Zvino mambo weAradhi, muKenani, akanga agere kunyika yeZasi, akati anzwa kuti vaIsiraeri vouya nenzira yeAtarimu, akarwa navaIsiraeri, akatapa vamwe vavo.And when king Arad the Canaanite, which dwelt in the south, heard tell that Israel came by the way of the spies; then he fought against Israel, and took some of them prisoners.
Ipapo vaIsiraeri vakapikira Jehovha mhiko, vakati, Kana mukapa vanhu ava mumaoko edu, tichaparadza maguta avo chose.And Israel vowed a vow unto the LORD, and said, If thou wilt indeed deliver this people into my hand, then I will utterly destroy their cities.
Jehovha akateerera inzwi ravaIsiraeri, akavapa vaKenani; vakavaparadza chose namaguta avo; nzvimbo iyo ikanzi Homa.And the LORD hearkened to the voice of Israel, and delivered up the Canaanites; and they utterly destroyed them and their cities: and he called the name of the place Hormah.
Zvino vakasimuka pagomo reHori, vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; vanhu vakapera moyo kwazvo panzira.And they journeyed from mount Hor by the way of the Red sea, to compass the land of Edom: and the soul of the people was much discouraged because of the way.
Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMozisi, vakati, Makatibudisireiko Ijipiti, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa.And the people spake against God, and against Moses, Wherefore have ye brought us up out of Egypt to die in the wilderness? for there is no bread, neither is there any water; and our soul loatheth this light bread.
Jehovha akatuma nyoka dzinopenga pakati pavanhu, dzikaruma vanhu, vanhu vazhinji valsiraeri vakafa.And the LORD sent fiery serpents among the people, and they bit the people; and much people of Israel died.
Zvino vanhu vakauya kuna Mozisi, vakati, Takatadza, nokuti takapopotera Jehovha nemi; kumbirai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri. Mozisi akakumbirira vanhu.Therefore the people came to Moses, and said, We have sinned, for we have spoken against the LORD, and against thee; pray unto the LORD, that he take away the serpents from us. And Moses prayed for the people.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Uzviitire nyoka inopenga, ugoiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akarumwa kana akaitarira, achararama.And the LORD said unto Moses, Make thee a fiery serpent, and set it upon a pole: and it shall come to pass, that every one that is bitten, when he looketh upon it, shall live.
Mozisi akaita nyoka yendarira, akaiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akati kana arumwa, akatarira nyoka iyo yendarira, akararama.And Moses made a serpent of brass, and put it upon a pole, and it came to pass, that if a serpent had bitten any man, when he beheld the serpent of brass, he lived.
Vana valsiraeri vakafamba, vakandodzika matende avo paObhoti.And the children of Israel set forward, and pitched in Oboth.
Vakabva Obhoti, vakandodzika matende avo paIje-aBharimi, murenje riri pamberi paMoabhu, kumabvazuva.And they journeyed from Oboth, and pitched at Ije-abarim, in the wilderness which is before Moab, toward the sunrising.
Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo pamupata weZeredhi.From thence they removed, and pitched in the valley of Zared.
Vakafamba vachibva ipapo, vakandodzika matende avo kumhiri kwaArinoni, rwizi rwaiva murenje, rwaibva kunyika yavaAmori; nokuti Arinoni ndiwo muganhu wavaMoabhu, pakati paMoabhu navaAmori.From thence they removed, and pitched on the other side of Arnon, which is in the wilderness that cometh out of the coasts of the Amorites: for Arnon is the border of Moab, between Moab and the Amorites.
Naizvozvo pabhuku yeHondo dzaJehovha panoti: VaHebhi paSufa,Nemipata yaArinoni,Wherefore it is said in the book of the wars of the LORD, What he did in the Red sea, and in the brooks of Arnon,
Nemikwidza yemipata inorerekera kunzvimbo yeAri, Inosendamira pamuganhu waMoabhu.And at the stream of the brooks that goeth down to the dwelling of Ar, and lieth upon the border of Moab.
Vakafamba vachibva ipapo, vakaenda Bheeri; ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mozisi, Unganidza vanhu, ndichavapa mvura.And from thence they went to Beer: that is the well whereof the LORD spake unto Moses, Gather the people together, and I will give them water.
Zvino vaIsiraeri vakaimba rwiyo urwu: Chivhaira, iwe tsime; imwi muriimbire;Then Israel sang this song, Spring up, O well; sing ye unto it:
Ndiro tsime rakacherwa namachinda, Rakacherwa navakuru vavanhu Netsvimbo youshe, uye netsvimbo dzavo.Vakabva murenje, vakaenda Matana;The princes digged the well, the nobles of the people digged it, by the direction of the lawgiver, with their staves. And from the wilderness they went to Mattanah:
vakabva Matana, vakaenda Naharieri; vakabva Naharieri, vakaenda Bhamoti;And from Mattanah to Nahaliel: and from Nahaliel to Bamoth:
vakabva Bhamoti, vakaenda kumupata uri kubani raMoabhu, kusvikira kumusoro wegomo rePisiga, rinotarira pasi kurenje.And from Bamoth in the valley, that is in the country of Moab, to the top of Pisgah, which looketh toward Jeshimon.
