Rwiyo rwaSoromoni 7
Song of Solomon 7 · 13 verses
1Tsoka dzako dzakanaka seiko mushangu, iwe mukunda womuchinda! Hudyu dzako, dzakatendereka, dzakaita sezvishongo, Basa ramaoko emhizha.
2Guvhu rako rakaita somukombe wakatendereka, Musingashaikwi waini yakavhenganiswa; Chiuno chako chaita sedutu rezviyo Rakakomberedzwa namaruva.
3Mazamu ako maviri akafanana navana vemharapara, Vana vakaberekwa vari vaviri.
4Mutsipa wako wakaita seshongwe yorunyanga rwenzou; Meso ako samakuvi paHeshibhoni, Pasuo reBhatirabhimi; Mhinho dzako dzakafanana neshongwe yeRebhanoni Yakatarisana neDhamasiko.
5Musoro wako pamusoro pako wakafanana neKarimeri; Nevhudzi romusoro wako nomucheka mutsvuku; Mambo akasungwa nevhudzi rakapetana.
6Wakanaka sei, unofadza sei, Mudiwa, pakati pezvinofadza.
7Umiro hwako hwakafanana nomuchindwe, Namazamu ako namasumbu ezvibereko zvawo.
8Ndakati, ndichakwira mumuchindwe, Ndibate matavi awo; Mazamu ako ngaave samasumbu emizambiringa, Nokunhuwira kwemhino dzako sokunhuwira kwamaapuri,
9Nomuromo wako sewaini yakaisvonaka, Inotapira mudikanwa wangu pakunwiwa kwayo, Inoyerera pamiromo yavavete.
10Ndini womudiwa wangu; Kuda kwake kunondivinga.
11Uya mudiwa wangu, ngatibudire kusango, Ngatigare mumisha.
12Ngatifumire kuminda yemizambiringa; Tindoona kana muzambiringa watunga; Kana maruva akura, Kana matamba atunga maruva; Ndipapo pandichakupa rudo rwangu.
13Mudiwadiwa anobudisa kunhuwira. Pamikova yedu panezvinonaka zvamarudzi ose, zvitsva nezvisharu, Zvandakakuchengetera, iwe mudiwa wangu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.