Bhaibheri

VaRoma 13

Romans 13 · 14 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Munhu mumwe nomumwe ngaazviise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina kubva kunaMwari; iwo aripo akaiswapo naMwari.

2Saka unoramba simba, unodzivisa zvakaiswapo naMwari; zvino ivo vanodzivisa, vanozvitorera mhosva.

3Nokuti vabati havatyisi unobata basa rakanaka, asi rakaipa. Unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, ugorumbidzwa navo;

4nokuti ndiye mushumiri waMwari kwauri, kuti akuiitire zvakanaka. Asi kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kunounoita zvakaipa.

5Naizvozvo munofanira kuzviisa pasi pavo, musingadaro nokuda kwokutsamwa bedzi, asi nokuda kwehana vo.

6Nokuti nemhaka iyo munoripa vo mutero; nokuti ndivo varanda vaMwari vanoramba vachingobatira chinhu icho.

7Ripirai vose zvavanofanira kuripirwa: Mutero kunavanofanira kutererwa; muripo kunavanofanira kuripirwa; kutya kunavanofanira kutyiwa; kukudza kunavanofanira kukudzwa.

8Musava nechikwerete nomunhu, asi chokudana; nokuti unoda mumwe, wazadzisa murairo.

9Nokuti izvo zvokuti: Usaita vupombwe, usavuraya, usaba, usapupurira wokwako nhema, usachiva; kana murairo upi noupi, zvakavunganidzwa pashoko rokuti: Ude wokwako sezvaunozvida iwe.

10Rudo haruitiri wokwako zvakaipa; naizvozvo rudo runozadzisa murairo.

11Zvikuru ndinoreva izvozvi, zvatinoziva nguva, kuti zvino yatova nguva yokumuka kwenyu pahope; nokuti zvino kuponeswa kwedu kwava pedo kupfuvura zuva ratakatanga kutenda naro.

12Vusiku bwapfuvura, kwoedza; naizvozvo ngatirashe mabasa erima, ngatishonge nhumbi dzokurwa dzechiedza.

13Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana novupombwe, novutere, kana negakava, negodo.

14Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.