Zvino vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, vachiti,And Israel sent messengers unto Sihon king of the Amorites, saying,
Nditendere kupfuura napanyika yako; hatingatsaukiri kumunda kana kumunda wemizambiringa; hatinganwi mvura yamatsime; tichafamba nenzira huru yamambo, kusvikira tabuda panyika yako.Let me pass through thy land: we will not turn into the fields, or into the vineyards; we will not drink of the waters of the well: but we will go along by the king’s high way, until we be past thy borders.
Asi Sihoni akaramba kutendera vaIsiraeri kupfuura napanyika yake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akaenda kurenje kundorwa navaIsiraeri, akasvika paJahazi; akarwa navaIsiraeri.And Sihon would not suffer Israel to pass through his border: but Sihon gathered all his people together, and went out against Israel into the wilderness: and he came to Jahaz, and fought against Israel.
Asi vaIsiraeri vakamukunda neminondo inopinza, vakatora nyika yake kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kusvikira pavana vaAmoni; nokuti muganhu wavana vaAmoni wakanga wakasimba.And Israel smote him with the edge of the sword, and possessed his land from Arnon unto Jabbok, even unto the children of Ammon: for the border of the children of Ammon was strong.
Naizvozvo vaIsiraeri vakakunda maguta iwayo ose; vaIsiraeri vakagara mumaguta ose avaAmori, muHeshibhoni napamisha yaro yose.And Israel took all these cities: and Israel dwelt in all the cities of the Amorites, in Heshbon, and in all the villages thereof.
Nokuti Heshibhoni rakanga riri guta raSihoni, mambo wavaAmori, iye akanga arwa namambo wokutanga waMoabhu, akamutorera nyika yake yose kusvikira paArinoni.For Heshbon was the city of Sihon the king of the Amorites, who had fought against the former king of Moab, and taken all his land out of his hand, even unto Arnon.
Naizvozvo vanotaura neshumo vanoti, Uyai muHeshibhoni,Guta raSihoni ngarivakwe, risimbiswe;Wherefore they that speak in proverbs say, Come into Heshbon, let the city of Sihon be built and prepared:
Nokuti moto wakabuda Nomurazvo paguta raSihoni, Ukaparadza Ari waMoabhu, Madzishe enzvimbo dzakakwirira dzaArinoni.For there is a fire gone out of Heshbon, a flame from the city of Sihon: it hath consumed Ar of Moab, and the lords of the high places of Arnon.
Une nhamo iwe Moabhu! Mapera imwi vanhu veKemoshi; Wakapa Sihoni vanakomana vake vatize,Navanasikana vake vatapwe, Sihoni, mambo wavaAmori.Woe to thee, Moab! thou art undone, O people of Chemosh: he hath given his sons that escaped, and his daughters, into captivity unto Sihon king of the Amorites.
Takavapfura; Heshibhoni rakaparadzwa kusvikira paDhibhoni,Takaparadza kusvikira paNofa, Moto ukasvika paMedhebha.We have shot at them; Heshbon is perished even unto Dibon, and we have laid them waste even unto Nophah, which reacheth unto Medeba.
Naizvozvo valsiraeri vakagara munyika yavaAmori.Thus Israel dwelt in the land of the Amorites.
Zvino Mozisi akatuma vanhu kundoshora Jazeri, vakakunda misha yaro, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo.And Moses sent to spy out Jaazer, and they took the villages thereof, and drove out the Amorites that were there.
Ipapo vakadzoka, vakakwira nenzira inoenda Bhashani; zvino Ogi, mambo weBhashani, akauya kuzorwa navo paEdhirei, iye navanhu vake vose.And they turned and went up by the way of Bashan: and Og the king of Bashan went out against them, he, and all his people, to the battle at Edrei.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, Usamutya hako, nokuti ndakamupa mumaoko ako, iye navanhu vake vose, nenyika yake; unofanira kumuitira iye sezvawakaitira Sihoni, mambo wavaAmori, aigara paHeshibhoni.And the LORD said unto Moses, Fear him not: for I have delivered him into thy hand, and all his people, and his land; and thou shalt do to him as thou didst unto Sihon king of the Amorites, which dwelt at Heshbon.
Naizvozvo vakamukunda, iye navanakomana vake vose, kudzimana asina kusarirwa nomumwe; vakatora nyika yake.So they smote him, and his sons, and all his people, until there was none left him alive: and they possessed his land.