Bhaibheri

Mateu 4

Matthew 4 · 25 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1(Mar. 1. 12-13; Ruka 4. 31-34.) Zvino Jesu wakatungamirirwa noMweya kurenje kuzoidzwa naDhiabhorosi.

2Wakati azvinyima zvokudya mazuva anamakumi mana novusiku bwunamakumi mana, akabva oziya.

3Zvino muidzi akavuya kwaari, akati kwaari, kana uri Mwanakomana waMwari raira kuti mabwe awa zvive zvingwa.

4Asi wakapindura akati, kwakanyorwa kuchinzi, munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo maMwari.

5Zvino Dhiabhorosi akamuisa muguta dzvene, akamuisa pachiruvu chetembere.

6Akati kwaari, kana uri Mwanakomana waMwari uzviwisire pasi nokuti kwakanyorwa kuchinzi, Iye ucharaira vatumwa vake pamusoro pako. Pamavoko avo vacha kusimudza. Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.

7Jesu akati kwaari, kwakanyorwavo, usaidza Ishe Mwari wako.

8Dhiabhorosi akamuisazve pagomo refu-refu, akamuratidza vushe bwose bwenyika nokubwinya kwabwo.

9Akati kwaari, izvi zvose ndichakupa kana ukawira pasi ukandimata.

10Ipapo Jesu akati kwaari, ibva Satani nokuti kwakanyorwa kuchinzi, namata Ishe Mwari wako, umushumire Iye woga.

11Zvino Dhiabhorosi akamurega. Vatumwa vakavuya vakamushumira. (Mar. 1. 14; Ruka 4.14; 5. 1-11.)

12Jesu wakati anzwa kuti Johane wasungwa. Akaenda Garirea.

13Zvino wakabva Nazareta akandogara Kapenaume pagungwa. Pamiganhu yeZabhuroni neNaftarimi.

14Kuti zviitike zvakarebwa nomuporofita Isaya achiti,

15Nyika yeZabhuroni nenyika yeNeftarimi, panzira yegungwa mhiri kwaJoridhani. Garirea ravahedheni.

16Vanhu vakanga vagere murima vakavona chiedza chikuru. Navakanga vagere panyika nomumumvuri worufu, chiedza chakavabudira.

17Kubva panguva iyeyo Jesu wakatanga kuparidza achiti, tendevukai nokuti vushe bwokudenga bwaswedera pedo.

18Jesu wakati achifamba pagungwa reGarirea akavona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni unonzi Petro naAndrea munun’una wake vachikandira vutava mugungwa nokuti vakanga vari vabati vehove.

19Akati kwavari nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.

20Pakarepo vakasiya vutava bwavo vakamutevera.

21Zvino wakati apfuvura mberi akavona vamwe varume vaviri mugwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedi naJohane munun 'una wake vana Zebedi baba vavo, vachigadzira vutava bwavo, akavadana.

22Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.

23Jesu akapota neGarirea rose akadzidzisa mumasinagoge avo. Achiparidza Evhangeri yovushe, achiporesa hosha dzose namarwere ose avanhu.

24Mukurumbira wake ukanzwikwa kunyika yose yeSiria. Vakavuya kwaari navairwara vose, navakabatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vanemweya yakaipa, navanezvipusha, navakanga vakafa mitezo, akavaporesa.

25Vanhu vazhinji-zhinji vaibva Garirea neDhekapori, neJerusarema, neJudhea, nemhiri kwaJoridhani vakamutevera.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.