Bhaibheri

Mateu 22

Matthew 22 · 46 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1(Ruka 14. 16-24.) Zvino Jesu wakapindura, akataura zve navo nomifananidzo, akati:

2Vushe bwokudenga bwungafananidzwa nomumwe mambo, wakaitira mwanakomana wake mutambo wokuwana;

3akatuma varanda vake kundodana avo vakanga vakokerwa kumutambo wokuwana; vakaramba kuvuya.

4Akatuma zve vamwe varanda, akati: Vudzai vakakokerwa, muti: Tarirai, ndagadzira chisvusvuro changu; nzombe dzangu nezvakakora zvangu zvabayiwa zvinhu zvose zvagadzirwa; vuyai kumutambo wokuwana.

5Asi havana kurangarira, vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kukutengesa kwake;

6vamwe vakabata varanda vake, vakavaitira zvakaipa, vakavavuraya.

7Zvino mambo wakatsamwa, akatuma hondo dzake, akaparadza vaya vakavavuraya, akapisa guta ravo.

8Zvino akati kuvaranda vake: Mutambo wokuwana wakagadzirwa, asi vakanga vakokerwa vakanga vasina kufanirwa.

9Naizvozvo, endai kumharadzano dzenzira, mukokere kumutambo vose vamunowana.

10Varanda ivavo vakabudira kunzira, vakavunganidza vose vavakawana, vakaipa navakanaka; imba yokuwana ikazara navagere pakudya.

11Zvino mambo wakati achipinda kuzovona vagere pakudya, akavona munhu usina kupfeka nguvo yomutambo wokuwana;

12akati kwaari: Shamwari, wapinda pano seiko, usinenguvo yomutambo wokuwana? Akanyarara.

13Zvino mambo akati kuvaranda: Mumusungei makumbo namavoko, mumukandirei kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.

14Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma. (Mar. 12. 13-17; Ruka 20. 20-26.)

15Zvino vaFarise vakaenda kundorangana kuti vangamubata sei pakutaura kwake.

16Vakatuma kwaari vadzidzi vavo navaHerodhe, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wozvokwadi, munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, musingarangariri zvinovonekwa zvomunhu, nokuti hamutariri zviri kunze kwomunhu.

17Zvino tivudzei, munofungeiko? Munhu unotenderwa kuripira Kesari mutero here kana kwete?

18Asi Jesu wakaziva kuipa kwavo, akati: Munondiidzireiko, imi vanyengeri?

19Ndiratidzei mari yomutero. Vakavuya kwaari nedhenari.*

20Zvino akati kwavari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?

21Vakati kwaari; ZvaKesari. Akati kwavari: Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.

22Vakati vachinzwa izvozvo, vakashamiswa, vakamusiya, vakaenda. (Mar. 12. 18-27; Ruka 20. 27-40.)

23Nezuva iro vaSajusi vakasvika kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza,

24vachiti: Mudzidzisi, Mosesi wakati, kana munhu akafa asinavana, munun’una wake ngaawane mukadzi wake, agomutsira mukoma wake vana.

25Kwatiri kwakanga kunavanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa asinavana, akasiyira munun’una wake mukadzi wake;

26nokudaro vo wechipiri, nowechitatu, kusvikira kunowechinomwe.

27Shure kwavose mukadzi akafa vo.

28Zvino pakumuka kwavakafa, uchava mukadzi waniko wavanomwe avo, nokuti vose vaiva naye.

29Jesu akapindura, akati kwavari: Marashika, nokusaziva Magwaro, kana simba raMwari.

30Nokuti pakumuka kwavakafa havawani, kana kuwaniswa; asi vakaita savatumwa vaMwari kudenga.

31Asi kana kuri kumuka kwavakafa, hamuna kurava here zvamakavudzwa naMwari, paakati:

32Ini ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho? Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu.

33Vanhu vazhinji vachinzwa izvozvo, vakashamiswa nedzidziso yake. (Mar. 12. 28-34; Ruka 10. 25-27.)

34VaFarise vakati vachinzwa kuti wapwisa vaSadhuse, vakavungana pamwe chete.

35Mumwe wavo, mududziri womurairo, akamubvunza, achimuidza, akati:

36Mudzidzisi, murairo mukuru pamirairo ndoupiko?

37Akati kwaari: Ida Ishe, Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose.

38Ndiwo murairo mukuru nowokutanga.

39Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wakwako; sezvaunozvida iwe.

40Murairo wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri. (Mar. 12. 35-37; Ruka 20. 41-44.)

41Zvino vaFarise vachakavungana, Jesu akavabvunza,

42akati: Munofungeiko pamsoro paKristu? Mwanakomana waniko? Vakati kwaari: WaDhavhidhi,

43Akati kwavari: Dhavhidhi wakagomutumidza seiko noMweya, Ishe wake, achiti:

44Ishe wakati kunaShe wangu: Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?

45Zvino, kana Dhavhidhi achimutumidza Ishe, ungagova mwanakomana wake seiko?

46Kwakanga kusinomunhu wakagona kumupindura shoko, vuye kwakanga kusinomunhu wakatsunga kumubvunza chinhu pazuva iro.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.