Rwiyo rwaSoromoni 8
Song of Solomon 8 · 14 verses
1Aiwa, dai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu, Akamwa mazamu amai vangu! Dai ndakuwana panze, ndakutsvoda; Zvirokwazvo, hakuna aindishora.
2Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu Ivo vandidzidzise; Ndaikupa waini yakavhenganiswa nezvinonhuwira kuti uinwe, Nomukumbi wamatamba angu.
3Ruoko rwake rworuboshwe ngaruve pasi pomusoro wangu, Ruoko rwake rworudyi ngarundimbundikire.
4Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene.
5Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje, Akasendamira pamudiwa wake? Pasi pomuapuri ndipo pandakakumutsa; Ndipo pakakutamburira mai vako, Ndipo pavakakutamburira, ivo vakakubereka.
6Ndishonge sechisimbiso pamoyo pako, Sechisimbiso paruoko rwako; Nokuti rudo rune simba sorufu; Godo rinokuvadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa komoto, Murazvo chaiwo waJehovha.
7Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyange munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose.
8Tine chinun’una, Chigere kuva namazamu; Tichadiniko nechinun’una chedu Nezuva raachakumbirwa?
9Kana ari rusvingo, Tichavaka pamusoro pake kashongwe kesirivheri Kana ari mukova, Tichamukomberedza namapuranga emisidhari.
10Ini ndaiva rusvingo, mazamu angu akaita shongwe dzarwo; Panguva iyo ndakava pamberi pake somunhu akawana rugare.
11Soromoni akanga ano munda wemizambiringa paBhaarihamoni, Akaisa munda uyo kuvatariri; Mumwe nomumwe aifanira kumuvigira masirivha ane gumi ramazana pamusoro pezvibereko zvawo.
12Munda wangu wemizambiringa, iwo wangu, uri pamberi pangu; Iwe Soromoni, uchapiwa gumi ramazana, Navanochengeta zvibereko zvawo vachapiwa mazana maviri.
13Iwe, unogara muminda, Shamwari dzako dzinoteerera inzwi rako; Nditendere ini ndirinzwewo.
14Kurumidza, mudiwa wangu, Uve semharapara kana mwana wenondo Pamusoro pamakomo ezvinonhuwira.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.