Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakavuya kubwiro, vakabata zvinonhuwira, zvavakanga vagadzira.Now upon the first day of the week, very early in the morning, they came unto the sepulchre, bringing the spices which they had prepared, and certain others with them.
Vakawana ibwe rakakunguruswa, rabviswa pabwiro.And they found the stone rolled away from the sepulchre.
vakapinda, vakashaiwa mutumbu waShe Jesu.And they entered in, and found not the body of the Lord Jesus.
Zvino vakati vachakanganiswa nazvo tarira, varume vaviri vakamira navo vanenguvo dzinopenya;And it came to pass, as they were much perplexed thereabout, behold, two men stood by them in shining garments:
zvino nokutya kwavo vakakotamira pasi nezviso zvavo, ivo vakati kwavari: Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa?And as they were afraid, and bowed down their faces to the earth, they said unto them, Why seek ye the living among the dead?
Haapo pano, wamuka. Fungai zvaakakuvudzai achiri Garirea,He is not here, but is risen: remember how he spake unto you when he was yet in Galilee,
kuti Mwanakomana womunhu unofanira kuiswa mumavoko avanhu vakaipa, aroverwe pamuchinjikwa, agomuka nezuva retatu.Saying, The Son of man must be delivered into the hands of sinful men, and be crucified, and the third day rise again.
Ipapo vakarangarira mashoko ake,And they remembered his words,
vakadzoka vachibva kubwiro, vakavudza vanegumi nomumwe navamwe vose zvinhu izvozvo zvose.And returned from the sepulchre, and told all these things unto the eleven, and to all the rest.
Vaiva Maria Magadarene naJohana naMaria, mai vaJakobho, navamwe vakadzi vaiva navo, vakandovudza vaapostora izvozvo.It was Mary Magdalene, and Joanna, and Mary the mother of James, and other women that were with them, which told these things unto the apostles.
Mashoko awa akaita soovupenzi kwavari; vakasaatenda.And their words seemed to them as idle tales, and they believed them not.
Zvino Petro akasimuka, akamhanyira kubwiro; akakotama, akavona micheka iri yoga; ndokudzoka kumba kwake, ashamiswa nezvakanga zvaitwa.Then arose Peter, and ran unto the sepulchre; and stooping down, he beheld the linen clothes laid by themselves, and departed, wondering in himself at that which was come to pass.
Pazuva irero vamwe vaviri vavo vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, wakanga uri kure neJerusarema mastadia anamakumi matanhatu;*And, behold, two of them went that same day to a village called Emmaus, which was from Jerusalem about threescore furlongs.
vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.And they talked together of all these things which had happened.
Zvino vakati vachataurirana nokubvunzana, Jesu amene akaswedera, akafamba navo.And it came to pass, that, while they communed together and reasoned, Jesus himself drew near, and went with them.
Asi meso avo akanga abatwa, vakasamuziva.But their eyes were holden that they should not know him.
Akati kwavari: Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba ndeeiko? Vakamira vaneshungu pamoyo.And he said unto them, What manner of communications are these that ye have one to another, as ye walk, and are sad?
Mumwe wavo, wainzi Kreopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga ugere muJerusarema somutorwa, usingazivi zvakaitwamo mazuva ano here?And the one of them, whose name was Cleopas, answering said unto him, Art thou only a stranger in Jerusalem, and hast not known the things which are come to pass there in these days?
Akati kwavari: Zvinyiko? Vakati kwaari: ZvaJesu weNazareta, waiva amuporofita unesimba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose;And he said unto them, What things? And they said unto him, Concerning Jesus of Nazareth, which was a prophet mighty in deed and word before God and all the people:
vuye kuti vaPirisita vakuru navabati vedu vakamuisa kuvatongi kuti atongerwe rufu, vakamurovera pamuchinjikwa.And how the chief priests and our rulers delivered him to be condemned to death, and have crucified him.
Takanga tichiti ndiye waizodzikinura vaIsraeri; vuye pamusoro paizvozvo zvose, nhasi rava zuva retatu kubva pakuitwa kwazvo.But we trusted that it had been he which should have redeemed Israel: and beside all this, to day is the third day since these things were done.
Vuye zve, vamwe vakadzi vokwedu, vakanga vafumira kubwiro, vakatishamisa;Yea, and certain women also of our company made us astonished, which were early at the sepulchre;
nokuti vakati vachishaiwa muviri wake, vakavuya vachiti, vavona chiratidzo chavatumwa vaiti mupenyu.And when they found not his body, they came, saying, that they had also seen a vision of angels, which said that he was alive.
Zvino vamwe vaiva nesu, vakaenda kubwiro, vakandozviwana sezvavakareva vakadzi; asi iye havana kumuvona.And certain of them which were with us went to the sepulchre, and found it even so as the women had said: but him they saw not.
