Bhaibheri

VaFiripi 4

Philippians 4 · 23 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Naizvozvo, hama dzangu, vadikanwa vandinoshuva kwazvo, mufaro wangu, nekorona yangu, mirai nesimba saizvozvo munaShe, vadikanwa.

2Ndinokumbira zvikuru Yuodia, ndinokumbira zvikuru Sintike, kuti vave nomoyo mumwe munaShe.

3Hongu, newe vo, shamwari yangu yazvokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paEvhangeri, pamwe chete naKremensi, navamwe vakabata pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku yovupenyu.

4Farai munaShe nguva dzose; ndichapamhidza zve: Farai.

5Vunyoro bwenyu ngabwuzikanwe navanhu vose. Ishe uri pedo.

6Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuvonga.

7Zvino rugare rwaMwari runopfuvura kunzwisisa kwose, rucharinda moyo yenyu nemifungo yenyu munaKristu Jesu.

8Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.

9Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakavona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.

10Ndakafara zvikuru munaShe, nokuti zvino makapepuka zve mukandirangarira; makanga marangarira henyu, asi makashaiwa nguva.

11Handirevi izvozvi nokuti ndinoshaiwa, nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo.

12Ndinoziva vurombo, ndinozivavo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushaiwa.

13Ndingaita zvinhu zvose naKristu unondisimbisa.

14Kunyange zvakadaro, makaita zvakanaka zvamakasongana neni pakutambudzika kwangu.

15Munoziva vo, imi vaFiripi, kuti pakutanga kweEvhangeri, ndichibva Makedhonia, pakanga pasinekereke imwe yakasongana neni pashoko rokupa nokugamuchira, asi imi moga;

16nokuti napaTesaronika makanditumira kamwe, norwechipiri zve, pakushaiwa kwangu.

17Handirevi kudaro kuti nditsvake chipo, asi ndinotsvaka chibereko chamunozofumiswa nacho.

18Zvino ndava nezvose, ndafumiswa; ndaguta, ndagamuchira kunaEpafrodito izvo, zvinobva kwamuri, zvakaita sobwema bwunonhuwira, nechibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.

19Zvino Mwari wangu uchazadzisa kushaiwa kwenyu kwose pafuma yake, mukubwinya, munaKristu Jesu.

20Zvino Mwari, Baba vedu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.

21Ndikwazisirei mutsvene mumwe nomumwe munaKristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai.

22Vatsvene vose vanokukwazisai, zvikuru avo veimba yaKesari.

23Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Amen.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.