Bhaibheri

VaGaratiya 3

Galatians 3 · 29 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Imi vaGaratia vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, kuti murege kuteerera chokwadi iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa pakati penyu?

2Ichechi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?

3Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here?

4Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo!

5Naizvozvo uyo unokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, unozviita izvo namabasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda?

6Abhurahamu sezvaakatenda kunaMwari kukanzi kwaari ndiko kururama.

7Naizvozvo zivai kuti vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu.

8Norugwaro zvarwakaziva zviri mberi kuti Mwari ucharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Evhangeri kare kunaAbhurahamu, ruchiti: Mauri marudzi ose acharopafadzwa.

9Naizvozvo vokutenda vanoropafadzwa pamwe chete naAbhurahamu, wakatenda.

10Nokuti vose vari vamabasa omurairo, vari pakutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubuku yomurairo, kuti vazviite.

11Zvino, zvinovonekwa kuti hakunomunhu unoruramiswa nomurairo pamberi paMwari, nokuti: Wakarurama uchararama nokutenda.

12Zvino murairo haubvi pakutenda; asi uyo wakaita zvinhu izvozvi uchararama nazvo.

13Kristu wakatidzikinura pakutuka kwomurairo, iye akaitwa chakatukwa nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti!

14Kuti kuropafadzwa kwaAbhurahamu kusvike kuvahedheni munaJesu Kristu; kuti tipiwe nokutenda chipikirwa choMweya.

15Hama dzangu, ndinoreva nokureva kwavanhu, ndichiti: Kunyange iri sungano yavanhu hayo, kana yasimbiswa, hakunomunhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi.

16Zvino, izvo zvipikirwa zvakarebwa kunaAbhurahamu nokumwana wake. Haarevi, achiti: Kuvana vako, savanenge vari vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti; Kumwana wako; uyu ndiye Kristu.

17Zvino ndinoreva chinhu ichi, ndichiti; Sungano yakasimbiswa kare naMwari, munaKristu, haitorerwi simba rayo nomurairo wakazotevera makore mazana mana namakumi matatu apfuvura, kuti chipikirwa chikoneswe.

18Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchipikirwa;; asi Mwari wakaipa Abhurahamu nokupikira.

19Naizvozvo murairo chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana wakapikirwa izvozvo achizovuya; iwo wakarairwa navatumwa noruvoko rwomurevereri.

20Zvino murevereri haazi womumwe chete, asi Mwari ndomumwe.

21Ko murairo unorwisana nezvipikirwa zvaMwari here? Haisva! Nokuti dai vakanga vapiwa murairo waigona kuraramisa, zvirokwazvo Kururamiswa kungadai kwakabva kumurairo.

22Asi Rugwaro rwakapfigira zvose pasi pezvivi, kuti chipikirwa chinobva pakutenda munaJesu Krisitu chipiwe vanotenda.

23Asi kutenda kusati kwasvika, taichengetwa pasi pomurairo, takapfigirwa nokuda kwokutenda kwaizoratidzwa.

24Saizvozvo murairo wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kunaKristu kuti tiruramiswe nokutenda.

25Zvino kutenda zvakwakasvika, hatichiri pasi pomuperekedzi.

26Nokuti imi mose muri vana vaMwari nokutenda munaKristu Jesu;

27nokuti vose pakati penyu, vakabhabhatidzwa munaKristu, makafuka Kristu.

28Hakuchina muJudha kana muGiriki, hakuchina wakasungwa kana wakasununguka, hakuchina munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe munaKristu Jesu.

29Zvino kana muri vaKristu, muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka sezvamakapikirwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.