Muparidzi 11
Ecclesiastes 11 · 10 verses
1Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura.
2Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nokuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika.
3Kana makore azara nemvura, anoidururira panyika; uye kana muti ukawira pasi kurutivi rwezasi, kana rwokumusoro, ipo panowira muti ndipo pauchavata.
4Anogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye anotarira makore, haangacheki.
5Sezvausingazivi mafambiro wemhepo, kana makuriro amapfupa mudumbu romukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose.
6Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; no kuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.
7Zvirokwazvo, chiedza chakanaka, uye meso anofara nokuona zuva.
8Zvirokwazvo, kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose; asi ngaarangarire mazuva erima, kuti achava mazhinji; zvose zvinozouya hazvina maturo.
9Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, moyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.
10Dzinga zvinonetsa pamoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nokuti uduku noujaya hazvinamaturo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.