Bhaibheri

Rwiyo rwaSoromoni 4

Song of Solomon 4 · 16 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Tarira, akanaka sei, shamwari yangu; tarira, akanaka sei! Meso ako akafanana neenjiva pakutarira kwawo pakati pechifukidzo chako; Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi, Dzinoburukira mujinga megomo reGiriyadhi.

2Meno ako akafanana neboka ramakwai achangoveurwa, Anobva pakushambwa; Rimwe nerimwe rawo rina vana vaviri, Hakuna rimwe risina mwana.

3Miromo yako yakafanana norwonzi rwakatsvuka; Kutaura kwako kwakanaka; Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.

4Mutsipa wako wakafanana nenhare yaDhavhidhi. Yakavakirwa nhumbi dzokurwa, Makaturikwa nhovo dzine churu chezana, Dzose dziri nhovo dzemhare.

5Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vari vana vakaberekwa vari vaviri, Vanochera pakati pamaruva ebundo.

6Kana zuva rotonhorera, mimvuri yotiza, Ndichaenda kugomo remura, Nokuchikomba chezvinonhuwira.

7Akaisvonaka, iwe shamwari yangu; Hakuna gwapa kwauri.

8Hendei tose, iwe mwenga wangu, tibve paRebhauni, Tibve paRebhanoni tose; Tarira uri pamusoro weAmana, Pamisoro yeSeniri neHerimoni, Panzvimbo dzeshumba, Pamakomo engwe.

9Wanditorera moyo wangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Wanditorera moyo wangu nokunditarira kamwe nameso ako, Nechishongo chimwe chomutsipa wako.

10Rudo rwako rwakanaka sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runopfuura waini zvikuru sei! Nokunhuwira kwezvizoro zvako miti yose inonhuwira!

11Miromo yako, mwenga wangu, inodonha musvi wouchi; Uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako; Kunhuwira kwenguvo dzako kwakafanana nokunhuwira kweRebhanoni.

12Hanzvadzi yangu, mwenga wangu, munda wakakomberedzwa, Chitubu chakapoteredzwa, tsime rakafunhirwa.

13Matavi ako munda wamatamba, une zvibereko zvakaisvonaka; Maruva ehena nenaridho,

14Naridho nesafironi, Karamusi nekinamoni, nemiti yose inonhuwira, Mura negavakava, nezvose zvinoisvonhuwira.

15Uri tsime reminda, Chitubu chemvura mhenyu, Nenzizi dzinoyerera dzichibva Rebhanoni.

16Muka, iwe mhepo yokumusoro; uya, iwe mhepo yezasi; Furidzira pamunda wangu, kuti zvinonhuwira zvawo zvibudire kunze. Mudiwa wangu ngaapinde mumunda make, Ngaadye zvibereko zvake zvakaisvonaka.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.