VaGaratiya 6
Galatians 6 · 18 verses
1Hama dzangu, kunyange munhu akabatwa panokumwe kudarika, imi voMweya mudzose wakadai nomoyo wovunyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti urege kuidzwa vo.
2Takuriranai mitoro yenyu, mugozadzisa murairo waKristu saizvozvo.
3Nokuti kana munhu achiti, ndiri chinhu, asati ari chinhu, unozvinyengera iye.
4Zvino munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.
5Nokuti munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.
6Zvino unodzidziswa Shoko, ngaagovane nounodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
7Musanyengerwa; Mwari haasekwi; nokuti izvo zvinodzvara munhu, ndizvo zvaanocheka zve.
8Nokuti unodzvarira nyama yake, uchacheka kuvora, kunobva panyama; asi unodzvarira mweya, uchacheka vupenyu bwusingaperi, bwunobva kumweya.
9Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka, nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingavori moyo.
10Zvino zvatinenguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kunaveimba yokutenda.
11Tarirai, kukura kwamaretere andinokunyorerai nawo noruvoko rwangu.
12Vose vanoda kunzi vakanaka pane zvinovonekwa panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; vanodaro bedzi kuti varege kutambudzwa nokuda kwomuchinjikwa waKristu.
13Nokuti kunyange vakadzingiswa,havachengeti murairo vamene, asi vanoda kuti imi mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
14Asi kana ndirini, ngandirege kutongozvirumbidza napaduku, asi bedzi mumuchinjikwa waShe wedu, Jesu Kristu; naye nyika yakaroverwa pamuchinjikwa kwandiri, neni ndakaroverwa kunyika.
15Nokuti kudzingiswa kana kusadzingiswa hachizi chinhu, asi chisikwa chitsva.
16Vose vanofamba nomurairo uyu rugare ngaruve pamsoro pavo, nenyasha, napamsoro pavaIsraeri vaMwari.
17Kubvira zvino ngakurege kuva nomunhu unonditambudza; nokuti ndinamavanga aShe Jesu pamuviri wangu.
18Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama dzangu. Ameni.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.