Bhaibheri

VaFiripi 3

Philippians 3 · 21 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Pakupedzisira, hama dzangu, farai munaShe. Ini handinetswi nokukunyorerai zve zvinhu zviya, asi zvinokusimbisai imi.

2Ityai imbwa, ityai vabati vakaipa, ityai vokucheka;

3nokuti isu tiri vokudzingiswa, tinonamata Mwari muMweya, tinozvirumbidza munaKristu Jesu, tisingavimbi nenyama,

4kunyange ini hangu ndingavimba nenyama; kana kunomumwe munhu unoti ndinovimba nenyama, zvikuru ini.

5Ndakadzingiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwavaIsraeri veimba yaBenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurairo ndiri muFarise;

6pakushingaira kwangu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebwa nomurairo ndakanga ndisina chandingapomerwa.

7Asi izvozvo, zvaiva fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu.

8Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu,wandakarashikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviidza marara, kuti ndiwane Kristu;

9ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMwari nenzira yokutenda

10kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusongana naye pamadambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake;

11kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwavakafa.

12Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairira 'ko, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira.

13Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kunezviri mberi.

14ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubairo wokudana kwaMwari kunobva kudenga, munaKristu Jesu.

15Naizvozvo isu tose, takakwana, ngative nomoyo wakadaro; kana imi muno mumwe moyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvo vo.

16Asi, apo patasvika ngatirambe tichifamba bedzi nomurairo iwoyu tifunge chinhu chimwe.

17Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kutarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai su.

18Nokuti vazhinji, vandakakuvudzai kazhinji, nazvino ndinokuvudzai vo nokuchema, vanofamba vari vavengi vomuchinjikwa waKristu;

19kuguma kwavo ndiko kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, vanozvirumbidza pamusoro pezvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvenyika.

20Nokuti nyika yedu iri kudenga, uko kwatakatarira kuvuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu;

21uyo uchavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogona vo naro kuzviisira zvose pasi pake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.