VaRoma 2
Romans 2 · 29 verses
1Saka haunepembedzo iwe munhu, upi noupi, unotonga vamwe; nokuti pachinhu icho chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe, unotonga unoita zvinhu izvozvo.
2Tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwazvokwadi kunavanoita zvinhu zvakadai.
3Iwe munhu, unotonga vamwe vanoita zvinhu zvakadai, iwe uchizviita vo, ko unoti ungatiza kutonga kwaMwari here?
4Unozvidza kanhi fuma yovunyoro bwake, nomoyo wake munyoro, nomoyo wake murefu, usingazivi here kuti vunyoro bwaMwari bwunokuisa pakutendevuka?
5Asi novukukutu bwako, nomoyo usingadi kutendevuka, unozvivunganidzira kutsamwa nezuva rokutsamwa, nokuratidzwa kwokutonga kwakarurama kwaMwari;
6iye uchapa mumwe nomumwe paakaita napo:
7Vanotsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, vachitsungirira pakuita zvakanaka, uchavapa vupenyu hwusingaperi.
8Asi kunavanenharo, vasingatereri zvokwadi, vanoterera zvisakarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha.
9nokutambudzika nenhamo kumweya mumwe nomumwe womunhu kunoita zvakaipa, pakutanga womuJudha, nowomuGiriki;
10asi kubwinya, nokukudzwa, norugare kunomumwe nomumwe unoita zvakanaka, ku muJudha pakutanga, muGiriki vo.
11Nokuti Mwari haatendi zvinovonekwa zvomunhu.
12Nokuti vose vakatadza vasinomurairo; vachaparadzwavo vasinomurairo; vose vakatadza vanomurairo, vachatongwa nomurairo;
13nokuti vanzwi vomurairo havazi ivo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vomurairo ndivo vanoruramiswa;
14(nokuti kana vahedheni vasinomurairo vachiita pachavo zvinhu zvomurairo, vachava murairo wavo vamene;
15nokuti vanoratidza basa romurairo wakanyorwa mumoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza;)
16nezuva iro, Mwari raanozotonga naro zvakavanzika zvavanhu, naJesu Kristu, sezvinoreva Evhangeri yangu.
17Zvino kana iwe unonzi muJudha, unovimba nomurairo, unozvirumbidza munaMwari,
18unoziva kuda kwake, nokutsaura kuti zvakanaka ndezvipi, uchidzidziswa nomurairo,
19unozviti iwe uri mutungamiriri wamapofu, nechiedza chavari murima,
20nomurairi wamapenzi, nomudzidzisi wavacheche, zvaunomufananidzo wokuziva nowezvokwadi pamurairo;
21zvino iwe unodzidzisa mumwe, unoregereiko kuzvidzidzisa? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuba, unobireiko iwe?
22Iwe unoti munhu arege kuita vupombwe, unoitireiko vupombwe iwe? Iwe unosema zvifananidzo, unobireiko iwe tembere dzavo?
23Iwe unozvirumbidza nomurairo, unoshovora Mwari nokudarika murairo neiko?
24Nokuti, sezvazvakanyorwa zita raMwari rinomhurwa pakati pavahedheni nokuda kwenyu.
25Nokuti kudzingiswa kunobatsira, kana iwe uri muiti womurairo; asi kana uri mudariki womurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa.
26Zvino. Kana iye usina kudzingiswa achichengeta zvirevo zvomurairo, ko kusadzingiswa kwake hakunganzi kudzingiswa here?
27Nousina kudzingiswa kubva pakuzvarwa kwake, kana achichengeta murairo, haangakutongi here iwe unodarika murairo, iwe unomurairo wakanyorwa, vuye vo kudzingiswa?
28Nokuti uyo haazi muJudha, uri muJudha pakuvonekwa chete; nokudzingiswa hakuzi iko kunovonekwa, kuri panyama;
29asi muJudha ndiye uri muJudha nechomukati; nokudzingiswa ndiko kwomoyo, mumweya, kusati kuri kwezvakanyorwa; iye haarumbidzwi navanhu, asi naMwari.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.