VaGaratiya 4
Galatians 4 · 31 verses
1Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achiri mwana, haatongosiyani nomuranda, kunyange ari ishe wazvose;
2asi uri pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa.
3Saizvozvo nesu vo, tichiri vana, takanga takasungwa pasi pezvokuvamba zvenyika;
4zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa nomukadzi, wakaberekwa pasi pomurairo,
5kuti adzikinure vari pasi pomurairo, kuti tipiwe vumwana bwedu.
6Zvino zvamuri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya woMwanakomana wake mumoyo menyu, unodana, achiti: Aba, Baba!
7Saka iwe hauchiri muranda, asi mwanakomana; kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka yaMwari muna Kristu.
8Asi nenguva iyo, zvamakanga musingazivi Mwari, maiva varanda vavamwari vasati vari vezvokwadi;
9asi zvino, zvamunoziva Mwari, zvikuru zvamunozikamwa naMwari modzokerazve seiko kune zvokuvamba zvisine simba, zvovurombo, muchida zve kutanga kuva varanda vazvo?
10Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore.
11Ndinotya pamsoro penyu, kuti zvimwe ndakabate-basa kwamuri pasina.
12Ndinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muve seni, nokuti ini ndakaita semi. Hamuna kundiitira chinhu chimwe chisakarurama;
13zvino munoziva kuti ndakakuparidzirai Evhangeri pakutanga nokuda kwokurwara panyama;
14nechinhu icho panyama yangu, chakanga chiri muidzo kwamuri, hamuna kuchizvidza, kana kuchisema; asi makandigamuchira somutumwa waMwari, saiye Kristu Jesu.
15Zvino kufara kwenyu kuripiko? Nokuti ndinokupupurirai, kuti kana maigona, maitumbura meso enyu mukandipa iwo.
16Zvino ndava muvengi wenyu, zvandakakuvudzai zvokwadi here?
17Vanokushingairirai nomutovo usakanaka; asi vanoda kukupfigirai kunze, kuti imi muvashingairire.
18Zvino zvakanaka kuti pachinhu chakanaka kushingairirwe nguva dzose, zvirege kuitwa kana ndiri kwamuri bedzi.
19Vana vangu vaduku, vandinotamburira zve kubereka, kusvikira Kristu avumbwa mukati menyu.
20Ndaida kuti ndive nemi zvino, ndishandure inzwi rangu; nokuti ndinokanganiswa nokuda kwenyu.
21Ndivudzei, imi munoda kuva pasi pomurairo, hamutereri murairo here?
22Nokuti kwakanyorwa kuti Abhurahamu wakanga anavanakomana vaviri, mumwe womurandakadzi, mumwe womukadzi wakasununguka.
23Zvino womurandakadzi wakaberekwa nenzira yenyama; asi womukadzi wakasununguka wakaberekwa sezvaakapikirwa.
24Zvinhu izvi zvinofananidzira; nokuti vakadzi ava vaviri isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSinai inobereka vana vovuranda ndiye Agari;
25zvino Agari ndiro gomo reSinai muArAbhiya, rakaenzana neJerusarema razvino nokuti uri pavuranda iye navana vake
26Zvino Jerusarema riri kumusoro rakasununguka ndivo mai vedu.
27nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe usingabereki, usingazvari, Pururudza, udanidzire, iwe usingatamburi nokubereka, Nokuti vana vomusiyiwa vazhinji kunowaiye unomurume.
28Zvino imi, hama dzangu, muri vana vokupikirwa saIsaka.
29Asi sapanguva iyo, uyo wakaberekwa nenzira yenyama wakatambudza wakaberekwa nenzira yoMweya, zvakadaro vo nazvino.
30Asi Rugwaro runotiyiko? Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake; nokuti mwanakomana womurandakadzi haangadyi nhaka pamwe chete nomwanakomana wowakasununguka.
31Saka, hama dzangu, hatizi vana vomurandakadzi, asi vowakasununguka.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.