Bhaibheri

Numeri 34

Numbers 34 · 29 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

2Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, `Kana masvika munyika yeKenani, (ndiyo nyika ichava nhaka yenyu, iyo nyika yeKenani, kusvikira kumiganhu yayo,)

3rutivi rwenyu rwezasi runofanira kutanga murenje reZini ruchienda nokurutivi rweEdhomu; muganhu wenyu wezasi uchatanga pamuuyu weGungwa roMunyu, uchienda kumabvazuva;

4zvino muganhu wenyu upote nechezasi kwegomo reAkirabhimu, ndokupfuurira kuZini, ugobuda nechezasi kweKadheshi-bharinea; zvino upfuure kuHazari-adhari, ugondosvika Azimoni;

5zvino muganhu unofanira kupota uchitanga paAzimoni, kusvika kurukova rweIjipiti, ndokubuda paGungwa.

6Muganhu wenyu wokumavirazuva ndiro Gungwa Guru nenyika yaro; ndiwo muganhu wokumavirazuva.

7Ndiwo muganhu wenyu wokumusoro: Kubva paGungwa Guru munofanira kutara muganhu wenyu kusvika pagomo reHori;

8kubva paHori munofanira kutara muganhu wenyu kusvika pavanopinda paHamati, muganhu ugondogumira paZedhadhi.

9Zvino muganhu upfuurire kusvika paZifuroni, ugondoguma paHazari-enani; ndiwo muganhu wenyu wokumusoro.

10Munofanira kutarawo muganhu wenyu wokumabvazuva, kubva paHazari-enani kusvika paShefami.

11Kubva paShefami muganhu uburukire Ribhira, kumabvazuva kweAini; zvino muganhu uburuke, ugondosvika kurutivi rwegungwa reKinereti kumabvazuva;

12zvino muganhu uburukire kuJorodhani, ugondoguma paGungwa roMunyu; ndiyo ichava nyika yenyu nemiganhu yayo kunhivi dzose.'

13Mozisi akaraira vana vaIsiraeri, akati, Ndiyo nyika yamuchapiwa nemijenya ive nhaka yenyu, yakarairwa naJehovha kuti ipiwe marudzi mapfumbamwe nehafu;

14nokuti rudzi rwavana vaRubheni, nedzimba dzamadzibaba avo, norudzi rwavana vaGadhi, nedzimba dzamadzibaba avo, vatopiwa havo, nehafu yorudzi rwaManase vatopiwa havo nhaka yavo;

15marudzi awa maviri nehafu akapiwa nhaka yawo nechemhiri kwaJoroclhani paJeriko, kumabvazuva kunobuda zuva nako.

16Zvino Jehovha akataura naMozisi, akati,

17Ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika kuti ive nhaka yenyu: Ereazari mupirisiti, naJoshua, mwanakomana waNuni.

18Munofanira kutsaurawo muchinda mumwe kurudzi rumwe norumwe kugovera nyika ive nhaka yenyu.

19Ndiwo mazita avarume ivavo: Kurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune;

20kurudzi rwavana vaSimiyoni, Shemueri, mwanakomana waAmihudhi;

21kurudzi kwaBhenjamini, Eridhadhi, mwanakomana waKisironi;

22kurudzi rwavaDhani, muchinda Bhuki, mwanakomana waJogiri;

23kuvana vaJosefa, kurudzi rwavana vaManase, muchinda Hanieri, mwanakomana waEfodhi;

24kurudzi rwavana vaEfuremu, muchinda Kemueri, mwanakomana waShifitani;

25kurudzi rwavana vaZebhuruni, muchinda Erizafani, mwanakomana waAzani ;

26kurudzi rwavana vaIsakari, muchinda Patieri, mwanakomana waAzani,

27kurudzi rwavana vaAsheri, muchinda Ahihudhi, mwanakomana waSheromi;

28kurudzi rwavana vaNafutari, muchinda Pedhaheri, mwanakomana waAmihudhi.

29Ndivo vakarairwa naJehovha kuti vagovere nyika yeKenani, ive nhaka yavana vaIsiraeri.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.