Bhaibheri

VaEfeso 6

Ephesians 6 · 24 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Imi vana, tererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama.

2Kudza baba vako namai ndiwo murairo wokutanga unechipikirwa

3kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.

4Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokuraira kwaShe.

5Imi varanda, tererai avo vari vatenzi venyu panyama, nokutya nokudedera, nemoyo yakarurama, muchizviita sokunaKristu;

6musingabati kana muchivonekwa bedzi, savafadzi vavanhu, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari nomoyo wose;

7muchibata nomoyo wakanaka, muchizviita sokunaShe, musingaitiri vanhu;

8muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka, chinoitwa nomunhu mumwe nomumwe, uchachipiwa zve naShe, kana akasungwa kana akasununguka.

9Nemi madzishe, muvaitire saizvozvo, murege kuvatyisa; nokuti munoziva kuti Ishe wavo nowenyu uri kudenga; haatendi zvinovonekwa zvomunhu.

10Pakupedzisira hama dzangu,ivai nesimba munaShe, nomusimba rake guru.

11Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhorosi.

12Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga.

13Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.

14Naizvozvo mirai makasunga zvivuno zvenyu nezvokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chokururama,

15makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvhangeri yorugare;

16pamusoro paizvozvi makatora nhovo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa.

17Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro Shoko raMwari;

18munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose.

19neni vo, kuti ndipiwe shoko kana ndichishamisa muromo wangu, kuti ndidudzire ndisingatyi zvakavanzika zveEvhangeri,

20yandiri nhume yayo yakasungwa namatare; kuti ndizvitaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.

21Zvino kuti muzive vo zvangu, kuti ndakadiniko, Tikiko, hama inodikanwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, uchakuzivisai zvose;

22ndakamutuma kwamuri neshoko iri, kuti muzive zvinhu zvedu, anyaradze moyo yenyu.

23Rugare ngaruve nehama, norudo pamwe chete nokutenda, zvinobva kunaMwari, Baba,naShe Jesu Kristu,

24Nyasha ngadzive navose vanoda Ishe wedu, Jesu Kristu, norudo rusingavori.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.