Bhaibheri

VaEfeso 5

Ephesians 5 · 33 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa;

2fambai murudo, Kristu sezvaakakudai vo, akazvipa nokuda kwedu, kuti ave chipo nechibayiro kunaMwari, zviite bwema bwunonhuwira.

3Asi vupombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurebwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;

4nezvakaipa, nokutaura zvovupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zvirinani kuvonga.

5Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakune mhombwe, kana munhu unetsvina, kana unochiva, ndiye unonamata zvifananidzo, ungadya nhaka muvushe bwaKristu nobwaMwari.

6Ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunovuya pamusoro pavanakomana vokusaterera.

7Naizvozvo regai kushamwaridzana navo;

8nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza munaShe; fambai savana vechiedza.

9(Nokuti chibereko chemweya chiri mukunaka kwose, nokururama, nezvokwadi),

10muchiidza kuti ndezvipi zvinofadza Ishe.

11Regai kuyanana namabasa erima asine zvibereko, asi zvirinani kuti muraire;

12nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirebwa.

13Asi zvinhu zvose, kana zvarairwa, zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvose, zvinoratidzwa, chava chiedza.

14Saka iye unoti: Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu uchakuvhenekera.

15Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera;

16mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa.

17Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaShe.

18Regai kubatwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora, asi muzadzwe noMweya;

19mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumoyo yenyu;

20muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raShe wedu, Jesu Kristu;

21muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Mwari.

22Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe.

23Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.

24Asi kereke sezvairi pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo.

25Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadavo kereke, akazvipa nokuda kwayo;

26kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko,

27kuti azviisire pamberi pake kereke, inobwinya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana chinhu chakadai; asi ive tsvene, isinemhosva.

28Saizvozvo vo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida;

29nokuti hakuno munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira kereke;

30nokuti isu tiri mitezo yomuviri wake, yenyama yake neyamafupa ake.

31Naizvozvo munhu uchasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake; ivavo vaviri vachava nyama imwe.

32Chakavanzika ichi, chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.

33Asi imivo, mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nomukadzi ngaatye murume wake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.