Zvino wakati kuvadzidzi vake: Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisavuya. Asi unenhamo iye wazvinovuya naye.Then said he unto the disciples, It is impossible but that offences will come: but woe unto him, through whom they come!
Zvaiva nani kwaari. Kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava.It were better for him that a millstone were hanged about his neck, and he cast into the sea, than that he should offend one of these little ones.
Chenjerai: kana hama yako ikakutadzira, umuraire; kana akatendevuka, umukangamwire.Take heed to yourselves: If thy brother trespass against thee, rebuke him; and if he repent, forgive him.
Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti: Ndatendevuka; umukangamwire.And if he trespass against thee seven times in a day, and seven times in a day turn again to thee, saying, I repent; thou shalt forgive him.
Zvino vapostora vakati kunaShe: Tiwedzerei kutenda kwedu.And the apostles said unto the Lord, Increase our faith.
Ishe akati: Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemastarda, maiti kumuvonde uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa! Uchakutererai.And the Lord said, If ye had faith as a grain of mustard seed, ye might say unto this sycamine tree, Be thou plucked up by the root, and be thou planted in the sea; and it should obey you.
Ndiani kwamuri ungava nomuranda unorima, kana unofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda: Vuya, ugare pakudya.But which of you, having a servant plowing or feeding cattle, will say unto him by and by, when he is come from the field, Go and sit down to meat?
Handiti ungati kwaari: Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chivuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikamwa; iwe ugozodya, nokumwa?And will not rather say unto him, Make ready wherewith I may sup, and gird thyself, and serve me, till I have eaten and drunken; and afterward thou shalt eat and drink?
Ko ungatenda muranda, zvaaita zvakanga zvarairwa here?Doth he thank that servant because he did the things that were commanded him? I trow not.
Saizvozvo nemi vo, kana maita zvose zvamarairwa, muti: Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.So likewise ye, when ye shall have done all those things which are commanded you, say, We are unprofitable servants: we have done that which was our duty to do.
Zvino vakati vachienda Jerusarema, akapfuvura napaSamaria neGarirea.And it came to pass, as he went to Jerusalem, that he passed through the midst of Samaria and Galilee.
Zvino achipinda munomumwe musha, akasongana navarume vanegumi vaiva namaperembudzi, vamire kure.And as he entered into a certain village, there met him ten men that were lepers, which stood afar off:
Vakadanidzira, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!And they lifted up their voices, and said, Jesus, Master, have mercy on us.
Zvino wakati achivavona, akati kwavari: Endai mundozviratidza kuvaPirisita, Vakati vachienda, vakapora.And when he saw them, he said unto them, Go shew yourselves unto the priests. And it came to pass, that, as they went, they were cleansed.
Zvino mumwe wavo, wakati achivona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nenzwi guru;And one of them, when he saw that he was healed, turned back, and with a loud voice glorified God,
akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye wakanga ari muSamaria.And fell down on his face at his feet, giving him thanks: and he was a Samaritan.
Ipapo Jesu akapindura, akati: Havana kuporeswa vanegumi here? Vapfumbamwe varipiko?And Jesus answering said, Were there not ten cleansed? but where are the nine?
Hapana wakawanikwa wadzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?There are not found that returned to give glory to God, save this stranger.
Ipapo akati kwaari: Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.And he said unto him, Arise, go thy way: thy faith hath made thee whole.
Zvino wakati achibvunzwa navaFarise kuti vushe bwaMwari bwunosvika rini, akapindura, akati: Vushe bwaMwari habwuvuyi bwuchivonekwa.And when he was demanded of the Pharisees, when the kingdom of God should come, he answered them and said, The kingdom of God cometh not with observation:
Havangati: Tarirai pano! Kana: Uko! Nokuti tarirai, vushe bwaMwari bwuri mukati menyu.Neither shall they say, Lo here! or, lo there! for, behold, the kingdom of God is within you.
Akati kuvadzidzi vake: Mazuva achasvika amuchatsvaka kuvona zuva rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamungarivoni.And he said unto the disciples, The days will come, when ye shall desire to see one of the days of the Son of man, and ye shall not see it.
Vachati kwamuri: Tarirai uko! Tarirai pano! Regai kuenda, kana kuvatevera;And they shall say to you, See here; or, see there: go not after them, nor follow them.
nokuti semheni inopenya, ichibva kunorumwe rutivi pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kunorumwe rutivi pasi pedenga, ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhu vo nezuva rake.For as the lightning, that lighteneth out of the one part under heaven, shineth unto the other part under heaven; so shall also the Son of man be in his day.
Asi unofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurashwa norudzi urwu.But first must he suffer many things, and be rejected of this generation.
Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaita vo namazuva oMwanakomana womunhu;And as it was in the days of Noe, so shall it be also in the days of the Son of man.
vaidya, nokumwa nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose.They did eat, they drank, they married wives, they were given in marriage, until the day that Noe entered into the ark, and the flood came, and destroyed them all.
Sezvazva kanga zvakaita vo namazuva aRoti; vaidya, nokumwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka;Likewise also as it was in the days of Lot; they did eat, they drank, they bought, they sold, they planted, they builded;
asinomusi wakabuda Roti muSodoma, moto nesurferi zvakanaya. Zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose.But the same day that Lot went out of Sodom it rained fire and brimstone from heaven, and destroyed them all.
Ndizvo zvazvichaita vo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachavonekwa naro.Even thus shall it be in the day when the Son of man is revealed.
Nezuva iro, uri pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvo vo, uri kumunda ngaarege kudzokera kunezviri shure.In that day, he which shall be upon the housetop, and his stuff in the house, let him not come down to take it away: and he that is in the field, let him likewise not return back.
Rangarirai mukadzi waRoti.Remember Lot’s wife.
Aninani unotsvaka kungwarira vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo, vuye aninani unorashikirwa nabwo, uchabwuraramisa.Whosoever shall seek to save his life shall lose it; and whosoever shall lose his life shall preserve it.
Ndinoti kwamuri: Vusiku ubwo varume vaviri vachava panhovo imwe, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa.I tell you, in that night there shall be two men in one bed; the one shall be taken, and the other shall be left.
Vakadzi vaviri vachakuya pamwe chete, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa.Two women shall be grinding together; the one shall be taken, and the other left.
Vaviri vachava kumunda, mumwe uchatorwa, mumwe uchasiyiwa.Two men shall be in the field; the one shall be taken, and the other left.
Ipapo vakapindura, vakati, kwaari: Ipiko, Ishe? Akati kwavari: Apo panomutumbu, ndipo panovunganira vo magora.And they answered and said unto him, Where, Lord? And he said unto them, Wheresoever the body is, thither will the eagles be gathered together.