Mateu 25
Matthew 25 · 46 verses
1Zvino vushe bwokudenga bwungafananidzwa navasikana vanegumi. Vakatora mwenje yavo, vakabuda kundochingamidza chikomba.
2Vashanu vavo akanga ari mapenzi, vashanu vakanga vakachenjera.
3Nokuti mapenzi akatora mwenje yawo akasatora mafuta.
4Asi vakanga vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo.
5Zvino chikomba chakati chichinonoka vakatsumwaira vose vakavata.
6Pakati povusiku vakanzwa mhere-mhere, tarirai chikomba chovuya, budai mundochichingamidza!
7Zvino vasikana vose vakamuka, vakagadzira mwenje yavo.
8Mapenzi akati kunavakachenjera, tipeiwo mamwe mafuta enyu nokuti mwenje yedu yodzima.
9Asi vakachenjera vakapindura vakati, kwete zvimwe haangakwaniri isu nemi tose, endai henyu kunavanotengesa muzvitengere.
10Vakati vachienda kundotenga, chikomba ndokusvika, zvino vakanga vakazvigadzirira vakapinda nacho pamutambo wokuwana. Mukova ukapfigwa.
11Pashure vamwe vasikana vakasvika vakati, Ishe, Ishe tizarurirei!
12Akapindura akati zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handikuziviyi imi.
13Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi zuva kana nguva Mwanakomana womunhu raanovuya naro.
14Nokuti vushe hwokudenga hwakafanana nomunhu wakaenda kuneimwe nyika. Akadana varanda vake akavapa fuma yake.
15Akapa mumwe matarenta mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanirana nesimba rake, akafamba rwendo.
16Pakarepo iye wakapiwa matarenta mashanu akaenda akaita mhindu nawo, akawana mamwe mashanu.
17Saizvozvovo wakapiwa maviri akawana mamwe maviri.
18Asi wakapiwa rimwe wakaenda akachera pasi, akaviga mari yashe wake.
19Nguva huru yakati yapfuvura, ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko navo.
20Wakanga apiwa matarenta mashanu akavuya namamwe matarenta mashanu akati, Ishe makandipa matarenta mashanu tarirai ndawana mamwe matarenta mashanu.
21Ishe wake akati kwaari zvakanaka muranda wakanaka, wakatendeka. Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji. Pinda pamufaro washe wako.
22Wakanga apiwa matarenta maviri akavuyavo akati, ishe makandipa matarenta maviri, tarirai, ndawana mamwe matarenta maviri.
23Ishe akati kwaari, zvakanaka muranda wakanaka, wakatendeka, wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma. Ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro washe wako.
24Wakanga apiwa tarenta rimwe naiye wakavuya vo akati, ishe ndakanga ndichikuzivai imi kuti muri munhu une hasha. Munocheka pamusati makadzvara, munovunganidza pamusati makakusha.
25Zvino ndakatya ndikanoviga tarenta renyu pasi, hecho chinhu chenyu!
26Ishe wake akapindura akati kwaari, iwe muranda wakaipa unovusimbe wakanga uchiziva kuti ndinocheka pandisina kudzvara, ndichivunganidza pandisina kukusha.
27Saka waifanira kuisa mari yangu kunavebhanga kuti pakusvika kwangu ndingadai ndapiwa zvangu zvawanda;
28Naizvozvo mutorerei tarenta rake mupe unamatarenta ane gumi.
29Nokuti mumwe nomumwe unazvo uchapiwa ave nezvizhinji asi usina uchatorerwa nezvaanazvo.
30Budisirai muranda pasina kurima rokunze. Ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
31Zvino kana Mwanakomana womunhu achivuya nokubwinya kwake, navatumwa vatsvene vanaye, uchagara pachigaro chake chovushe chinobwinya.
32Namarudzi ose achavunganidzwa pamberi pake. Ucharavura somufudzi unoravura makwai nembudzi.
33Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.
34Zvino Ishe uchati kuna vari kurudyi vuyai imi makaropfadzwa naBaba, mugare nhaka yovushe hwakagadzirirwemwi kubva pakuvamba kwenyika.
35Nokuti ndakanga ndinenzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota mukandipa chokumwa, ndakanga ndiri mweni mukandigamuchira.
36Ndakanga ndisine-nguvo mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandifambira, ndakanga ndiri mutorongo mukavuya kwandiri.
37Zvino vakarurama vachamupindura vachiti, Ishe takakuvonai rinhiko munenzara, tikakupai chokudya? Kana munenyota tikakupai chokunwa?
38Takakuvonai rinhiko muri mweni tikakugamuchirai, Kana musinenguvo tikakupfekadzai?
39Takakuvonai rinhiko muchirwara kana mutorongo, tikavuya kwamuri?
40Ishe uchapindura achiti kwavari, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni,
41Zvino uchati kuna vari kuruboswe, ibvai kwandiri imi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa Diaborosi navatumwa vake.
42Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota mukasandipa chokumwa.
43Ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira, ndisinenguvo mukasandipfekedza, ndichirwara nomutorongo mukasandifambira.
44Zvino naivava vachapindura vachiti, Ishe takakuvonai rinhiko munenzara kana munenyota, kana muri mweni, kana musinenguvo kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai?
45Zvino uchavapindura achiti, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamuzakazviitireni.
46Ava vachaenda kukurobwa; asi vakarurama kuvupenyu bwusingaperi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.