebwe iri, uchavhunikanya; asi upi noupi warinowira richamukuya akaita vupfu.
45VaPirisita vakuru navaFarise vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti unovareva ivo.
46Zvino vakatsvaka kumubata asi vakatya vanhu vazhinji nokuti vakanga vachiti muporofita.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.