Zvino vana vaIsiraeri, ungano yose, vakasvika murenje reZini nomwedzi wokutanga, vanhu vakagara paKadheshi. Miriami akafirapo, akavigwawopo.Then came the children of Israel, even the whole congregation, into the desert of Zin in the first month: and the people abode in Kadesh; and Miriam died there, and was buried there.
Ipapo pakanga pasina mvura yokunwa yeungano yose; zvino vanhu vakaunganira kuna Mozisi naAroni.And there was no water for the congregation: and they gathered themselves together against Moses and against Aaron.
Vanhu vakarwa naMozisi, vakataura, vachiti, Dai takafa hedu nguva yakafa hama dzedu pamberi paJehovha!And the people chode with Moses, and spake, saying, Would God that we had died when our brethren died before the LORD!
Makauyisireiko ungano yaJehovha murenje rino, kuti tifiremo, isu nezvipfuwo zvedu?And why have ye brought up the congregation of the LORD into this wilderness, that we and our cattle should die there?
Makatibudisireiko muIjipiti, kuzotiisa panzvimbo iyi yakaipa? Haizi nzvimbo yembeu, kana yamaonde, kana yemizambiringa, kana yamatamba; nemvura yokunwa hapana.And wherefore have ye made us to come up out of Egypt, to bring us in unto this evil place? it is no place of seed, or of figs, or of vines, or of pomegranates; neither is there any water to drink.
Ipapo Mozisi naAroni vakabva paungano, vakaenda kumukova wetende rokusangana, vakawira pasi nezviso zvavo; kubwinya kwaJehovha kukaratidzwa kwavari.And Moses and Aaron went from the presence of the assembly unto the door of the tabernacle of the congregation, and they fell upon their faces: and the glory of the LORD appeared unto them.
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,And the LORD spake unto Moses, saying,
Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukuru wako, mutaure nedombo pamberi pavo, kuti ribudise mvura padombo, unwise ungano nezvipfuwo zvavo.Take the rod, and gather thou the assembly together, thou, and Aaron thy brother, and speak ye unto the rock before their eyes; and it shall give forth his water, and thou shalt bring forth to them water out of the rock: so thou shalt give the congregation and their beasts drink.
Ipapo Mozisi akatora tsvimbo, yakanga iri pamberi paJehovha, sezvaakanga arairwa naye.And Moses took the rod from before the LORD, as he commanded him.
Mozisi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, akati kwavari, Zvino, chinzwai, imwi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?And Moses and Aaron gathered the congregation together before the rock, and he said unto them, Hear now, ye rebels; must we fetch you water out of this rock?
Ipapo Mozisi akasimudza ruoko rwake, akarova dombo kaviri netsvimbo yake, mvura ikabuda zhinji-zhinji, ungano ikanwa, nezvipfuwo zvavo.And Moses lifted up his hand, and with his rod he smote the rock twice: and the water came out abundantly, and the congregation drank, and their beasts also.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, Zvamusina kutenda kwandiri, kunditsaura pamberi pavana valsiraeri, hamungapinzi ungano iyi munyika yandakaipa.And the LORD spake unto Moses and Aaron, Because ye believed me not, to sanctify me in the eyes of the children of Israel, therefore ye shall not bring this congregation into the land which I have given them.
Ndiyo mvura yeMeribha, nokuti vana vaIsiraeri vakarwa naJehovha, akazviratidza kwavari ari Mutsvene.This is the water of Meribah; because the children of Israel strove with the LORD, and he was sanctified in them.
