Bhaibheri

Ruka 9

Luke 9 · 62 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino wakavunganidza vanegumi navaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemweya yakaipa yose, nokuporesa kurwara.

2Akavatuma kuparidza vushe bwaMwari nokuporesa vanorwara.

3Akati kwavari: Musatongotora zvomunzira, kana mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari; musava nenguvo mbiri.

4Imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, kusvika muchibvapo.

5Vuye vose vasingakugamuchirii, kana mobva paguta iro, muzuze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.

6Ipapo vakabva, vakapota nemisha, vakaparidza Evhangeri, nokuporesa panzvimbo dzose.

7Zvino Herodhe, mubati, wakanzwa zvose zvakanga zvichiitwa; akakanganiswa, nokuti vamwe vakanga vachiti, Johane wakamuka kuvakafa;

8vamwe kuti Eria wavonekwa; navamwe zve, kuti mumwe wavaporofita vekare wamuka.

9Herodhe akati: Johane ndakamugura musoro; zvino ndianiko uyu, wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake Akatsvaka kumuvona.

10Vapostora vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo vari voga kuguta rainzi Betsaida.

11Zvino vanhu vazhinji vachizviziva, vakamutevera; akavagamuchira, akavavudza zvovushe bwaMwari, akaporesa vakanga vachida kuporeswa.

12Zuva rakati rovira, vanegumi navaviri vakavuya, vakati kwaari: Endisai vanhu vazhinji, vaende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, vagare’ko, vawane zvokudya; nokuti pano patiri murenje.

13Asi iye akati kwavari: Muvape imi, vadye. Vakati: Isu hatinezvingwa zvingapfuvura zvishanu, nehove mbiri, asi kana tikaenda kundotengera vanhu ava vose zvokudya.

14Nokuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi vaite mapoka, anavanhu vanenge makumi mashanu.

15Vakaita kudaro, vakavagarisa vose.

16Ipapo akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu vazhinji.

17Vakadya, vakaguta vose; vakavunganidza zvimedu zvavakanga vasarirwa nazvo, matengu anegumi namaviri.

18Zvino wakati achinyengetera ari oga vadzidzi vake vakanga vanaye; akavabvunza, achiti: Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?

19Vakapindura, vakati, Vamwe vanoti: Johane Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe zve, kuti mumwe wavaporofita vekare wamuka.

20Akati kwavari: Ko imi munoti ndini ani? Ipapo Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu waMwari.

21Akavavudza zvikuru, nokuvaraira kuti varege kuzivisa munhu izvozvo;

22achiti: Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvizhinji, nokurashwa navakuru navaPirisita vakuru navanyori, nokuvurawa, nokumutswa nezuva retatu.

23Zvino wakati kuna vose: Kana munhu achida kutevera shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.

24Nokuti aninani unoda kuponesa vupenyu hwake, ucharashikirwa nabwo; asi unorashikirwa novupenyu bwakwe nokuda kwangu, uchabwuponesa.

25Nokuti munhu uchabatsirwaneiko kana awana nyika yose, akarashikirwa noupenyu hwake kana kurashiwa.?

26Nokuti aninani unonyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana womunhu uchanyara vo pamusoro pake musi waanovuya nokubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene.

27Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kunavamire pano vasingazonzwi rufu; vasati vavona vushe bwaMwari.

28Zvino kwakati kwapera mazuva masere pashure pamashoko awa akatora Petro naJohane naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.

29Zvino wakati achinyengetera, mugarire wechiso chake ukashanduka, nguvo dzake dzikachena dzikapenya.

30Zvino tarira, varume vaviri, vana Mosesi naEria, vakavonekwa vachitaurirana naye.

31Vakavonekwa mukuhwinya, akataura zvokuenda kwake kwaakanga wondopedzisa paJerusarema.

32Zvino Petro, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakavona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye.

33Zvino vakati voparadzana, Petro akati kunaJesu: Tenzi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.

34Wakati achataura izvozvo, gore rikavuya, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore.

35Ipapo inzwi rakabva mugore, richi; Uyu Mwanakomana wangu, unodikanwa mumunzwei!

36Inzwi rakati raenda, Jesu akavonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasavudza munhu; namazuva iwayo, chinhu chimwe chavakanga vavona.

37Nezuva rinotevera vakati vaburuka mugomo, vanhu vazhinji-zhinji vakasangana navo.

38Zvino mumwe murume pakati pavazhinji wakadana, akati: Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mwanakomana wangu nokuti ndiye mwana wangu mumwe woga.

39Tarirai, mweya unomubata, zvino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, achipupuma furo; haudi kumurega, asi unomurwadzisa zvikuru.

40Ndakakumbira kuvadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.

41Jesu akapindura, akati: Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka; ndichagara nemi kusvikira riniko, nokukuitirai moyo murefu kusvikira rinhiko? Vuya pano nomwanakomana wako.

42Akati achavuya, mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru. Asi Jesu wakaraira mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kunaBaba vake.

43Vose vakashamiswa novukuru bwaMwari. Zvino vose vachashamiswa nezvose zvaakaita, akati kuvadzidzi vake:

44Mashoko awa ngaapinde munzeve dzenyu; nokuti Mwanakomana womunhu uchaiswa mumavoko avanhu.

45Asi ivo havana kunzwisisa kutaura uku; vakanga vakavanzirwa, kuti varege kukunzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pokutaura uku.

46Zvino nharo dzikamuka pakati pavo, kuti ndiani mukuru kwavari.

47Asi Jesu, zvaakanga achiziva kufunga kwemoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi rwake,

48, akati kwavari: Aninani unogamuchira mwana uyu muzita rangu,unondigamuchira ini,ani nani unondigamuchira ini unogamuchira wakandituma;uyu uri muduku kwamuri mose, uchava mukuru.

49Johane akapindura, akati: Tenzi, tavona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateveri nesu.

50Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa; nokuti usingapesani nesu, unesu.

51Mazuva okukwidzwa kwake akati oswedera, wakaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusarema,

52akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha wavaSamaria kundomugadzirira.

53Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusarema.

54Vadzidzizi vake, Jakobho naJohane, vakati vachizvivona, vakati: Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze sezvakaitwa naEria here?

55Asi iye wakatendevuka, akavaraira akati hamuzivi kuti muri vomweya wakadii.

56Nokuti mwanakomana womunhu haana kuvuya kuzoparadza upenyu hwavanhu asi kuvaponesa. Ipapo vakaenda kuneumwe musha.

57Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari: Ishe ndichakuteverai pose pamunoenda.

58Jesu akati kwaari: Mhungubwe dzinemwena, neshiri dzokudenga dzinamatendere, asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.

59Akati kunomumwe: Nditevere. Iye akati: Nditenderei henyu ndimbondoviga baba vangu.

60Jesu akati kwaari, rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe, enda undoparidza vushe bwaMwari.

61Mumwe zve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi mukanditendera henyu ndimbondowonekana navari mumba mangu.

62Asi Jesu akati kwaari: Hakunomunhu ungati kana aisa ruvoko rwake pabadza, akacheukira shure, ungafanirwa novushe bwaMwari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.