Bhaibheri

Zefania 1

Zephaniah 1 · 18 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Shoko raJehovha, rakasvika kuna Zefaniya, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedharia, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, namazuva aJosia, mwanakomana waAmoni, mambo waJudha.

2Ndichaparadza chose zvinhu zvose zviri pasi pose ndizvo zvinotaura Jehovha.

3Ndichaparadza vanhu nezvipfuwo; ndichaparadza shiri dzokudenga, nehove dzegungwa, nezvigumbuso pamwechete navakaipa; ndichabvisa vanhu pasi pose ndizvo zvinotaura Jehovha.

4Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusaremu; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwechete navapirisiti;

5navanonamata hondo dzokudenga pamatenga edzimba, navanamati, vanopika naJehovha vachipikawo naMarikami;

6navakadzoka pakutevera Jehovha, navasina kutsvaka Jehovha kana kumubvunza.

7Nyararai pamberi paIshe Jehovha, nokuti zuva raJehovha rava pedo; vakakokwa naye wakavaita vatsvene.

8Zvino nezuva rechibayiro chaJehovha ndicharova machinda navanakomana vamambo, navose vakapfeka nguo dzavatorwa.

9Nezuva iro ndicharova vose vanodarika chikumbaridzo, vanozadza imba yatenzi wavo nokupambara nokunyengera.

10Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuchanzwika mhere inobva pasuo rehove, nokuchema kunobva kurutivi rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kunobva kumakomo ,

11Chemai imi mugere Makiteshi; nokuti vanhu vose veKenani vapera, vose vakanga vakafuma sirivha vabviswa.

12Zvino nenguva iyo ndichanzvera Jerusaremu nemwenje; ndicharova varume vagere pamasese avo, vanoti mumwoyo yavo, `Jehovha haangaiti zvakanaka, uye haangaiti zvakaipa.'

13fuma yavo ichaitwa zvakapambwa, nedzimba dzavo matongo; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, asi havangagarimo; vachasima minda yemizarnbiringa, asi havanganwi waini yayo.

14Zuva guru raJehovha rava pedo, rava pedo, rinokurumidza kwazvo, iro inzwi rezuva raJehovha; mhare inochemapo zvikuru kwazvo.

15Zuva iro izuva rokutsamwa, zuva rokutambudzika nokumanikidzwa, zuva rokurashwa nokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba, zuva ramakore nerezarima guru,

16zuva rehwamanda neremhere, zvinoridzirwa maguta akakomberedzwa namasvingo neshongwe dzakakwirira.

17Ndichauyisira vanhu kumanikidzwa, kuti vafambe samapofu, nokuti vakatadzira Jehovha; ropa ravo richadururwa seguruva, nenyama yavo sendove.

18Sirivha yavo kunyange ndarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; asi nyika yose ichapedzwa nomoto wegodo rake; nokuti achapedza, zvirokwazvo achapedza zvinotyisa, vose vagere panyika.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.