Bhaibheri

VaRoma 14

Romans 14 · 23 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino gamuchirai usinesimba pakutenda kwake musingaiti gakava naye pamusoro pokufunga kwake.

2Mumwe munhu unokutenda kuti ungadya zvose; asi usinesimba unodya mirivo.

3Unodya ngaarege kuzvidza usingadyi; usingadyi ngaarege kupa mhosva unodya; nokuti Mwari wakamugamuchira.

4Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe munhu mhosva? Iye unomira kana unowa pamberi paShe wake. Uchamiswa hake, nokuti Ishe unesimba rokumumisa.

5Mumwe munhu unoti zuva rimwe rinopfuvura rimwe; mumwe unoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazive kwazvo mumoyo make.

6Uyo unochengeta zuva, unorichengeta nokuda kwaShe; uyo usingachengeti zuva haarichengeti kunaShe, uyo unodya, unodya nokuda kwaShe, nokuti unovonga Mwari. Uyo usingadyi kunaShe haadyi asi unovonga Mwari.

7Nokuti hakunomumwe wedu unozviraramira iye oga, hakuna unozvifira iye oga.

8Nokuti kana tichirarama tinoraramira Ishe; kana tichifa, tinofira Ishe; zvino kana tichirarama, kana tichifa tiri vaShe.

9Nokuti Kristu wakafira izvezvi, akamukira vo izvezvi akararama kuti ave Ishe wavapenyu navakafa.

10Zvino iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newe vo, unozvidzireiko hama yako? Nokuti isu tose tichamira pachigaro chokutonga chaKristu.

11Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Novupenyu bwangu ndizvo zvinoreva Ishe ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, Rurimi rumwe norumwe ruchakudza Mwari.

12Naizvozvo mumwe nomumwe we du uchazvidavirira kunaMwari.

13Naizvozvo ngatirege kuramba tichitongana; asi zvirinani kuti mutonge, kuti munhu arege kuisa chigumbuso kana chinopinganidza pamberi pehama yake.

14Ndinoziva, nokuzivisisa kwazvo munaShe Jesu, kuti hakunechinhu chinetsvina chimene; asi uyo unoti, chinetsvina, kwaari chinetsvina.

15Nokuti kana hama yako ichisvibiswa moyo nokuda kwezvokudya, iwe hauchafambi norudo. Usaparadza nezvokudya zvako uyo wakafirwa naKristu.

16Naizvozvo kunaka kwenyu ngakurege kuzvidzwa.

17Nokuti vushe bwaMwari hazvizi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama, norugare, nomufaro muMweya Mutsvene.

18Nokuti unobatira Kristu pazvinhu izvi, unofadza Mwari, vuye unotendwa navanhu.

19Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinovuyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo.

20Regai kuparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvinhu zvose zvakanaka hazvo: asi zvakaipa kunounodya akagumbuka.

21Zvakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako, kana kuipa vutera.

22Unokutenda here? Iva nako kuve kwako pamberi paMwari, wakaropafadzwa usingazvipi mhosva pachinhu chaanotendera.

23Asi uyo unonyunyuta wava nemhosva kana achidya, nokuti haadyi nokutenda; zvose zvisingabvi pakutenda zvivi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.