Shure kwaizvozvo Ishe wakagadza zve vamwe vanamakumi manomwe, akavatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, vuye kwose kwaakanga achida kuenda.After these things the Lord appointed other seventy also, and sent them two and two before his face into every city and place, whither he himself would come.
Akati kwavari: Kucheka kukuru, asi vabati vashoma; naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.Therefore said he unto them, The harvest truly is great, but the labourers are few: pray ye therefore the Lord of the harvest, that he would send forth labourers into his harvest.
Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwaiana pakati pamapere.Go your ways: behold, I send you forth as lambs among wolves.
Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; musakwazisa munhu panzira.Carry neither purse, nor scrip, nor shoes: and salute no man by the way.
Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti Rugare ngaruve neimba ino.And into whatsoever house ye enter, first say, Peace be to this house.
Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana kusina, ruchadzokera kwamuri.And if the son of peace be there, your peace shall rest upon it: if not, it shall turn to you again.
Garai muimba iyo, muchidya nokunwa zvavanazvo; nokuti mubati wakafanirwa nomubairo wake; musapota-pota nedzimba.And in the same house remain, eating and drinking such things as they give: for the labourer is worthy of his hire. Go not from house to house.
Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana vakakugamuchirai, idyai zvamunopakurirwa.And into whatsoever city ye enter, and they receive you, eat such things as are set before you:
Poresai varwere varimo, muchiti kwavari: Vushe bwaMwari bwaswedera kwamuri.And heal the sick that are therein, and say unto them, The kingdom of God is come nigh unto you.
Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana vasingakugamuchiriyi, budirai munzira dzavo, muti:But into whatsoever city ye enter, and they receive you not, go your ways out into the streets of the same, and say,
Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira tsoka dzedu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi kuti vushe bwaMwari bwaswedera.Even the very dust of your city, which cleaveth on us, we do wipe off against you: notwithstanding be ye sure of this, that the kingdom of God is come nigh unto you.
Ndinoti kwamuri: Sodhoma richarerukirwa nezuva iro kupfuvura guta iro.But I say unto you, that it shall be more tolerable in that day for Sodom, than for that city.
Unenhamo, iwe Korazeni! Unenhamo, iwe Betsaida! Nokuti mabasa esimba akaitwa mukati menyu, dai akaitwa muTire neSidoni, vangadai vatendevuka kare, vakagara vanamasaga nedota.Woe unto thee, Chorazin! woe unto thee, Bethsaida! for if the mighty works had been done in Tyre and Sidon, which have been done in you, they had a great while ago repented, sitting in sackcloth and ashes.
Asi Tire neSidoni acharerukirwa pakutongwa kupfuvuremi.But it shall be more tolerable for Tyre and Sidon at the judgment, than for you.
Newe Kapernaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi,And thou, Capernaum, which art exalted to heaven, shalt be thrust down to hell.
Unokunzwai imwi, unondinzwa ini unokurambai imwi; unondiramba ini,unoramba ini unoramba iye wakandituma.He that heareth you heareth me; and he that despiseth you despiseth me; and he that despiseth me despiseth him that sent me.
Vanamakumi manomwe vakadzoka nomufaro, vachiti: Ishe, kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.And the seventy returned again with joy, saying, Lord, even the devils are subject unto us through thy name.
Akati kwavari: Ndakavona Satani achiwa kudenga semheni,And he said unto them, I beheld Satan as lightning fall from heaven.
Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamusoro pesimba renyoka nezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi; hakune chinhu chingatongokukuvadzai.Behold, I give unto you power to tread on serpents and scorpions, and over all the power of the enemy: and nothing shall by any means hurt you.
Asi, musafara bedzi nechinhu ichi, kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.Notwithstanding in this rejoice not, that the spirits are subject unto you; but rather rejoice, because your names are written in heaven.
Nenguva iyo Jesu wakafara noMweya Mutsvene, akati: Ndinokuvongai Baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche. Hongu Baba nokuti ndizvo zvakakufadzai.In that hour Jesus rejoiced in spirit, and said, I thank thee, O Father, Lord of heaven and earth, that thou hast hid these things from the wise and prudent, and hast revealed them unto babes: even so, Father; for so it seemed good in thy sight.
Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu; hakuna unoziva kuti Mwanakomana, ndiyani asi baba vuye kuti baba ndiani asi mwanakomana naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.All things are delivered to me of my Father: and no man knoweth who the Son is, but the Father; and who the Father is, but the Son, and he to whom the Son will reveal him.
