Bhaibheri

Ruka 19

Luke 19 · 48 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Jesu wakapinda Jeriko, akapfuvura napakati.

2Zvino murume waivapo, wainzi Zakeo; iye wakanga ari mukuru wavateresi, vuye waiva mufumi;

3akatsvaka kuvona Jesu, kuti ndiye ani; asi wakanga asingagoni, nokuti wakanga akafupika.

4Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuvonde kuti amuvone, nokuti wakanga opfuvura napo.

5Zvino Jesu wakati achisvikapo akatarira kumsoro, akamuvona akati kwaari: Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.

6Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira nomufaro.

7Vose vakazvivona, vakan’un’una, vachiti: Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi.

8Ipapo Zakeo akamira, akati kunaShe; Tarirai, Ishe, hafu yefuma yangu,ndinoipa varombo, vuye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.

9Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiye vo mwanakomana waAbhurahamu.

10Nokuti Mwanakomana womunhu wakavuya kuzotsvaka nokuponesa chakarashika.

11Vakati vachanzwa izvozvo, akawedzera akataura mumwe mufananidzo, nokuti wakanga ava pedo neJerusarema, ivo vakati vushe bwaMwari bwobva bwovonekwa pakarepo.

12Naizvozvo akati: Mumwe munhu mukuru wakaenda kunyika yakanga iri kure, kuti andopiwa vushe, agodzoka zve.

13Akadana varanda vake vanegumi, akavapa pondo dzinegumi, akati kwavari: Shambadzirai, kusvikira ndichivuya zve.

14Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, kundoti: Hatidi kuti uyu munhu ave ishe wedu.

15Zvino wakati adzoka kuya kwaakanga andopiwa vushe, akaraira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe wakawanei nokushambadzira kwake.

16Wokutanga akasvika, akati: ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzinegumi zve.

17Akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku-duku, ubate maguta anegumi.

18Wechipiri akasvika, akati: Ishe, pondo yenyu yakawedzera zve pondo shanu.

19Akati kwaari vo: Newe, ubate maguta mashanu.

20Zvino mumwe akasvika, akati: Ishe, tarirai pondo yenyu heyi. Yandakanga ndachengeta mumucheka.

21nokuti; ndakanga ndichikutyai,zvamuri munhu unehasha munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha.

22Akati kwaari: Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu unehasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha;

23zvino wakaregereiko kuisa mari yangu mubhanga, ndikazoitora pakudzoka kwangu yawanda.

24Ipapo akati kunavakanga vamirepo: Munotorerei pondo iyo, muipe unepondo dzinegumi.

25Vakati kwaari: Ishe, watova nepondo dzinegumi.

26Ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unechinhu, uchapiwa; asi usina, uchatorerwa nezvaanazvo.

27Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndive ishe wavo, vuyai navo pano, muvavuraye pamberi pangu.

28Wakati areva izvozvo, akatungamira mberi, achikwira Jerusarema.

29Wakati oswedera Betifage neBetania, kugomo rinonzi reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri,

30achiti: Endai kumusha wakatarisana nemi; kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotaswa nomunhu; muisunungure, mugovuya nayo.

31Kana mumwe akakubvunzai, achiti: Munoisunungurireiko? Muti kwaari kudai: Ishe unoida.

32Avo vakatumwa vakaenda, vakandowana sezvaakanga avavudza.

33Zvino vakati vachisunungura mhuru, vene vayo vakati kwavari: Munosunungurireiko mhuru?

34Vakati: Ishe unoida.

35Vakavuya nayo kuna Jesu, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pemhuru, vakatasvisa Jesu pamusoro payo.

36Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.

37Akati oswedera pamaburusiro egomo reMiorivhi, vadzidzi vake vazhinji vose vakatanga kufara nokurumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakanga vavona.

38vachiti: Mambo ngaakudzwe, iye unovuya muzita raShe! Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumuso-soro!

39Vamwe vaFarise pakati pavazhinji vakati kwaari: Mudzidzisi, rairai vadzidzi venyu!

40Akapindura, akati: Ndinokuvudzai, kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira.

41Zvino wakati aswedera pedo, akavona guta, akachema pamusoro paro,

42achiti: Dai waiziva iwe zuva rino zvinhu zvingakupa rugare, asi zvino zvakavanzirwa meso ako!

43Nokuti uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose;

44vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.

45Zvino wakapinda mutembere, akatanga kubudisira kunze vakanga vachitengesamo,

46achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti imba yangu ichava imba yokunyengetera; asi imi makaiita bako ramakororo.

47Waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vaPirisita vakuru navanyori navakuru vavanhu vakanga vachitsvaka kumuvuraya.

48Asi vakanga vasingawani zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira, vachimunzwa..

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.