Muparidzi 12
Ecclesiastes 12 · 14 verses
1Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo;
2zuva nechiedza, nomwedzi, nenyeredzi zvisati zvasvibiswa, makore achidzoka kana mvura yapfuura;
3zuva iro, kana vatariri veimba vachidedera, varume vane simba vachikotama, vakuyi vachirega basa ravo, nokuti vava vashoma; navanotarira napamahwindo vasvibirwa;
4mikova ichizarirwa inobudira kunzira dzokumusha, nenzwi rokukuya richidedera; kana achimuka nenzwi reshiri, navaimbi vose vasinganzwiki zvakanaka.
5Zvirokwazvo vachatya zvakakwirira, nezvinotyisa zvichanzi zviri panzira; muamanda uchatumbuka maruva, nemhashu ichazvikwekweredza, uye kuda kwose kuchapera; nokuti munhu anoenda kumusha wake usingaperi, vachemi va chafamba-famba panzira dzomumusha;
6rwonzi rwesirivha rusati rwadamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu,
7guruva risati radzokera kuvhu, sezvarakanga rakaita; uye mweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.
8Zvanzi noMuparidzi, Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo!
9Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu akachenjera, akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; akarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji.
10Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.
11Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa, akapiwa noMufudzi mumwechete.
12Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.
13Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri, Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.
14Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe, pamwechete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.