Rwiyo rwaSoromoni 5
Song of Solomon 5 · 16 verses
1Ndapinda mumunda mangu, hanzvadzi yangu, mwenga wangu; Ndaunganidza mura yangu nezvinonhuwira zvangu; Ndadya musvi wouchi hwangu nouchi hwangu; Ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, shamwari dzangu; Inwai, zvirokwazvo, inwai zvikuru, vadiwa vangu.
2Ndakanga ndivete, asi moyo wangu wakanga wakasvinura; Inzwi romudiwa wangu, anogogodza, achiti, Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, akakwana wangu; Nokuti musoro wangu uzere nedova, Vhudzi rangu namadonhedza ousiku.
3Ndabvisa nguvo yangu; ndingaifuka sei? Ndashambidza tsoka dzangu; ndingadzisvibisa sei?
4Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake napavuri romukova, moyo wangu ukamushuva.
5Ndakasimuka, ndichiti ndizarurire mudiwa wangu; Maoko angu akadonha mura, Neminwe yangu mura inoyerera, Pazvibato zvechizarira.
6Ndakazarurira mudiwa wangu; Asi mudiwa wangu akanga atendeuka, aenda. Mweya wangu wakanga watorwa pakutaura kwake; Nakamutsvaka, asi handina kumuwana; Ndikamudana, asi haana kundipindura.
7Varindi, vanofamba-famba neguta, vakandiwana; Vakandirova, vakandikuvadza; Vatariri vamasvingo vakanditorera jasi rangu.
8Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Kana mukawana mudiwa wangu,
9Ko mudiwa wako anopfuura vamwe vadiwa neiko, Nhai, iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka? Ko mudiwa wako unopfuura vamwe vadiwa neiko, Zvaunotipikira saizvozvo?
10Mudiwa wangu akachena nokutsvuka, Anozikanwa pakati pezana ramazana.
11Musoro wake wakaita sendarama yakaisvonaka; Vhudzi rake rakapetana, idema segunguvo.
12Meso ake akaita seenjiva pahova dzemvura, Dzakashambwa nomukaka, sezvibwe zvakarongedzwa zvakanaka.
13Matama ake akaita sendima yemiti inonhuwira, Samatutu emiriwo inonaka; Miromo yake yakaita samaruva anodonha mura inoyerera.
14Maoko ake akaita samapango endarama, akaiswa bheriri; Muviri wake wakaita senyanga dzenzou, dzakafukidzwa nesafiro.
15Makumbo ake akaita sembiru dzamabwe machena, dzakaiswa pazvigadziko zvendarama yakaisvonaka; Kuonekwa kwake kwose kwakafanana neRebhanoni, kwakaisvonaka semisidhari.
16Muromo wake wakanaka kwazvo; Zvirokwazvo, wakaisvonaka kwazvo-kwazvo. Ndizvo zvakaita mudiwa wangu, ndizvo zvakaita shamwari yangu, Imi vakunda veJerusaremu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.