VaRoma 16
Romans 16 · 27 verses
1Ndinoreverera kwamuri Fibi, hanzvadzi yedu, mushandiri wekereke iri paKenkrea.
2Kuti mumugamuchire munaShe, sezvinofanira vatsvene, nokumubatsira pazvinhu zvose, zvaangashaiwa; nokuti iye amene wakabatsira vazhinji, neni vo ndimene.
3Ndikwazisirei Priska naAkwira, vanobata neni munaKristu Jesu.
4vakaisa mitsipa yavo kurwira vupenyu bwangu, vandisingavongi ini ndoga asi nekereke dzose dzavahedheni.
5Ndikwazisirei vo kereke iri paimba yavo. Ndikwazisirei Epeneto, mudikanwa wangu, ndiye chibereko chokutanga munaKristu paAsia.
6Ndikwazisirei Maria, wakakubatsirai zvikuru.
7Ndikwazisirei Andoroniko naJunia, worudzi rwangu, vakasungwa pamwe chete neni, vakakurumbira pakati pavaapostora, vakanditangira vo kuva munaKristu.
8Ndikwazisirei Ampriato, mudikanwa wangu munaShe.
9Ndikwazisirei Urbano, unobata nesu munaKristu, naStako, mudikanwa wangu.
10Ndikwazisirei Apere, wakatendwa munaKristu. Ndikwazisirei vokwaAristoburo.
11Ndikwazisirei Herodio worudzi rwangu. Ndikwazisirei vo kwaNarkiso, vari munaShe.
12Ndikwazisirei Trifania naTrifosa, vanobata munaShe. Ndikwazisirei Persisi, mudikanwa, wakabata zvikuru munaShe.
13Ndikwazisirei Rufosi, musanangurwa munaShe, namai vake, navangu.
14Ndikwazisirei Asinkrito, naFregoni, naHermesi, naPatrobasi, naHeramasi, nehama dziri kwavari.
15Ndikwazisrei Firorogosi, naJuria, naNerea, nehanzvadzi yake, naOraimpasi, navatsvene vose vari kwavari.
16Kwazisanai nokusveta kutsvene. Kereke dzose dzaKristu ndinokukwazisai.
17Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti mucherekedze avo vanopesanisa, navanogumbusa, vachiita zvinopesana nedzidziso yamakadzidziswa imi; muvanzvenge.
18Nokuti vakadaro havabatiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; vanonyengera moyo yavasina mano namashoko avo akanaka, nokubata kumeso.
19Nokuti kuterera kwenyu kwakasvika kuvanhu vose. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kunezvakanaka, asi vasinenjere kunezvakaipa.
20Zvino Mwari worugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.
21Timotio, unobata neni, unokukwazisai; naRukio, naJasoni, naSosipatrosi, vorudzi rwangu.
22Ini Tertiosi, unonyora mwadhi iyi, ndinokukwazisai munaShe.
23Gaiosi,wakandigamuchira ini nekereke yose, unokukwazisai. Erastosi, muchengeti wemariyeguta, unokukwazisai, naKwaritosi vo, hama.
24Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu, ngadzive nemi mose. Ameni.
25Zvino iye, unogona kukusimbisai, sezvinoreva Evhangeri yangu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kurebwa nguva dzisingaperi.
26asi zvino zvinoratidzwa nokuziviswa kumarudzi ose, naMagwaro avaporofita, sezvakarairwa naMwari usingaperi, kuti vaterere nokutenda.;
27iye Mwari wakachenjera oga, ngaave nokubwinya naJesu Kristu nokusingaperi. Ameni.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.