Bhaibheri

Ruka 11

Luke 11 · 54 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino wakati achinyengetera paneimwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johane sezvaakadzidzisa vadzidzi vake vo.

2Akati kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba, vedu vari kudenga zita renyu ngariitwe dzvene; vushe bwenyu ngabwuvuye; kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.

3mutipei zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana;

4mutikangamwire zvivi zvedu sesu tichikangamwira vane mhoswa nesu musatiisa pakuidzwa asi mutisunungure pane zvakaipa,

5Akati kwavari: Ndianiko kwamuri ungava neshamwari, akaenda kwaari pakati povusiku, akati kwaari; Shamwari, ndipose vo zvingwa zvitatu;

6nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.

7Uri mukati akapindura, akati; Usandinetsa; mukova watopfigwa, navana vangu vava neni panhovo; handingamuki ndikakupa.

8Ndinoti kwamuri: Kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, kunyange zvakadaro, nokuda kwokutsungirira kwake, uchamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa.

9Ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.

10Nokuti mumwe nomumwe unokumbira, unopiwa; unotsvaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa.

11Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here?

12Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here?

13Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari.

14Zvino wakanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve; mweya wakaipa ukati wabva, mbeveve ikataura, vanhu vazhinji vakashamiswa.

15Asi vamwe vavo vakati: Unobudisa mweya yakaipa naBeerzeburi, mukuru wemweya yakaipa.

16Asi vamwe vakamuidza, vakakumbira chiratidzo kwaari chinobva kudenga.

17Zvino iye wakati achiziva kufunga kwavo, akati kwavari; Vushe bwumwe nobwumwe bwunozvipesanisa, bwunoparadzwa; neimba inozvipesanisa inowa.

18NaSatani, kana achizvipesanisa, vushe bwake bwungamira seiko, zvamunoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBeerzeburi?

19Kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBeerzeburi, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.

20Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomumwe waMwari, ipapo vushe bwaMwari bwasvika kwamuri.

21Kana munhu unesimba, wakashonga nhumbi dzokurwa, achirinda imba yake, nhumbi dzake dzinochengeteka.

22Asi kana mumwe unomupfuvura nesimba akamuvamba, akamukunda, ipapo uchamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakanga achivimba nadzo, ndokugovera izvo zvaapamba.

23Usineni, unopesana neni, nousingavunganidzi neni, unoparadza.

24Mweya wetsvina kana wabuda kumunhu, unopota nenzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; kana ukashaiwa, unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandabuda.

25Kana wasvika, unoiwana yatsvairwa, yanatswa.

26Ipapo unoenda, ndokundotora mimwe mweya minomwe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuvura kutanga kwake.

27Wakati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakura, namazamu amakamwa.

28Asi iye akati: Hongo, zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari, vachirichengeta.

29Zvino vazhinji vakati vachivunganira kwaari, akatanga kuti: Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo asi chiratidzo chomuporofita Jona.

30Nokuti Jona sezvaakanga ari chiratidzo kunavaNinivhi, ndizvo zvichaita vo Mwanakomana womunhu kurudzi urwu.

31Mambokadzi weZasi uchasimuka pakutonga navarume vorudzi urwu, akavapa mhosva, nokuti wakabva pamigumo yenyika, kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kunaSoromoni uri pano.

32Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga norudzi urwu, vakarupa mhosva, nokuti vakatendevuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kunaJona uri pano.

33Hakunomunhu unoti kana atungidza mwenje, ungauisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko, kuti vanopinda vavone chiedza.

34Mwenje womuviri iziso rako; kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa; asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava nerima.

35Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chirege kuva rima.

36Zvino kana muviri wako wose wakavhenekerwa, pasinarutivi runerima, uchavhenekerwa wose, somwenje unokuvhenekera nokupenya kwawo.

37Wakati achataura, mumwe muFarise akakumbira kwaari kuti asvusvure naye; akapinda, akagara pakudya.

38Zvino muFarise akashamiswa, achivona kuti haana kumboshamba asati asvusvura.

39Ishe akati kwaari: Zvino imi vaFarise, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.

40Imi mapenzi! Ko uyo wakaita zviri kunze, haazi iye wakaita zviri mukati vo here.

41Asi zviri nani mupe zvipo pazvinhu zvamunazvo; ipapo tarirai zvose zvichava zvakanaka kwamuri.

42Asi munenhamo, imi vaFarise, nokuti munopa chegumi cheminte neruyi nemirivo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo kunaMwari; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo.

43Munenhamo, imi vaFaraise, nokuti munoda zvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare.

44Munenhamo, imi, nokuti makaita samarinda asingavonekwi; vanhu vanofamba pamusoro pawo, vasingazivi.

45Zvino mumwe wavadudziri vomurairo wakapindura, akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo, munotituka nesu vo.

46Iye akati: Munenhamo nemi vo, vadudziri vomurairo; nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomumwe wenyu mumwe.

47Munenhamo, imi, nokuti munovaka marinda avaporofita vakavurawa namadzibaba enyu.

48Naizvozvo muri zvapupu, kana muchitenderana namabasa amadzibaba enyu; nokuti ivo vakavavuraya, nemi munovaka marinda avo.

49Saka nokuchenjera kwaMwari vo akati: Ndichatumira kwavari vaporofita navapositora, vachavuraya vamwe vavo, nokuvatambudza;

50kuti mhosva yeropa ravaporofita vose, rakatevurwa kubva pakuvambwa kwenyika, itsvakwe parudzi urwu;

51kubva paropa raAberi, kusvikira paropa raZakaria, wakavurawa pakati pearitari neImba yaMwari;hongo, ndinoti kwamuri mhosva ichatsvakwa parudzi urwu.

52Munenhamo, imi vadudziri vomurairo; nokuti makabvisa kiyi yokuziva; hamuna kupinda mumene, vuye makadzivisa avo vakanga vachida kupinda.

53Wakati achibvapo vanyori navaFarise vakatanga kumumanikidza kwazvo, nokumubvunzisisa pamusoro pezvimwe zvizhinji,

54vachimurindira, kuti vamubate pashoko rinobuda mumuromo make.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.