Bhaibheri

Ruka 18

Luke 18 · 43 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino wakavavudza mufananidzo wokuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, vasingarashi moyo;

2akati: Munerimwe guta makanga munomumwe mutongi, wakanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu.

3Zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yairamba ichivuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.

4Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumoyo make: Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu;

5iyi chirikadzi zvainonditambudza, ndichairuramisira, kuti irege kuzovuya pashure indirove kumeso.

6Ishe akati: Inzwai zvinorebwa nomutongi usakarurama.

7Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari vusiku namasikati, kunyange achinonoka pamusoro pavo here?

8Ndinoti kwamuri: Uchakurumidza kuvaruramisira. Asi kunyange zvakadaro mwanakomana womunhu kana achisvika, uchawana kutenda panyika here?

9Wakareva vo mufananidzo uyu kuna vamwe, vakanga vachizvitenda, vachiti takarurama, vachizvidza vamwe, akati:

10Vanhu vaviri vakakwira kutembere kundonyengetera, mumwe ari muFarise, mumwe ari muteresi.

11MuFarise akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati: Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo.

12Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopachegumi chezvose zvandinowana.

13Asi muteresi wakamira kure, asingadi kunyange nokutarira kudenga, akazvirova chifuva, akati: Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi!

14Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuvura uya. Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza, uchaninipiswa vuye mumwe nomumwe unozvininipisa uchakudzwa.

15Zvino vakavuya navacheche vo kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakati vachizvivona, vakavaraira.

16Ipapo Jesu akavadanira kwaari, akati: Regai vana vaduku, vavuye kwandiri, musavadzivisa, nokuti vushe bwaMwari ndobwavakadai.

17Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Aninani usingagamuchiri vushe bwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mabwuri.

18Zvino mumwe mukuru wakamubvunza, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhako yovupenyu bwusingaperi?

19Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakun awakanaka, asi mumwe chete, iye Mwari.

20Mirairo unoiziva,inoti: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.

21Iye akati: Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pavuduku bwangu.

22Zvino Jesu achizvinzwa, akati kwaari: Unoshaiwa chinhu chimwe chete; tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nefuma kudenga;ugovuya, unditevere.

23Zvino wakati achinzwa izvozvo, akabatwa neshungu kwazvo; nokuti wakanga anefuma zhinji.

24Zvino Jesu, achimuvona, akati: Vanefuma vacharemerwa sei kupinda muvushe bwaMwari.

25Nokuti kamera ingarerukirwa kupinda pavuri rorunji, kumufumi kupinda muvushe bwaMwari.

26Zvino vakanga vazvinzwa, vakati: Ndianiko ungagoponeswa?

27Iye akati: Izvo zvisingabviri kuvanhu, zvinobvira kunaMwari.

28Ipapo Petro akati: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.

29Akati kwavari: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuno munhu wakasiya imba, kana mukadzi, kana vanun’una, kana vabereki, kana vana, nokuda kwovushe bwaMwari.

30usingazopiwi zvizhinji kuna izvozvo nenguva ino, vuye vupenyu bwusingaperi nenguva inovuya.

31Zvino wakatora vanegumi navaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira Jerusarema, Mwanakomana womunhu uchaitirwa zvose zvakanyorwa navaporofita.

32Nokuti uchaiswa kuvahedheni, nokusekwa, nokuitirwa zvakaipa, nokupfirwa mate,

33vachamurovesa, nokumuvuraya, asi nezuva retatu uchamuka zve.

34Asi havana kunzwisisa chinhu chimwe chaizvozvo; shoko iri rakanga rakavanzika kwavari, vuye havana kunzwisisa izvo zvakarebwa.

35Zvino wakati aswedera Jeriko, rimwe bofu raigara panzira richikumbira,

36rakanzwa vanhu vazhinji vachipfuvura, rikabvunza, richiti: Chinyiko?

37Vakarivudza, vachiti: Ndi Jesu, weNazareta, unopfuvura.

38Ipapo rakadanidzira, richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!

39Zvino vakanga vakatungamira vakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDavidhi, ndinzwirei ngoni!

40Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti vavuye naro kwaari; rikati raswedera, akaribvunza,

41achiti: Unoda kuti ndikuitireiko? Rikati: Ishe, kuti ndivone.

42Jesu akati kwaari: Chivona, kutenda kwako kwakuponesa.

43Pakarepo rikavona, rikamutevera, richirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizvivona vakakudza Mwari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.