Mateu 3
Matthew 3 · 17 verses
1(Mar. 1. 1-8; Ruka 3. 1-18; Joh. 1. 6-8; 19-36; 3. 23-32.) Namazuva iwayo Johane Mubhabhatidzi wakavuya achiparidza parenje reJudhea,
2achiti, tendevukai nokuti vushe hwokudenga hwaswedera pedo.
3Nokuti uyu ndiwakarebwa nomuporofita Isaya achiti, Inzwi rounodana murenje, gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.
4Iye Johane waiva nenguvo yamakushe ekamera nebhanhire reganda pachivuno chake zvokudya zvake zvaiva mhashu novuchi bwebundo.
5Zvino veJerusarema neJudhea rose vakabudira kwaari nenyika yose yakapoteredza Jorodhani.
6Vakabhabhatidzwa naye murwizi rwaJoridhani vachizvirevurura zvivi zvavo.
7Asi wakati achivona vazhinji vavaFarise navaSadhuse vachivuya kuzobhabhatidzwa naye, akati kwavari vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya?
8Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka.
9Musafunga kutaura mumoyo menyu muchiti, Abhurahamu ndibaba vedu, nokuti ndinoti kwamuri Mwari ungamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.
10Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti, saka muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka unotemwa ukakandirwa mumoto.
11Ini ndinokubhabhatidzai nemvura mutendevuke, asi unovuya shure kwangu unesimba kupfuvureni, uyo wandisakafanira kutakura shangu dzake, Iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
12Rusero rwake ruri muruvoko rwake, uchanatsa buriro rake kwazvo. Uchavunganidzira zviyo mudura. Asi hundi uchaipisa mumoto usingadzimwi. (Mar. 1. 9-11; Ruka 3. 21-22; Joh. 1. 31-34.)
13Zvino Jesu wakabva Garirea akasvika paJoridhani kuna Johane kuzobhabhatidzwa naye.
14Asi Johane wakaidza kumudzivisa akati, ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, ko movuya kwandiri sei?
15Asi Jesu wakapindura akati kwaari, chirega hako zvino nokuti saizvozvo zvakafanira kuti tizadzise kururama kwose. Ipapo akamurega.
16Jesu wakati abhabhatidzwa, Pakarepo akabuda mumvura. Zvino tarira denga rakamuzarurirwa akavona Mweya waMwari achiburuka senjiva. Akavuya pamusoro pake.
17Zvino tarira inzwi rakabva kudenga richiti, Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa wandinofarira!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.