Zvino iye akati kwavari: Imi vokusafunga, munemoyo inononoka kutenda zvose zvakarebwa navaporofita!Then he said unto them, O fools, and slow of heart to believe all that the prophets have spoken:
Ko Kristu wakanga asingafaniri kutambudzika saizvozvo, agopinda pakubwinya kwake here?Ought not Christ to have suffered these things, and to enter into his glory?
Ipapo akatanga kunaMosesi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake muMagwaro ose.And beginning at Moses and all the prophets, he expounded unto them in all the scriptures the things concerning himself.
Zvino vakaswedera kumusha kwavakanga vachienda;iye akaita sowoda kupfuvura.And they drew nigh unto the village, whither they went: and he made as though he would have gone further.
Vakamugombedzera, vachiti: Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira. Ipapo akapinda kundogara navo.But they constrained him, saying, Abide with us: for it is toward evening, and the day is far spent. And he went in to tarry with them.
Zvino wakati agara navo pakudya, akatora chingwa akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa.And it came to pass, as he sat at meat with them, he took bread, and blessed it, and brake, and gave to them.
Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika kwavari.And their eyes were opened, and they knew him; and he vanished out of their sight.
Vakataurirana, vachiti: Ko moyo yedu yakanga isingapisi mukati medu, achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?And they said one to another, Did not our heart burn within us, while he talked with us by the way, and while he opened to us the scriptures?
Vakasimuka nenguva iyo, vakadzokera Jerusarema, vakawana vanegumi nomumwe navaiva navo vakavungana.And they rose up the same hour, and returned to Jerusalem, and found the eleven gathered together, and them that were with them,
Ivo vakati: Ishe wamuka zvirokwazvo; wavonekwa naSimoni.Saying, The Lord is risen indeed, and hath appeared to Simon.
Vakarondedzera zvakaitika munzira, vuye kuti wakazikanwa navo sei pakumedura chingwa.And they told what things were done in the way, and how he was known of them in breaking of bread.
Vakati vachataura izvozvo, akamira pakati pavo amene, akati kwavari: Rugare ngaruve nemi!And as they thus spake, Jesus himself stood in the midst of them, and saith unto them, Peace be unto you.
Asi vakavhunduka, vakatya kwazvo, vakati zvimwe vavona mweya.But they were terrified and affrighted, and supposed that they had seen a spirit.
Akati kwavari: Munomanikidzwa neiko? Mifungo inomukireiko mumoyo yenyu?And he said unto them, Why are ye troubled? and why do thoughts arise in your hearts?
Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muvone, nokuti mweya haunenyama namafupa, sezvamunondivona ndinazvo ini.Behold my hands and my feet, that it is I myself: handle me, and see; for a spirit hath not flesh and bones, as ye see me have.
wakati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake netsoka dzake.And when he had thus spoken, he shewed them his hands and his feet.
Zvino vakati vachigere kutenda nokufara kwavo vachashamiswa, akati kwavari: Munezvokudya pano here?And while they yet believed not for joy, and wondered, he said unto them, Have ye here any meat?
Vakamupa nhindi yehove yakagochwa.And they gave him a piece of a broiled fish, and of an honeycomb.
Akatora, akadya vachizvivona.And he took it, and did eat before them.
Akati kwavari: Ndiwo mashoko angu, andakakuvudzai ndichiri nemi, kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurairo waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika.And he said unto them, These are the words which I spake unto you, while I was yet with you, that all things must be fulfilled, which were written in the law of Moses, and in the prophets, and in the psalms, concerning me.
Ipapo akadzivura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro.Then opened he their understanding, that they might understand the scriptures,
Akati kwavari: Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu uchatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu;And said unto them, Thus it is written, and thus it behoved Christ to suffer, and to rise from the dead the third day:
kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendevuka nokukangamwirwa zvivi, vachitanga paJerusarema.And that repentance and remission of sins should be preached in his name among all nations, beginning at Jerusalem.
Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.And ye are witnesses of these things.
Tarirai, ndinotuma pamusoro penyu chipikirwa chaBaba vangu; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.And, behold, I send the promise of my Father upon you: but tarry ye in the city of Jerusalem, until ye be endued with power from on high.
Zvino akavatungamirira kunze kweguta kusvikira pakatarisana neBetania, ndokutambanudza mavoko ake, akavaropafadza.And he led them out as far as to Bethany, and he lifted up his hands, and blessed them.
Wakati achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.And it came to pass, while he blessed them, he was parted from them, and carried up into heaven.
Ipapo vakamunamata, vakadzokera Jerusarema vanomufaro mukuru.And they worshipped him, and returned to Jerusalem with great joy:
Vakarambira mutembere, vachirumbidza Mwari.And were continually in the temple, praising and blessing God. Amen.