Ipapo akatendevukira kuvadzidzi vake, akati kwavari, vari voga; Meso, anovona zvamunovona, akaropafadzwa.And he turned him unto his disciples, and said privately, Blessed are the eyes which see the things that ye see:
Nokuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji namadzimambo vaida kuvona zvamunovona, vakasazvivona, nokunzwa zvamunonzwa, vakasazvinzwa.For I tell you, that many prophets and kings have desired to see those things which ye see, and have not seen them; and to hear those things which ye hear, and have not heard them.
Zvino mumwe mududziri womurairo wakasimuka, akamuidza, achiti: Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yovupenyu bwusingaperi?And, behold, a certain lawyer stood up, and tempted him, saying, Master, what shall I do to inherit eternal life?
Akati kwaari: Pamurairo pakanyorweiko? Unorava sei?He said unto him, What is written in the law? how readest thou?
Iye akapindura, akati: Ida Ishe, Mwari wako, nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nokufunga kwako kwose, nowokwako sezvaunozvida iwe.And he answering said, Thou shalt love the Lord thy God with all thy heart, and with all thy soul, and with all thy strength, and with all thy mind; and thy neighbour as thyself.
Akati kwaari: Wapindura zvakanaka; ita izvozvo ugorarama.And he said unto him, Thou hast answered right: this do, and thou shalt live.
Asi iye, achida kuzviruramisa, akati kunaJesu: Wokwangu ndianiko?But he, willing to justify himself, said unto Jesus, And who is my neighbour?
Jesu akapindura, akati: Mumwe munhu wakabva Jerusarema, akaburukira Jeriko; akawirwa namakororo, akamupamba nguvo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa.And Jesus answering said, A certain man went down from Jerusalem to Jericho, and fell among thieves, which stripped him of his raiment, and wounded him, and departed, leaving him half dead.
Zvino mumwe muPirisita wakanga achingoburuka hake nenzira iyo; akati achimuvona, akanyenyeredza.And by chance there came down a certain priest that way: and when he saw him, he passed by on the other side.
Nokudaro muRevhi vo wakasvikapo, akamuvona, akanyenyeredza.And likewise a Levite, when he was at the place, came and looked on him, and passed by on the other side.
Zvino mumwe muSamaria, wakanga ari parwendo, wakasvika kwaari; akati achimuvona, akamunzwira tsitsi,But a certain Samaritan, as he journeyed, came where he was: and when he saw him, he had compassion on him,
akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta.And went to him, and bound up his wounds, pouring in oil and wine, and set him on his own beast, and brought him to an inn, and took care of him.
Zvino, ava mangwana, oenda akabudisa madhenari maviri,* akaapa mwene weimba, akati: Muchengete; vuye zvose zvaunomuripira kupfuvura izvi, ndichakupa zve, kana ndichidzoka.And on the morrow when he departed, he took out two pence, and gave them to the host, and said unto him, Take care of him; and whatsoever thou spendest more, when I come again, I will repay thee.
Unofungei, ndoupiko kunavatatu ava wakanga ari wokwake waiye wakawirwa namakororo?Which now of these three, thinkest thou, was neighbour unto him that fell among the thieves?
Akati: Ndiye wakamuitira ngoni. Jesu akati kwaari: Enda, undoita saizvozvo.And he said, He that shewed mercy on him. Then said Jesus unto him, Go, and do thou likewise.
Zvino vakati vachifamba, akapinda munoumwe musha; mumwe mukadzi wainzi Marta, akamugamuchira mumba make,Now it came to pass, as they went, that he entered into a certain village: and a certain woman named Martha received him into her house.
Iye wakanga anomunun’una wainzi Maria, wakagara vo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.And she had a sister called Mary, which also sat at Jesus’ feet, and heard his word.
Asi Marta wakanga achitambudzika nokushanda zvikuru, akavuya, akati: Ishe, hamunehanya muchivona munun’una wangu achindirega ndichishanda ndoga here? Muvudzei andibatsire,But Martha was cumbered about much serving, and came to him, and said, Lord, dost thou not care that my sister hath left me to serve alone? bid her therefore that she help me.
Jesu akapindura, akati kwaari: Marta! Marta! Unofunganya, nokuzvitambudza nezvinhu zvizhinji,And Jesus answered and said unto her, Martha, Martha, thou art careful and troubled about many things:
asi chinhu chimwe chinodikanwa; nokuti Maria wakasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.But one thing is needful: and Mary hath chosen that good part, which shall not be taken away from her.