Bhaibheri

VaEfeso 1

Ephesians 1 · 23 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari {paEfeso}, nokuna vanotenda munaKristu Jesu:

2Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu.

3Ngaavongwe Mwari naBaba vaShe wedu Jesu Kristu, wakatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga munaKristu,

4sezvaakatisanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene vasinemhosva pamberi pake murudo;

5akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake,

6kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muMudikanwa wake, kurumbidzwe;

7uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake;

8dzaakawanza kwatiri nokuchenjera kwose nokuziva;

9akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari;

10kuti afambise kuzara kwenguva, avunganidze munaKristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi.

11munaiye, watakaitwa vo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokuraira kwaiye, unoita zvose nokufunga kwokuda kwake;

12kuti tirumbidze kubwinya kwake, isu takatarira kare kunaKristu;

13munaiye, nemi vo, makanzwa shoko rezvokwadi maari, iyo Evhangeri yokuponeswa kwenyu; munaiye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa chisimbiso noMweya Mutsvene wamakapikirwa;

14uri rubatso rwenhaka yedu, kuratidza kudzikinurwa kwavanhu vaMwari chaivo, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.

15Saka neni vo, ndakati ndanzwa kutenda munaShe Jesu kuri pakati penyu, norudo kuvatsvene vose,

16handiregi kuvonga pamusoro penyu, ndichikurangarirai paminyengetero yangu;

17kuti Mwari waShe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya kukuru, akupei mweya wokuchenjera nowokuzarurirwa pakumuziva;

18Mavhenekerwa meso omoyo wenyu kuti muzive kuti kudana kwake kunetariro yei, nefuma yokubwinya kwenhaka yake pakati pavatsvene.

19novukuru bwakapfuvurisa bwesimba rake kwatiri isu tinotenda, nokubata kwesimba rake guru,

20raakabata munaKristu, achimumutsa kuvakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kudenga.,

21kumusoro-soro kwavabati vose, novukuru, nesimba, novushe, namazita ose anorebwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi paneinozovuya vo;

22akaisa zvose pasi petsoka dzake, akapa kereke iye, kuti ave musoro wazvose,

23ndiwo muviri wake, kuzara kwaiye unozadzisa zvose munavose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.