Bhaibheri

1 VaKorinde 1

1 Corinthians 1 · 31 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Pauro, wakadanwa nokuda kwaMwari, kuti ave muapostora waKristu Jesu, naSostene, hama yedu,

2kukereke yaMwari iri paKorinte, kunavakaitwa vatsvene munaKristu Jesu, vakadanwa kuti vave vatsvene pamwe chete navose vanodana pose-pose zita raJesu Kristu, Ishe wedu, wavo nowedu:

3Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu.

4Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, pamusoro penyasha dzaMwari dzamakapiwa munaKristu Jesu;

5kuti makafumiswa pazvose maari, pakutaura kwose, napakuziva kwose;

6nokudaro vuchapupu bwaKristu bwakasimbiswa mamuri;

7kuti hamushaiwi chipo chimwe; muchimirira kuratidzwa kwaShe wedu, Jesu Kristu;

8uchakusimbisai kusvikira pakuguma, muve vasingapomerwi pazuva raShe Jesu Kristu.

9Mwari ndiye wakatendeka, wamakadanwa naye kuyanana noMwanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe wedu.

10Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.

11Nokuti ndakavudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navari vokwaKroe, kuti kunegakava pakati penyu.

12Zvandinoreva ndizvo, kuti mumwe nomumwe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, ini waAporo, ini waKefasi, ini waKristu.

13Ko Pauro wakaroverwa pamuchinjikwa nokuda kwenyu here? Ko makabhabhatidzwa muzita raPauro here?

14Ndinovonga Mwari, kuti handina kubhabhatidza mumwe wenyu, asi Krispo naGayo;

15kuti kurege kuva nomunhu ungati, makabhabhatidzwa muzita rangu.

16Ndakabhabhatidza vo veimba yaStefana; asi vamwe, handizivi kana ndakabhabhatidza mumwe.

17Nokuti Kristu haana kundituma kubhabhatidza, asi kuti ndiparidze Evhangeri; ndisingaiti nenjere dzamashoko, kuti muchinjikwa waKrsitu urege kukoneswa.

18Nokuti shoko romuchinjikwa vupenzi kunavanoparadzwa; asi kwatiri., isu tinoponeswa, isimba raMwari.

19Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza vuchenjeri bwavakachenjera, Ndichakonesa kuziva kwavanoziva.

20Wakachenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mwari haana kuita vuchenjeri bwenyika bwuve vupenzi here?

21Nokuti pashure muvuchenjeri bwaMwari, nyika novuchenjeri bwayo haina kuziva Mwari, nokuti zvakafadza Mwari novupenzi bwokuparidza kuponesa vanotenda.

22Nokuti vaJudha vanokumbira chiratidzo, navaGiriki vanotsvaka vuchenjeri;

23asi isu tinoparidza Kristu, wakaroverwa pamuchinjikwa, chigumbuso kuvaJudha, novupenzi kuvahedheni;

24asi kunavakadanwa, vaJudha navaGiriki Kristu isimba raMwari novuchenjeri hwaMwari.

25Nokuti vupenzi bwaMwari bwakachenjera kupfuvura vanhu; novutera bwaMwari bwakasimba kupfuvura vanhu.

26Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama dzangu, kuti havazi vazhinji vakachenjera panyama vakadanwa; havazi vazhinji vanesimba, havazi vazhinji vanokudzwa;

27asi Mwari wakatsaura zvinhu zvovupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; Mwari wakatsaura zvinhu zvinozvidzwa zvenyika, kuti anyadzise izvo zvinesimba;

28Mwari wakatsaura zvinhu zvinozidzwa zvenyika, nezvinoshovorwa, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zviripo simba razvo,

29kuti kurege kuva nenyama ingazvikudza pamberi paMwari.

30Asi naye muri munaKristu Jesu, iye wakatiitirwa isu vuchenjeri bwunobva kunaMwari, nokururama, nokuitwa vatsvene, norudzikinuro.

31Kuti unozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe, sezvazvakanyorwa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.