Zvino Jehovha akataura naMozisi pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko, akati,And the LORD spake unto Moses in the plains of Moab by Jordan near Jericho, saying,
Raira vana vaIsiraeri, kuti vape vaRevhi panhaka yavakagara ivo, maguta mavangagara; munofanirawo kupa vaRevhi ruwa runopoteredza maguta avo.Command the children of Israel, that they give unto the Levites of the inheritance of their possession cities to dwell in; and ye shall give also unto the Levites suburbs for the cities round about them.
Vanofanira kuva namaguta mavangagara; noruwa rwawo runofanira kuva rwemombe dzavo, nefuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose.And the cities shall they have to dwell in; and the suburbs of them shall be for their cattle, and for their goods, and for all their beasts.
Ruwa rwamaguta, amunofanira kupa vaRevhi, runofanira kutanga parusvingo rweguta ndokupoteredza guta kusvika pamakubhiti ane chiuru chimwe kunhivi dzose.And the suburbs of the cities, which ye shall give unto the Levites, shall reach from the wall of the city and outward a thousand cubits round about.
Munofanira kuyera kunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwezasi makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwokumusoro makubhiti ane zviuru zviviri, guta riri pakati. Ndirwo runofanira kuva ruwa rwamaguta avo.And ye shall measure from without the city on the east side two thousand cubits, and on the south side two thousand cubits, and on the west side two thousand cubits, and on the north side two thousand cubits and the city shall be in the midst: this shall be to them the suburbs of the cities.
Maguta amunopa vaRevhi anofanira kuva maguta matanhatu outiziro, amunofanira kuvapa, kuti muurayi atizire kwaari; kunze kwaiwayo munofanira kuvapa maguta ana makumi mana namaviri.And among the cities which ye shall give unto the Levites there shall be six cities for refuge, which ye shall appoint for the manslayer, that he may flee thither: and to them ye shall add forty and two cities.
Maguta ose amunopa vaRevhi anofanira kuva maguta ana makumi mana namasere, iwo noruwa rwawo.So all the cities which ye shall give to the Levites shall be forty and eight cities: them shall ye give with their suburbs.
Kana ari maguta amunotora panhaka dzavana vaIsiraeri, kuna vana mazhinji munofanira kutora mazhinji, kuna vana mashoma munofanira kutora mashoma; rudzi rumwe norumwe runofanira kupa vaRevhi mamwe maguta, sezvarwakapiwa nhaka yarwo.And the cities which ye shall give shall be of the possession of the children of Israel: from them that have many ye shall give many; but from them that have few ye shall give few: every one shall give of his cities unto the Levites according to his inheritance which he inheriteth.
Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,And the LORD spake unto Moses, saying,
Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, `Kana mayambuka Jorodhani, mukapinda munyika yeKenani,Speak unto the children of Israel, and say unto them, When ye be come over Jordan into the land of Canaan;
munofanira kuzvisanangurira maguta, ave maguta outiziro kwamuri; kuti muurayi, anouraya munhu asingaiti nohwoni atizireko.Then ye shall appoint you cities to be cities of refuge for you; that the slayer may flee thither, which killeth any person at unawares.
Maguta iwayo anofanira kuva kwamuri utiziro pamutsivi, kuti muurayi arege kufa, asina kumbotongwa pamberi peungano.And they shall be unto you cities for refuge from the avenger; that the manslayer die not, until he stand before the congregation in judgment.
Maguta amunovapa, anofanira kuva kwamuri maguta matanhatu outiziro.And of these cities which ye shall give six cities shall ye have for refuge.
Munofanira kuvapa maguta matatu mhiri kwaJorodhani, namamwe maguta matatu munofanira kuvapa munyika yeKenani; ndiwo anofanira kuva maguta outiziro.Ye shall give three cities on this side Jordan, and three cities shall ye give in the land of Canaan, which shall be cities of refuge.
Maguta iwayo matanhatu anofanira kuva utiziro kuvana vaIsiraeri, nokumweni, nokumutorwa ugere pakati pavo; kuti mumwe nomumwe wakauraya munhu, asina kuita nohwoni, atizireko.These six cities shall be a refuge, both for the children of Israel, and for the stranger, and for the sojourner among them: that every one that killeth any person unawares may flee thither.
Asi kana achinge amurova nenhumbi yedare, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.And if he smite him with an instrument of iron, so that he die, he is a murderer: the murderer shall surely be put to death.
Kana achinge amuuraya nebwe riri muruoko rwake, ringauraya munhu, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.And if he smite him with throwing a stone, wherewith he may die, and he die, he is a murderer: the murderer shall surely be put to death.
