Bhaibheri

Vatongi 19

Judges 19 · 30 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Zvino namazuva iwayo kusina mambo pakati paIsiraeri, mumwe muRevhi waigara mberi kwenyika yamakomo yaEfuremu, akazvitorera mukadzi murongo paBheterehemu-judha.

2Zvino murongo wake akafeva, akabva kwaari, akaenda kumba kwababa vake paBheterehemu-judha, akagarako mwedzi mina.

3Zvino murume wake akasimuka, akamutevera, ano muranda wake nembongoro mbiri, akataura zvakanaka naye, kuti amudzoserezve kwaari, iye mukadzi akamuisa kumba kwababa vake; zvino baba vomusikana vakati vachimuona, vakafara kusangana naye.

4Mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, vakamudzivisa kuenda, akagara naye mazuva matatu, vakadya, vakanwa, vakavatapo.

5Zvino nomusi wechina vakamuka mangwanani, iye akasimuka achida kuenda; baba vomusikana vakati kumukuwasha wavo, Simbisa moyo wako nechimedu chechingwa, mugoenda henyu.

6Ipapo vakagara pasi, vakadya, vakanwa vose; baba vomusikana vakati kumurume, Tenda hako ugare usiku hwose, moyo wako ufare.

7Asi murume wakasimuka, achida kuziva; mukarahwa wake akamugombedzera, akavatapozve.

8Nomusi weshanu akamuka mangwanani, achida kubva; baba vomusikana vakati, Simbisa moyo wako, ugare kusvikira zuva rovira; vakadya vose vari vaviri.

9Zvino murume wakati achisimuka, achida kubva, iye nomurongo wake, nomuranda wake, mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, akati kwaari, Tarira, zuva rovira, ava madekwana, chigara hako usiku hwose; tarira, zuva roda kupera, vata hako pano, moyo wako ufare, mugofumira mangwana parwendo rwenyu kumusha kwenyu.

10Asi murume wakaramba kuvatapo usiku uhwo, asi wakasimuka, akabva, ndokusvika pakatarisana neJebhusi (ndiro Jerusaremu); wakanga ane mbongoro mbiri dzakanga dzakaiswa zvigaro; nomurongo wake wakanga anaye.

11Zvino vakati vasvika pedo neJebhusi, zuva rikanga rovira; muranda akati kuna tenzi wake, Ngatitsaukire hedu kuguta iri ravaJebhusi, tivatemo.

12Tenzi wake akati kwaari, Handingatsaukiri kuguta ravatorwa, kusina vana vaIsiraeri; asi tichapfuura hedu, kusvikira paGibhiya.

13Akati kumuranda wake, Hendei, tiswedere kune imwe yenzvimbo idzi, tivate paGibhiya kana paRama.

14Ipapo vakapfuura parwendo rwavo, vakavirirwa pedo neGibhiya, raiva guta ravaBhenjamini.

15Vakatsaukirako, vachida kuvata paGibhiya akapinda, akagara pasi munzira yomuguta; nokuti kwakanga kusina munhu wakavadana kuzovata mumba make.

16Zvino mumwe mutana akasvika, achibva kubasa rake kumunda madekwana; zvino murume uyo wakanga ari wenyika yamakomo yaEfuremu, asi wakagara hake paGibhiya; asi varume venzvimbo iyo vakanga vari vaBhenjamini.

17Iye akatarira, akaona murume uyu mufambi ari munzira yomuguta; mutana akati, Ko unoendepi? Uye, unobvepiko?

18Iye akati kwaari, Tinobva Bheterehemu-judha, tinopfuurira kurutivi rwemberi rwenyika yamakomo yaEfuremu; ndiko kwandakabva, ndikaenda Bheterehemu-judha, zvino ndinoenda kumba kwaJehovha, asi hakuna munhu wakandidana kugara mumba make.

19Kunyange zvakadaro tinahwo uswa nezvokudya zvembongoro dzedu, nechingwa newaini zvinondiringana ini nomurandakadzi wenyu nejaya rina varanda venyu; hakuna chinhu chinoshaikwa.

20Zvino mutana akati, Farao hako, zvose zvawaishaiwa, ini ndichakupa; asi usavata munzira yomuguta.

21ipapo akavaisa mumba make, akapa mbongoro zvokudya; vakashambidza tsoka dzavo, vakadya nokunwa.

22Zvino vakati vofara pamoyo yavo, tarirai varume veguta, vamwe vanhu vakaisvoipa, vakakomba imba kunhivi dzose, vakagogodza pamukova; vakataura nomwene weimba, iye mutana, vakati, Budisa murume wakasvika paimba yako, timuzive.

23Zvino murume uyo, mwene weimba akabuda kwavari, akati kwavari, Kwete, hama dzangu, regai kuita zvakaipa zvakadai; musaita samapenzi, nokuti murume uyu wakapinda mumba mangu.

24Tarirai, hoyu mukunda wangu mhandara, nomurongo wake; ndichavabudisa zvino, muvazvidze, muvaitire sezvamunoda, asi regai kuitira murume uyu chakaipa chakadai.

25Asi varume vakaramba kumuteerera; ipapo murume akabata murongo wake, akamubudisira kwavari; vakamuziva, vakamuchinya usiku hwose kusvikira mangwana vakamurega kwoedza.

26Zvino mukadzi akauya kwoedza, akawira pasi pamukova weimba yomunhu, makanga munashe wake, akavapo kusvikira kwaedza kwazvo.

27Zvino ishe wake wakamuka mangwanani, akazarura mikova yeimba, akabuda, achida kupfuura parwendo rwake; akawana mukadzi, iye murongo wake, akawira pasi pamukova weimba, maoko ake ari pachikumbaridzo.

28Akati kwaari, Simuka, tiende; asi hakuna wakapindura; ipapo akamuisa pambongoro yake, murume akasimuka, akaenda kumba kwake.

29Wakati asvika kumba kwake, akatora banga, akabata murongo wake, akadimuranya mitezo yake, akaita nhindi dzine gumi nembiri, akadzituma munyika yose yavaIsiraeri.

30Zvino vose vakati vachizviona, vakati, Chinguva vana vaIsiraeri vakakwira vachibva panyika yeIjipiti, kusvikira zuva ranhasi, hakune chinhu chakadai chakaitwa kana chakaonekwa; rangarirai izvozvo, murangane mutaure.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.