Bhaibheri

Ruka 4

Luke 4 · 44 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino Jesu azere noMweya Mutsvene, wakadzoka zve achibva paJorodhani, akatungamirirwa noMweya murenje.

2achiidzwa naDhiabhorosi mazuva anamakumi mana. Wakanga asingadyi chinhu namazuva iwayo; zvino akati apera, akaziya.

3Zvino Dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, vudza ibwe iri kuti rive chingwa.

4Jesu akamupindura, akati; Kwakanyorwa kuti munhu; haangararami nechingwa bedzi asi neshoko raMwari rose.

5Zvino Satani akamutora akamukwidza pagomo refu akamuratidza vushe hwose hwenyika nenguva duku

6Dhiabhorosi akati kwaari: Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakabwupiwa ini, kuti ndihwupe wandinoda.

7Zvino, iwe kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.

8Jesu akapindura, akati kwaari: ibva shure kwangu Satani. Kwakanyorwa kuchinzi: Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.

9Akaenda naye Jerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi pano;

10Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi; Ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;

11Pamavoko avo vachakusimudza, kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.

12Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe, Mwari wako.

13Dhiabhorosi akati apedza kuidza kwose, akamusiya kusvikira imwe nguva.

14Zvino Jesu wakadzokera Garirea nesimba roMweya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza.

15Waidzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navanhu vose.

16Akasvika paNazareta, paakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave.

17Akapiwa bhuku romuporofita Isaya; zvino wakati aipetenura, akawana pakanyorwa panoti:

18Mweya waShe uri pamusoro pangu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire varombo Evhangeri; Wakandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti avone zve; Ndiregedze vakatsikirirwa;

19Nokuzivisa gore raShe rakanaka.

20Akapeta bhuku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa.

21Zvino akatanga kuvavudza, achiti: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.

22Vose vakamupupurira zvakanaka, vakashamiswa namashoko akanaka akabuda mumuromo make, vakati: Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here?

23Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura shumo iyi kwandiri, chiremba uzviporese, zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviite vo nomuno munyika yako.

24Akati: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakunomuporofita unogamuchirwa munyika yake.

25Ndinokuvudzai shoko iri razvokwadi: Kwakanga kunechirikadzi zhinji pakati pavaIsraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose;

26asi Eria haana kutumwa kunomumwe wavo, asi wakatumwa Sarepta bedzi, munyika yeSidoni, kumukadzi waiva chirikadzi.

27Kwakanga kunavaiva namaperembudzi vazhinji pakati pavaIsraeri pamazuva omuporofita Erisha; hakunomumwe wavo vakanatswa, asi Naamani bedzi, muSiria.

28Ipapo vose vakanga vari musinagoge, vakatsamwa zvikuru, vachinzwa izvozvo.,

29vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi.

30Asi iye wakapinda napakati pavo, akaenda.

31Zvino wakaburukira Kapernaume, raiva guta reGarirea; akasivadzidzisa nemisi yesabata;

32vakashamiswa nedzidziso yake; nokuti shoko rake rakanga rinesimba.

33Zvino musinagoge makanga munomunhu wakanga anomweya wakaipa wetsvina;iye akadanidzira nenzwi guru, achiti:

34Haiwa, tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mavuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.

35Ipapo Jesu akauraira, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Mweya wakaipa ukamuwisira pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza.

36Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti: Shoko iri ndereiko? Nokuti unoraira mweya yesvina nechikuriri nesimba, ikabuda.

37Mukurumbira wake ukanzwika kumativi ose enyika yakapoteredza.

38Zvino wakasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai vomukadzi waSimoni vakanga vakabatwa nefivhiri zvikuru; vakavakumbirira kwaari,

39Ipapo akakotamira pamusoro pavo, akaraira fivhiri, ikavarega; vakasimuka pakarepo, vakavashandira.

40Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navanorwara nezvirwere zvizhinji vakavuya navo kwaari; akaisa mavoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa.

41Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira ichiti ndimi Kristu mwanakomana waMwari. Iye akairaira akasaitendera kutaura nokuti yakanga ichiziva kuti ndiKristu

42Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kurenje, vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari,, vakaidza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari:,

43Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira mamwe maguta vo Evhangeri yovushe bwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.

44Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.