Kana achinge amurova nenhumbi yamatanda iri muruoko rwake, ingauraya munhu, akafa, wava muurayi; muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.Or if he smite him with an hand weapon of wood, wherewith he may die, and he die, he is a murderer: the murderer shall surely be put to death.
Mutsivi weropa ndiye anofanira kuuraya muurayi amene; kana akasangana naye, unofanira kumuuraya.The revenger of blood himself shall slay the murderer: when he meeteth him, he shall slay him.
Kana achinge amusunga achimuvenga, kana kumuposhera, amuvandira, akafa;But if he thrust him of hatred, or hurl at him by laying of wait, that he die;
kana zvimwe akamurova noruoko, achimuvenga, akafa, wakamurova anofanira kuurawa zvirokwazvo, muurayi; mutsivi weropa, anofanira kuuraya muurayi, kana akasangana naye.Or in enmity smite him with his hand, that he die: he that smote him shall surely be put to death; for he is a murderer: the revenger of blood shall slay the murderer, when he meeteth him.
Asi kana achinge amusunda kamwe-kamwe, asina kumuvenga, kana kumuposhera nechinhu, asina kumuvandira,But if he thrust him suddenly without enmity, or have cast upon him any thing without laying of wait,
kana nebwe, ringauraya munhu, akarikanda pamusoro pake, asingamuoni, akafa, iye asina kumuvenga, kana kutsvaka kumukuvadza;Or with any stone, wherewith a man may die, seeing him not, and cast it upon him, that he die, and was not his enemy, neither sought his harm:
zvino ungano inofanira kutonga mhosva pakati pomukuvadzi nomutsivi weropa nemirairo iyi:Then the congregation shall judge between the slayer and the revenger of blood according to these judgments:
Ipapo ungano inofanira kurwira muurayi paruoko rwomutsivi weropa, ungano igomudzosera kuguta rake routiziro, kwaakanga atizira; zvino iye anofanira kugaramo kusvikira mupirisiti mukuru afa, iye wakazodzwa namafuta matsvene.And the congregation shall deliver the slayer out of the hand of the revenger of blood, and the congregation shall restore him to the city of his refuge, whither he was fled: and he shall abide in it unto the death of the high priest, which was anointed with the holy oil.
Asi kana nguva ipi neipi muurayi akadarika muganhu weguta rake routiziro, kwaakanga atizira,But if the slayer shall at any time come without the border of the city of his refuge, whither he was fled;
mutsivi weropa akamuwana kunze kwomuganhu weguta rako routiziro, mutsivi weropa akauraya muurayi uyo, iye haangavi nemhosva yeropa rake;And the revenger of blood find him without the borders of the city of his refuge, and the revenger of blood kill the slayer; he shall not be guilty of blood:
nokuti waifanira kugara muguta rake routiziro kusvikira mupirisiti mukuru afa; asi kana mupirisiti mukuru afa, muurayi anofanira kudzokera kunyika yake.Because he should have remained in the city of his refuge until the death of the high priest: but after the death of the high priest the slayer shall return into the land of his possession.
Izvi zvinofanira kuva kwamuri murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose kwamunogara kwose.So these things shall be for a statute of judgment unto you throughout your generations in all your dwellings.
Ani naani unouraya munhu, muurayi anofanira kuurawa nokupupura kwezvapupu; asi chapupu chimwe hachifaniri kupupurira munhu akaurawa.Whoso killeth any person, the murderer shall be put to death by the mouth of witnesses: but one witness shall not testify against any person to cause him to die.
Uye hamufaniri kugamuchira dzikunuro pamusoro poupenyu hwomuurayi, anofanira kuti aurawe; asi anofanira kuurawa zvirokwazvo.Moreover ye shall take no satisfaction for the life of a murderer, which is guilty of death: but he shall be surely put to death.
Musagamuchira dzikunuro pamusoro pomunhu wakatizira kuguta routiziro, kuti adzokere kugara munyika yake, kusvikira mupirisiti afa.And ye shall take no satisfaction for him that is fled to the city of his refuge, that he should come again to dwell in the land, until the death of the priest.
Naizvozvo hamufaniri kusvibisa nyika mamugere, nokuti ropa rinosvibisa nyika; nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi kwoga neropa romunhu wakariteura.So ye shall not pollute the land wherein ye are: for blood it defileth the land: and the land cannot be cleansed of the blood that is shed therein, but by the blood of him that shed it.
Musasvibisa nyika mamugere, mandigerewo ini; nokuti ini Jehovha ndigere pakati pavana vaIsiraeri.'Defile not therefore the land which ye shall inhabit, wherein I dwell: for I the LORD dwell among the children of Israel.