Bhaibheri

Ruka 23

Luke 23 · 56 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino vose vakanga vakavungana, vakasimuka, vakatanga kumupomera mhosva, vachiti:

2Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu, achivadzivisa kuti varege kuvigira Kesari mutero; vuye achizviidza Kristu Mambo.

3Ipapo Pirato akamubvunza, akati: Ko uri Mambo wavaJudha here? Akamupindura, akati: Ndizvo zvamareva.

4Pirato akati kuvaPirisita vakuru nokuvazhinji; Handiwani mhosva kumunhu uyu.

5Ivo vakanyanya, vachiti: Unomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhea rose, achitanga paGarirea kusvikira pano.

6Pirato wakati achinzwa izvozvo, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.

7Akati anzwa kuti unobva kunyika yakabatwa naHerodhe, akamutumira kunaHerodhe, nokuti wakanga ari muJerusarema amene pamazuva iwayo.

8Zvino Herodhe wakafara kwazvo-kwazvo achivona Jesu; nokuti waida kumuvona kare, zvaakanga anzwa zvake; akafunga kuti uchavona chimwe chiratidzo chingaitwa naye.

9Akamubvunza mashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.

10VaPirisita vakuru navanyori vakamira vakamupomera mhosva zvikuru.

11NaHerodhe navarwi vake vakamuzvidza, nokumuseka; vakazomupfekedza, nguvo dzinobwinya, vakamudzosera kunaPirato.

12Nomusi uyo Pirato naHerodhe vakayanana; nokuti vaivengana.

13Zvino Pirato akavunganidza vaPirisita vakuru navabati navanhu.

14akati kwavari: Mavuya kwandiri nomunhu uyu, muchiti: Unotsausa vanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana kumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera nazvo;

15kunyange naHerodhe vo; nokuti wamudzosera kwatiri; tarirai, hakunechinhu chakaitwa naye, chaakafanira rufu.

16Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura.

17Nokuti waifanira kuvasunungurira mumwe pamutambo.

18Asi vose vakadanidzira pamwe chete, vachiti: Bvisai munhu uyu, mutisunungurire Bharabhasi!

19Iye wakanga asungwa mutorongo nemhaka yebope rakanga ramutswa muguta, neyokuvuraya.

20Zvino Pirato akataura zve navo, achida kusunungura Jesu.

21Asi ivo vakaramba vachidanidzira, vachiti: Roverai pamuchinjikwa, mumurovere pamuchinjikwa!

22Akati kwavari rwechitatu: Uyu wakagotadzeiko? Handina kuwana mhosva yorufu kwaari. Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura.

23Asi ivo vakasimbisa namanzwi makuru, vachikumbira kuti aroverwe pamuchinjikwa. Manzwi avo akakunda.

24Zvino Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe;

25akavasunungurira uyo wavakakumbira, wakanga asungwa mutorongo nemhaka yebope neyokuvuraya; akavapa Jesu vaite nokuda kwavo.

26Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, wainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa vakaisa muchinjikwa pamusoro pake, kuti autakure shure kwaJesu.

27Akateverwa navanhu vazhinji-zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema.

28Asi Jesu wakatendevukira kwavari, akati: Vakunda veJerusarema, musandichema ini, asi muzvicheme imi navana venyu;

29nokuti tarirai mazuva anovuya, avachati: Vakaropafadzwa vasingaponi, nezvizvaro zvisinakutongobereka, namazamu asina kumwisa.

30Musi uyo muchatanga kureva kumakomo, muchiti: Wirai pamusoro pedu, nokuzvikomo; Tifukidzei.

31Nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, wakawoma uchaitirweiko?

32Kwakanga kunavamwe vatadzi vaviri vo, vavakaenda navo pamwe chete naye kundovurawa.

33Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi dehenya, vakamuroverapo navatadzi mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.

34Ipapo Jesu akati: Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita. Vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo.

35Vanhu vakamira, vachitarira; navabati vakamuseka vo, vachiti: Wakaponesa vamwe; ngaazviponese; kana ari Kristu waMwari. Musanangurwa wake.

36Navarwi vo vakamuseka, vakavuya kwaari, vakamupa vhinega,

37vachiti: Kana uri Mambo wavaJudha, uzviponese.

38Zvino; kwakanga kuno runyoro vo pamusoro pake, rwaiti: UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA.

39Mumwe wavatadzi vakanga vakaturikwa wakamutuka, achiti: Hauzi Kristu here? Uzviponese, nesu vo.

40Mumwe akapindura, akamuraira, achiti: Hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe naye?

41Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.

42Ipapo akati Jesu mundirangarire kana mosvika muvushe bwenyu!

43Iye akati kwaari: Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.

44Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rakavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe.

45Zuva rikasviba; chidzitiro chetembere chakabvaruka napakati.

46Zvino Jesu akadana nenzwi guru, achiti: Baba, ndinoisa mweya wangu pamavoko enyu! Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake.

47Ipapo mukuru wezana wakati avona zvaitwa, akarumbidza Mwari, achiti: Zvirokwazvo, munhu uyu wakanga akarurama.

48Vazhinji vose vakanga vakavungana kuzovona izvozvo, vakati vavona zvaitwa, vakadzoka vachirova zvifuva zvavo.

49Navazikani vake vose, navakadzi, vaimutevera vachibva Garirea, vakamira kure, vachivona izvozvo.

50Zvino kwakanga kunomumwe, wainzi Josefa, mumwe wamakurukota, murume wakanaka wakarurama,

51(iye wakanga asina kutenderana navo pakurangana nokuita kwavo), waiva weArimatia, guta ravaJudha, wakanga achimirira vushe bwaMwari;

52iye akaenda kunaPirato, akandokumbira mutumbu waJesu,

53akauburusa, akauputira nomucheka, akauisa mubwiro bwakanga bwakacherwa pabwe, makanga musina kumbovigwa munhu.

54Waiva musi wokugadzirira, sabata rodokutanga.

55Navakadzi vakanga vavuya naye, vachibva Garirea, vakavatevera, vakavona bwiro, nomuisirwe womutumbu wake.

56Vakadzoka, vakagadzira zvinonhuwira namafuta.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.