Zvino Mozisi akatuma nhume, dzaibva Kadheshi, kuna mambo weEdhomu, achiti, Zvanzi nomunun’una wako Isiraeri, `Unoziva nhamo dzose dzakatiwira,And Moses sent messengers from Kadesh unto the king of Edom, Thus saith thy brother Israel, Thou knowest all the travail that hath befallen us:
kuti madzibaba edu akaburukira Ijipiti, tikagara Ijipiti nguva huru, vaIjipiti vakatiitira zvakaipa, isu namadzibaba edu;How our fathers went down into Egypt, and we have dwelt in Egypt a long time; and the Egyptians vexed us, and our fathers:
zvino takati tichichema kuna Jehovha, iye akanzwa manzwi edu, akatuma mutumwa kutibudisa paIjipiti, zvino tarirai, tiri paKadheshi, paguta riri pamuganhu wenyika yako;And when we cried unto the LORD, he heard our voice, and sent an angel, and hath brought us forth out of Egypt: and, behold, we are in Kadesh, a city in the uttermost of thy border:
dotitendera kupfuura napanyika yako; hatingafambi napaminda, kana napaminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvikira tabuda panyika yako.'Let us pass, I pray thee, through thy country: we will not pass through the fields, or through the vineyards, neither will we drink of the water of the wells: we will go by the king’s high way, we will not turn to the right hand nor to the left, until we have passed thy borders.
Ipapo Edhomu akati kwaari, Haungapfuuri nokwandiri, kuti ndirege kuuya kuzorwa newe nomunondo.And Edom said unto him, Thou shalt not pass by me, lest I come out against thee with the sword.
Vana vaIsiraeri vakati kwaari, Tichakwira nenzira huru; kana tikanwa mvura yako, ini nezvipfuwo zvangu, ndicharipa mutengo wayo; nditendere kwoga kupfuura namakumbo angu, hakuna rimwe shoko.And the children of Israel said unto him, We will go by the high way: and if I and my cattle drink of thy water, then I will pay for it: I will only, without doing any thing else, go through on my feet.
Iye akati, Haungapfuuri. Zvino Edhomu akauya kuzorwa naye navanhu vazhinji, noruoko rune simba.And he said, Thou shalt not go through. And Edom came out against him with much people, and with a strong hand.
Naizvozvo Edhomu akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake. Ipapo vaIsiraeri vakatsauka kwaari.Thus Edom refused to give Israel passage through his border: wherefore Israel turned away from him.
Zvino vakasimuka paKadheshi, vana vaIsiraeri, iyo ungano yose, vakasvika pagomo reHori.And the children of Israel, even the whole congregation, journeyed from Kadesh, and came unto mount Hor.
Ipapo Jehovha akataura naMozisi naAroni pagomo reHori, pamuganhu wenyika yaEdhomu, akati,And the LORD spake unto Moses and Aaron in mount Hor, by the coast of the land of Edom, saying,
Aroni uchasanganiswa navanhu vake, nokuti haangapindi munyika yandakapa vana valsiraeri, nokuti makaramba shoko rangu pamvura yeMeribha.Aaron shall be gathered unto his people: for he shall not enter into the land which I have given unto the children of Israel, because ye rebelled against my word at the water of Meribah.
Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari, ukwire navo pagomo reHori;Take Aaron and Eleazar his son, and bring them up unto mount Hor:
zvino ubvise nguvo dzake, ugodzifukidza Ereazari mwanakomana wake; ipapo Aroni achasanganiswa navanhu vake, achafirapo.And strip Aaron of his garments, and put them upon Eleazar his son: and Aaron shall be gathered unto his people, and shall die there.
Mozisi akaita sezvaakarairwa naJehovha; vakakwira pagomo reHori pamberi peungano yose.And Moses did as the LORD commanded: and they went up into mount Hor in the sight of all the congregation.
Zvino Mozisi wakabvisa nguvo dzaAroni, akadzifukidza Ereazari mwanakomana wake; Aroni akafirapo pamusoro pegomo; Mozisi naEreazari vakaburuka havo pagomo.And Moses stripped Aaron of his garments, and put them upon Eleazar his son; and Aaron died there in the top of the mount: and Moses and Eleazar came down from the mount.
Zvino ungano yose yakati ichiona kuti Aroni afa, vakachema Aroni mazuva makumi matatu, iyo imba yose yaIsiraeri.And when all the congregation saw that Aaron was dead, they mourned for Aaron thirty days, even all the house of Israel.