Bhaibheri

Vatongi 18

Judges 18 · 31 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati pavaIsiraeri; namazuva iwayo vaDhani vakazvitsvakira nhaka yokugaramo, nokuti kusvikira panguva iyo vakanga vachigere kupiwa nhaka pakati pamarudzi avaIsiraeri.

2Zvino pakati pavo vose vana vaDhani vakatuma varume vashanu veimba yavo, varume voumhare, vakabva Zora neEshitaori, kuzoshora nyika, nokuitarisisa; vakati kwavari, Endai, mundotarisisa nyika; ivo vakasvika kunyika yamakomo yaEfuremu, kuimba yaMika, vakavatapo.

3Zvino vakati vari paimba yaMika, vakaziva inzwi rejaya muRevhi; vakatsaukirako, vakati kwaari, Ndianiko wakakusvitsa pano? Unobatei pano? Unotsvakei pano?

4Iye akati kwavari, Mika wakandiitira zvokuti nezvokuti, akandiripira, ndikava mupirisiti wake.

5Vakati kwaari, Zvino chitibvunzira hako Mwari, tizive kana tichafamba zvakanaka panzira yedu yatinofamba nayo.

6mupirisiti akati kwavari, Endai norugare, nzira yenyu yamunofamba nayo inofadza Jehovha.

7Zvino varume vashanu vakaenda, vakasvika Raishi, vakaona vanhu vakanga varimo, kuti vagere pasine njodzi nomutoo wavaZidhoni, vakagarika, vane rugare; kwakanga kusina munhu waiva nesimba rokuraira, waimanikidza vanhu pachinhu chipi nechipi; vakanga vagere kure navaZidhoni, vasingafambidzani navamwe vanhu.

8Vakasvika kuhama dzavo paZora napaEshitaori; hama dzavo dzikati kwavari, Munoreveiko?

9Vakati, Simukai, tikwire, tindorwa navo; nokuti takatarira nyika, tikaona kuti yakanaka kwazvo; munogara seiko musingaiti chinhu? Musava nousimbe hwokupinda, kuti nyika ive yenyu.

10Kana muchienda muchandosvika kuvanhu vagere pasine njodzi, uye nyika ihuru; nokuti Mwari wakakupai iyo mumaoko enyu; apo hapashaikwi chinhu chiri panyika.

11Ipapo varume vana mazana matanhatu veimba yavaDhani vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, vakaendako, vachibva Zora neEshitaori.

12Vakakwira, vakandodzika matende avo paKiriati-jearimi, paJudha; naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Mahane-dhani kusvikira zuva ranhasi; tarirai, riri shure kweKiriati-jearimi.

13Vakabvapo, vakapfuura kusvikira panyika yamakomo yaEfuremu, vakasvika paimba yaMika.

14Zvino varume vashanu, vakanga vandoshora nyika yeRaishi, vakapindura, vakati kuhama dzavo, Munoziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi, neterafimi, nomufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa? Saka zvino fungai zvakanaka zvamunofanira kuita.

15Ipapo vakatsaukirako, vakasvika paimba yejaya muRevhi, iyo imba yaMika, vakabvunza mufaro.

16Zvino varume vana mazana matanhatu vakanga vakashonga nhumbi dzavo dzokurwa nadzo, vaiva vavana vaDhani, vakamira panopindwa napo pasuo,

17varume vashanu vakanga vandoshora nyika vakakwira, vakapindamo, vakatora mufananidzo wakavezwa, neefodhi, neterafimi, nomufananidzo wakaumbwa; mupirisiti akamira panopindwa napo pasuo kuvarume vana mazana matanhatu vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa nadzo.

18Zvino ivo vakati vapinda mumba maMika, vakatora mufananidzo wakavezwa, neefodhi, neterafimi, nomufananidzo wakaumbwa, mupirisiti akati kwavari, Munoiteiko?

19Vakati kwaari, Nyarara, pfumbira muromo wako, uende nesu, uve baba vedu nomupirisiti wedu; zviri nani kwauri ndezvipi, kuti uve mupirisiti paimba yomunhu mumwe chete, kana kuva mupirisiti worudzi rwose neimba yose yavaIsiraeri here?

20Zvino moyo womupirisiti ukafara, akatora efodhi, neterafimi nomufananidzo wakavezwa, akapinda napakati pavanhu.

21Vakatsauka, ndokuenda, vakatungamidza vana vaduku, nezvipfuwo nenhumbi.

22Zvino vakati vafamba runhambo kubva paimba yaMika, varume vakanga vagere padzimba dzaiva pedo neimba yaMika vakaunganidzwa, vakatevera vaDhani, vakavabata.

23Vakadanidzira kuvana vaDhani. Ivo vakacheuka, vakati kuna Mika, Unotsvakeiko, zvawauya neboka rakadai?

24Iye akati, Manditorera vamwari vangu vandakanga ndaita, nomupirisiti wangu, mukaenda navo, zvino ini ndasarirwa neiko? Mungataura sei kwandiri, muchiti, `Unotsvakeiko?'

25Vana vaDhani vakati kwaari, inzwi rako ngarirege kunzwika pakati pedu, kuti varume vane shungu varege kukuwira, ukarashikirwa noupenyu hwako pamwechete noupenyu hwavamwe veimba yako.

26Ipapo vana vaDhani vakaenda havo; zvino Mika wakati achiona kuti simba ravo rinokunda rake, akadzokera kumba kwake.

27Ivo vakatora zvakanga zvakaitwa naMika, nomupirisiti waakanga anaye, vakasvika Raishi, kuvanhu vakanga vakagarika, vagere pasine njodzi, vakavauraya neminondo inopinza, vakapisa guta ravo nomoto.

28Vakashaiwa unovarwira, nokuti vakanga vari kure neZidhoni; vakanga vasingafambidzani navamwe vanhu; guta rakanga riri mumupata uri paBheti-rehobhi. Vakavaka guta, vakagaramo.

29Vakatumidza guta zita rinonzi Dhani, nezita rababa vavo Dhani, wakanga akaberekerwa Isiraeri; asi zita reguta raiva Raishi pakutanga.

30Vana vaDhani vakazvimisira mufananidzo uyo wakavezwa; Jonatani, mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMozisi, iye navana vake vakava vapirisiti vorudzi rwavaDhani, kusvikira pazuva rokutapwa kwavanhu venyika iyo.

31Vakazvimisira mufananidzo wakavezwa naMika, waakanga aita, ukavapo nguva yose yokugara kweimba yaMwari paShiro.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.