Bhaibheri

Mateu 24

Matthew 24 · 51 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1(Mar. 13. 1-29; Ruka 21. 5-36.) Zvino Jesu wakabuda patembere, akati oenda vadzidzi vake vakavuya kwaari kuzomuratidza dzimba dzetembere.

2Jesu akapindura akati kwavari, munovona zvinhu izvi zvose here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe risingazowisirwi pasi.

3Wakati agara pagomo reMiorivhi vadzidzi vake vakavuya kwaari vari voga vakati, tivudzei kuti izvozvo zvichagova rinhiko? Nechiratidzo chokuvuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?

4Jesu akapindura akati kwavari, chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu.

5Nokuti vazhinji vachavuya nezita rangu vachiti, ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.

6Muchanzwa zvokurwa neguhu rokurwa. Chenjerai musavhunduka nokuti izvozvo zvose zvinofanira kumboitwa asi kuguma kuchigere kusvika.

7Nokuti rudzi ruchamukira rudzi novushe hwuchamukira vushe nenzara dzichavapo, nehosha nokudengenyika kwenyika kunzvimbo zhinji.

8Asi zvinhu izvozvi zvichava kutanga kwenhamo.

9Zvino vachakuisai kumadambudziko, vachakuvurayai, muchavengwa namarudzi ose nokuda kwezita rangu.

10Vazhinji vachagumburwa vachaisana kuvatongi nokuvengana.

11Vaporofita vazhinji venhema vachamuka vachitsausa vazhinji.

12Rudo rwavazhinji ruchatonhora nokuti kusarurama kuchawanda.

13Asi unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.

14Evhangeri iyi yovushe ichaparidzwa munyika dzose chive chapupu kumarudzi ose, ipapo kuguma kuchasvika.

15Naizvozvo kana muchivona nyangadzi yokuparadza yakarebwa nomuporofita Dhanyeri imire panzvimbo tsvene (unorava ngaacherekedze).

16Zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo

17Uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make.

18Nouri kumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake.

19Vachava nenhamo vanemimba navanomwisa namazuva iwayo.

20Nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando kana nesabata.

21Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino vuye hakuchazovipo.

22Dai mazuva iwayo asaitapudzwa hakune nyama yairarama asi nokuda kwavasanangurwa mazuva iwayo achatapudzwa.

23Zvino kana munhu akati kwamuri, tarirai Kristu uri pano kana apo, regai kutenda.

24Nokuti vachamuka vanaKristu venhema navaporofita venhema vacharatidza zviratidzo zvikuru nezvinoshamisa kuti kana zvichibvira vatsause navasanagurwavo.

25Tarirai ndagara ndakuvudzai.

26Zvino kana vakati kwamuri, tarirai uri kurenje, regai kubuda. Tarirai uri mudzimba dzomukati, regai kutenda.

27Nokuti semheni inobva kumabvazuva ichipenyera kumavirira ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakonana womunhu.

28Apo panomutumbu ndipo pachavunganira magora.

29Pakarepo shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi. Nyeredzi dzichawa kudenga namasimba okudenga achazungunuswa.

30Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichavonekwa kudenga. Zvino marudzi ose enyika achachema achivona Mwanakomana womunhu achivuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.

31Uchatuma vatumwa vake nehwamanda huru. Vachavunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kunorumwe rutivi. (Ruka 12. 35-59.)

32Dzidzai pamuvonde mufananidzo wawo. Kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga munoziva kuti zhezha rava pedo.

33Saizvozvo nemivo kana movona izvozvo zvose zivai kuti wava pedo pamukova.

34Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongo-pfuvuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.

35Denga nenyika zvichapfuvura asi mashoko angu haangatongopfuvuri.

36Asi kana riri zuva iro nenguva iyo hakuna unozviziva, kunyangwe vatumwa vokudenga kunyangwe Mwanakomana asi Baba voga.

37Sapamazuva aNoa ndizvo zvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu.

38Nokuti sepamazuva iwayo mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa kusvikira zuva Noah raakapinda naro muareka.

39Vasingazivi kusvikira. Mvura zhinji ikavabvisa vose, ndozvichaita kuvuya kwoMwanakomana womunhu.

40Nenguva iyo; vaviri vachava mumunda mumwe uchatorwa mumwe akasiyiwa.

41Vakadzi vaviri vachakuya paguyo rimwe mumwe uchatorwa mumwe akasiyiwa.

42Rindai naizvozvo nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaanovuya nayo.

43Asi zivai izvi kuti mwene weimba dai aiziva nguva yokusvika kwembavha ungadai airinda akasatendera kuti imba yake ipazwe.

44Naizvozvo nemivo garai makazvigadzirira nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya nenguva yamusingamutariri.

45Ndianiko muranda wakatendeka, wakangwara, wakagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake kuti avape zvokudya nenguva yakafanira?

46Wakaropafadzwa muranda uyo unoti kana She wake achisvika akamuwana achiita saizvozvo.

47Zvirokwazvo ndinoti kwamuri uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo.

48Asi kana muranda uyo wakaipa akataura mumoyo make achiti Ishe wangu wanonoka kuvuya.

49Akatanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe chete naye, akadya, akanwa pamwe chete navakabatwa.

50Ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingamutariri nenguva yasingazivi.

51Akamurovesa kwazvo, akamupa mugove wake pamwe chete navanyengeri apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.