Bhaibheri

Ruka 3

Luke 3 · 38 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Negore regumi namashanu rokubata kwaTiberio Kesari, Pontio Pirato ari mubati weJudhea, Herodhe ari mubati weGarirea, Firipo munun’una wake, ari mubati weIturea neTrakoniti, Risanio ari mubati weAbirene,

2Anasi naKayafasi vari vaPirisita vakuru, shoko raMwari rakavuya kunaJohane, mwanakomana waZakaria, murenje.

3Iye akaenda munyika yose yakapoteredza yaJoridani, akaparidza rubhabhatidzo rwokutendevuka nekanganwiro yezvivi;

4sezvazvakanyorwa mubhuku yamashoko aIsaya muporofita, zvichinzi: Inzwi rounodana murenje, Gadzirai nzira yaShe, Ruramisai migwagwa yake.

5Mipata yose ichafusirwa, Makomo ose nezvikomo zvose zvichaderedzwa; Zvakakombama zvicharuramiswa, Pasakaenzana pachaitiwa nzira dzakaenzaniswa;

6Nyama yose ichavona ruponeso rwaMwari.

7Naizvozvo wakati kuvazhinji vaivuya kuzobhabhatidzwa naye: Imi vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunovuya?

8Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendevuka; musatanga kureva mumoyo menyu, muchiti: Abhurahamu ndibaba vedu; nokuti ndinoti kwamuri: Mwari ungamutsira Abhurahamu vana pamabwe awa.

9Zvino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti mumwe nomumwe usingabereki zvibereko zvakanaka, unotemwa, ukakandirwa mumoto.

10Vanhu vazhinji vakamubvunza, vachiti: Zvino todiniko?

11Akapindura akati,kwavari: Une nguvo mbiri ngaagovane nousina; nounezvokudya ngaaite saizvozvo.

12Navateresi vakavuya vo kuzobhabhatidzwa, vakati: mudzidzisi, todiniko?

13Akati kwavari: Musareva mari kupfuvura pamakarairwa napo.

14Navarwi vo vakamubvunza, vachiti: Nesu vo todiniko? Akati kwavari: Musatorera munhu chinhu nesimba, kana kupomera munhu nhema; mutende nomubairo wenyu.

15Zvino vanhu vakati vachatarira, vose vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohane, kuti zvimwe ndiKristu,

16Johane akapindura, akati kunavose: Ini ndinokubhabhatidzai nemvura, asi uyu unovuya, unesimba kupfuvureni, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye uchakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nemoto.

17Rusero rwake ruri muruvoko rwake; uchanatsa buriro rake kwazvo; uchavunganidzira zviyo mudura rake; asi hundi uchaipisa nomoto usingadzimwi.

18Akaparidzira vanhu Evhangeri, achivaraira namamwe mashoko mazhinji;

19asi Herodhe mubati, wakati arairwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi womunun’una wake, nezvakaipa zvose zvaakanga aita iye Herodhe,

20wakawedzera pamusoro pezvose chinhu ichi, kuti wakapfigira Johane mutorongo.

21Vanhu vose vakati vabhabhatidzwa, naiye Jesu abhabhatidzwa vo, achinyengetera, denga rikazarurwa.

22Mweya Mutsvene akaburukira pamusoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiva, inzwi rikabva kudenga, richiti: Ndiwe Mwanakomana wangu, unodikanwa; ndinokufarira.

23Zvino iye Jesu wakanga anamakore anenge makumi matatu, nguva yaakatanga kudzidzisa, ari, pakufunga kwavanhu, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHeri,

24mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMerki, mwanakomana waJanasi, mwanakomana waJosefa,

25mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNaumi, mwanakomana waEsri, mwanakomana waNagai,

26mwanakomana waMaati, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeion, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJoda,

27mwanakomana waJoanani, mwanakomana waResa, mwanakomana waZorobhabheri, mwanakomana waSaratieri, mwanakomana waNerai,

28mwanakomana waMerki, mwanakomana waAdi, mwanakomana waKosamu,mwanakomana waEmadamu, mwanakomana waEri,

29mwanakomana waJesu, mwanakomana waEriazeri, mwanakomana waJorimu, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi,

30mwanakomana waSimeoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonamu, mwanakomana waEriakimu,

31mwanakomana waMerea, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatatamu, mwanakomana waDhavhidhi,

32mwanakomana waJese, mwanakomana waJobedhi, mwanakomana waBoosi, mwanakomana waSara, mwanakomana waNasoni,

33mwanakomana waaAmininabi, mwanakomana waAdamini, mwanakomana waArni, mwanakomana waEsromi, mwana waFarisi, mwanakomana waJudha,

34mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaka, mwanakomana waAbhurahamu, mwanakomana waTara, mwanakomana waNahori,

35mwanakomana waSeruki, mwanakomana waRagau, mwanakomana waFareki, mwanakomana waEberi, mwanakomana waSarah,

36Mwanakomana waKainami, mwamakomana waArfakasadi, mwanakomana waSemu, mwanakomana waNoa, mwanakomana waRameki,

37mwanakomana waMatusara, mwanakomana waEnock, mwanakomana waJareti, mwanakomana waMarereeri, mwanakomana waKainami,

38mwanakomana waEnosi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhama, mwanakomana waMwari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.