Bhaibheri

VaRoma 1

Romans 1 · 32 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Pauro, muranda waKristu Jesu, wakadanwa kuti ave muapostora, wakatsaurirwa Evhangeri yaMwari,

2yaakapikira kare navaporofita vake muMagwaro matsvene,

3zvoMwanakomana wake, wakabva kurudzi rwaDhavhidhi panyama,

4wakaratidzwa nesimba paMweya wovutsvene, kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kuvakafa; ndiye Jesu Kristu, Ishe wedu,

5watakagamuchira naye nyasha novuapostora, kuti pakati pavahedheni vose, pave nokuterera kwokutenda nokuda kwezita rake;

6nemi vo muri pakati pavo, makadanwa kuti muve vaJesu Kristu;

7kunavose vari muRoma, vadikanwa vaMwari, vakadanwa kuti vave vatsvene: Nyasha ngadzive nemi norugare, zvinobva kunaMwari, baba vedu, nokunaShe Jesu Kristu.

8Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu munaJesu Kristu, pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzirwa panyika yose.

9Nokuti Mwari chapupu changu, iye wandinoshumira mumweya wangu muEvhengeri yoMwanakomana wake, kuti handiregi kukurangarirai,

10ndichikumbira nguva dzose pakunyengetera kwangu, kuti zvimwe ndifambiswe hangu zvakanaka ndivuye kwamuri nokuda kwaMwari.

11Nokuti ndinoda zvikuru kukuvonai, kuti ndikupei chimwe chipo chomweya, kuti musimbiswe.

12Ndokuti ini ndinyaradzwe pamwe chete nemi pakati penyu, mumwe nomumwe nokutenda kwomumwe, kwenyu nokwangu.

13Handidi kuti musaziva, hama dzangu, kuti kazhinji ndaida kuvuya kwamuri, (ndikadziviswa kusvikira zvino), kuti ndive nezvibereko kwamuri vo, sapakati pavamwe vahedheni.

14Ndinengava kuvaGiriki nokuvatorwa, nokuvakachenjera navasina kuchenjera.

15Naizvozvo, kana ndirini, ndakazvigadzira kukuparidzirai vo Evhangeri, imi muri paRoma.

16Nokuti handinyari pamusoro peEvhangeri; nokuti isimba raMwari rokuponesa mumwe nomumwe unotenda, kutanga muJudha, vuye muGiriki vo.

17Nokuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kunobva pakutenda kuchienda kukutenda; sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakarurama uchararama nokutenda.

18Nokuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa, kuchibva kudenga, pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwavanhu, vanodzivisa zvokwadi nokusarurama;

19nokuti izvo zvingazikanwa zvaMwari zvinovonekwa mukati mavo; nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwavari.

20Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingavonekwi, iro simba rake risingaperi novuMwari bwake, zvinovonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo;

21nokuti vaiziva Mwari, asi havana kumukudza saMwari, kana kumuvonga; asi vakafunga zvisinamaturo, nemoyo yavo isinezivo, ikasvibiswa.

22Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi;

23vakashandura kubwinya kwaMwari usingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzinamakumbo mana, nezvinokambaira.

24Saka Mwari, mukuchiva kwemoyo yavo, akavaisa kutsvina, kuti vanyadzise miviri yavo pakati pavo.

25Avo vakatsinhanha zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata nokushumira chisikwa kupfuvura musiki, iye unokudzwa nokusingaperi. Ameni.

26Mwari wakavaisa pakuchiva kunonyadzisa; nokuti vanhukadzi vavo vakashandura basa ravakasikirwa, rive basa ravasina kusikirwa;

27saizvozvo vanhurume vo vakasiya basa rakasikirwa munhukadzi, vakakundwa nokuchiva pakati pavo, vanhurume vachiita zvinonyadza navanhurume, vakapiwa mukati mavo mubairo wakafanira wokurashika kwavo.

28Sezvavakanga vasingadi kugara vachiziva Mwari, Mwari akavaisa kumurangariro wakarashika, kuti vaite zvisakafanira;

29vakazadzwa nokusarururama kwose, nokuipa, noruchiva, nokuvenga; vakazara negodo, nokuvuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zeve-zeve,

30navacheri, navanovenga Mwari, navanodada, navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingatereri vabereki,

31namapenzi, navanoputsa sungano, navasinorudo kwarwo, vasinengoni.

32Avo, kunyange vachiziva havo chirevo chaMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havaiti izvo bedzi, asi vanotenderana navanozviita.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.