Bhaibheri

Ruka 16

Luke 16 · 31 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino wakati vo kuvadzidzi vake: Kwakanga kunomufumi, waiva nomutariri; iye akacherwa kwaari, zvichinzi unoparadza fuma yake.

2Ipapo akamudana, akati kwaari: Izvi zvandinonzwa pamusoro pako ndezveiko? Chizvidavirira pamusoro povutariri bwako; nokuti haungazovi mutariri.

3Zvino mutariri akati mumoyo make: Ndichaiteiko, ishe wangu zvowonditorera vutariri bwangu? Handinesimba rokurima naro; kukumbira ndinonyara.

4Ndinoziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pavutariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.

5Zvino akadana mumwe nomumwe wakanga anechikwereti nashe wake, akati kunowokutanga: Unechikwerete chakadiniko kunashe wangu?

6Iye akati; Makate anezana amafuta. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu.

7Akati kunomumwe: Ko iwe, unechikwerete chakadiniko? Iye akati: Matengu anezana ezviyo. Akati kwaari: Tora runyoro rwako, unyore makumi masere.

8Ishe wake akarumbidza mutariri usakarurama, nokuti wakanga aita nokuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera parudzi rwavo kukunda vana vechiedza.

9Ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari neFuma isakarurama, kuti, kana yapera, vakugamuchirei mudzimba dzisingaperi.

10Wakatendeka pazvinhu zviduku-duku, wakatendeka vo pazvikuru; asi usakarurama pazvinhu zviduku-duku, haangarurami vo pazvikuru.

11Naizvozvo kana musina kuva vakatendeka pafuma isakarurama, ndianiko uchakutendai nefuma yazvokwadi?

12Kana musinakuva vakatendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko uchakupai zvenyu.

13Hakuno muranda ungagona kubatira vatenzi vaviri: nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungabatiri Mwari neFuma.

14Zvino vaFarise, vakanga vachida mari, vakanzwa izvozvo zvose, vakamuseka.

15Akati kwavari: Imi munozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari unoziva moyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyagadza pamberi paMwari.

16Murairo navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kunaJohane; kubva panguva iyo vushe bwaMwari bwunoparidzwa, mumwe nomumwe unopinda mabwuri nesimba.

17Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuvure, pakuti tsanga imwe yomurairo ikoneswe.

18Mumwe nomumwe unorasha mukadzi wake, akawana mumwe, unoita vupombwe, vuye mumwe nomumwe unowana wakarashwa nomurume unoita vupombwe.

19Mumwe mufumi wakanga aripo, waipfeka nguvo tsvuku nemicheka yakanaka, nokufarira zvakaisvonaka misi yose.

20Zvino mumwe murombo, wainzi Razaro, wakanga anamaronda mazhinji, akaiswa pasuvo rake,

21achida kuzvigutisa nezvaiwa patafura romufumi; kunyange nembwa dzaivuya dzichinanzwa maronda ake.

22Zvino murombo wakati afa, vatumwa vakamuisa pachifuva chaAbhurahamu. Mufumi akafa vo, akavigwa.

23Zvino ari muHadhesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumusoro, akavona Abhurahamu ari kure, naRazaro, ari pachifuva chake.

24Akadanidzira, akati: Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndinorwadziwa nomurazvo uyu womoto.

25Abhurahamu akati: Mwana, funga kuti wakapiwa zvakanaka zvako pavupenyu bwako; naRazaro, saizvozvo wakapiwa zvakaipa; asi zvino iye unonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa.

26Vuye pazvinhu izvi zvose, mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu nemi, kuti vovuno vanoda kuenda mhiri kwamuri, vakoniwe, novo’ko varege kuyambukira kwatiri.

27Ipapo akati: Ndinokumbira kwamuri Baba, kuti mumutumire kumba kwababa vangu;

28nokuti ndina vanun’una vashanu; kuti andonatso-vapupurira, kuti varege kuvuya vo panzvimbo ino yokurwadziwa.

29Abhurahamu akati: Mosesi navaporofita vanavo, ngavavanzwe ivo.

30Iye akati: Kwete, Baba Abhurahamu, asi kana mumwe akabva kuvakafa, akaenda kwavari, vangatendevuka.

31Akati kwaari: Kana vasinganzwi Mosesi navaporofita, havangatendiswi, kunyange mumwe akamuka kuvakafa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.