Bhaibheri

Ruka 12

Luke 12 · 59 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino vanhu vanezvuru zvizhinji vakati vavunganira pamwe chete kusvikira votsikirirana, akavamba kutaura kuvadzidzi vake pakutanga, achiti: Chenjerai mbiriso yavaFarise, ndiko kunyengera.

2Hakunechinhu chakafukidzwa, chisingazozarurwi; kana chakavanzika, chisingazozikanwi.

3Saka zvose zvamakataura murima, zvichanzwika muchiedza; nezvamakataura munzeve mudzimba dzomukati, zvichaparidzwa pamusoro pedzimba.

4Ndinoti kwamuri, hama dzangu; Musatya vanovuraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo.

5Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana avuraya, unesimba vo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri: Mumutye iye.

6Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari.

7Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya, munopfuvura shiri duku zhinji.

8Ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu uchamupupura vo pamberi pavatumwa vaMwari.

9Asi unondiramba pamberi pavanhu, ucharambwa vo pamberi pavatumwa vaMwari.

10Mumwe nomumwe unoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, uchakangamwirwa, asi unomhura Mweya Mutsvene haangakangamwirwi.

11Kana vachikuisai pamberi pamasinagoge navatongi navakuru, musafunganya kuti muchapindura sei, kana inyiko, kana muchataurei.

12Nokuti Mweya Mutsvene uchakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura.

13Zvino mumwe pakati pavazhinji wakati kwaari: Mudzidzisi, vudzai munin’ina wangu kuti agovane nhaka neni.

14Iye akati kwaari: Iwe munhu, ndianiko wakandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu?

15Akati kwavari: Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti vupenyu bwomunhu habwuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.

16Akavataurira mufananidzo, akati: Nyika yomumwe mufumi yakanga yabereka kwazvo;

17akafunga mumoyo make, akati: Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingavunganidzira zvibereko zvangu.

18Akati; Ndichaita kudai: Ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichavunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka,

19ndigoti kumweya wangu: Mweya, unezvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji; zorora, udye, umwe, ufare.

20Asi Mwari akati kwaari: Iwe benzi, mweya wako uchadikamwa kubva kwauri, novusiku; ubwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvani?

21Ndizvo zvakaita munhu unozvivunganidzira fuma, asingafumi kunaMwari.

22Zvino wakati kuvadzidzi vake; Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro povupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei?

23Nokuti vupenyu bwunopfuvura zvokudya, nomuviri unopfuvura zvokupfeka.

24Fungai makunguvo, kuti haadzvari, haacheki, haanetsapi kana dura; asi Mwari unoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei!

25Ndianiko kwamuri ungawedzera kubiti* rimwe pavurefu bwake nokufunganya?

26Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?

27Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo.

28Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo vuswa bwenyika, bwuripo nhasi, mangwana bwokandirwa muchoto, haangakupfekedziyi nokupfuvurisa, imi vokutenda kuduku here?

29Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchamwa; musazvidya moyo.

30Nokuti zvinhu izvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.

31Asi zviri nani mutsvake vushe bwaMwari, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa.

32Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti Baba venyu vanofara nokukupai vushe.

33Tengesai zvamunazvo, mupe zvipo; muzviitire zvikwama zvisingasakari, fuma isingaperi kudenga, pasingasviki mbavha, pasingaparadzi zvipfunho.

34Nokuti panefuma yenyu, nomoyo wenyu uchavapo vo.

35Zvivuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje yenyu ipfute.

36Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akasvika akagogodza, vamuzarurire pakarepo.

37Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti, kana ishe achisvika, unovawana vakarindira. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uchazvisunga chivuno iye, akavagarisa pakudya, akavuya akavashandira.

38Kana akasvika nenguva yokurindira yechipiri, kana yechitatu yovusiku, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.

39Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nguva inovuya nayo mbavha, ungadai akarindira akasatendera kuti imba yake ipazwe.

40Nemi vo mugare mazvigadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya nenguva yamusingafungi.

41Zvino Petro akati kwaari: Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kunavose here?

42Ishe akati: Ndianiko mutariri wakatendeka, wakachenjera, uchaiswa nashe wake pamusoro pavaranda vake, kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira?

43Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti, kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo.

44Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo,

45Asi kana muranda uyo akareva mumoyo make, achiti: Ishe wangu wanonoka kuvuya; akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akamwa, akabatwa;

46ishe womuranda uyo uchasvika nezuva raasingatariri, nenguva yaasingazivi, akamurovesa zvikuru, akamupa mugove wake pamwe chete navasakatendeka.

47Muranda uyo wakaziva kuda kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuda kwake, ucharobwa zvizhinji.

48Asi usina kuziva, akaita zvakafanira kurobwa, ucharobwa zvishoma. Wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; unotendwa nezvizhinji, vachareva zvinopfuvurisa kwaari.

49Ndakavuya kuzokanda moto panyika; zvino ndinoti: Dai watobatidzwa hawo!

50Ndinorubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichiitika.

51Munofunga kuti ndakavuya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri: Kwete, asi kupesanisa.

52Nokuti kubva zvino vashanu veimba imwe vachapesana, vatatu vachipesana navaviri, vaviri navatatu.

53Baba vachapesana nomwanakomana wavo, nomwanakomana nababa vake; mai nomwanasikana wavo, nomwanasikana namai vake; vamwene nomukadzi womwanakomana wavo, nomukadzi womwanakomana navamwene vake.

54Akati kuvanhu vazhinji: Kana muchivona gore richikwira kumavirira,, pakarepo munoti: Mvura ichanaya; zvoitika saizvozvo.

55Kana muchivona mhepo ichivhuvhuta ichibva Zasi munoti: Kuchapisa kwazvo; zvoitika.

56Imi vanyengeri, munoziva kududzira zvamunovona zvenyika nezvokudenga, asi hamuzivi nei kududzira nguva ino?

57Munoregereiko kuzvitongera mumene zvakarurama

58Nokuti kana uchienda kunashe nomudzivisi wako, idza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akuise kumupurisa mupurisa akusunge mutorongo.

59Ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.