Bhaibheri

Zefania 2

Zephaniah 2 · 15 verses

NIV, NKJV, AMP, NET and BBE in the app

1Unganai, zvirokwazvo unganai, imi rudzi rusinganyari;

2chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu.

3Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavanzika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.

4Nokuti Gaza richasiyiwa, Ashikeroni richaitwa dongo; vachadzinga Ashidhodhi masikati makuru, Ekironi richadzurwa.

5Vane nhamo vagere panyika iri pagungwa, irwo rudzi rwavaKeteti! Shoko raJehovha rinokutuka, iwe Kenani, nyika yavaFirisitia; ndichakuparadza, kuti parege kuzova anogarapo.

6Mhenderekedzo dzegungwa dzichava mafuro anamapako avafudzi nezvirugu zvamakwai.

7Mhenderekedzo dzichava dzavakasara veimba yaJudha; vachafudzapo makwai avo; vachavata pasi madekwana mudzimba dzeAshikeroni; nokuti Jehovha Mwari wavo achavashanyira nokudzosa kutapwa kwavo.

8Ndakanzwa kuzvidzwa kwaMoabhi, nokutuka kwavana vaAmoni, kwavakazvidza nako vanhu vangu, vachiita manyawi pamuganho wavo.

9Naizvozvo noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, Mwari walsiraeri, `Zvirokwazvo, Moabhi vachaita seSodhoma, navana vaAmoni seGomora, nyika yorukato, namakomba omunyu, namatongo nokusingaperi;' vanhu vangu vakasara vachavaita chinhu chakatapwa, vakasara vorudzi rwangu vachavagara nhaka.

10Ndizvo zvavachapiwa nokuda kwokuzvikudza kwavo, nokuti vakazvidza vanhu vaJehovha wehondo nokuzvikudza kwavari.

11Jehovha achavatyisa kwazvo, nokuti achaparadza vamwari vose venyika; vanhu vachamunamata iye, mumwe nomumwe achibva panzvimbo yake, naizvo zviwi zvose zvendudzi.

12Nemiwo veItiopia, muchaurawa nomunondo wangu.

13Achatambanudzira ruoko rwake kurutivi rwokumusoro, ndokuparadza Asiria; Ninivhe achariita dongo, riome serenje.

14Zvipfuwo zvichavata pasi mukati maro, idzo mhuka dzamarudzi ose; hukurwizi nenungu zvichavata pamisoro yembiru dzaro; izwi rokurira kwazvo richanzwika pamahwindo; kuparadzwa kuchavapo pazvikumbaridzo, nokuti wakafukunura zvakavezwa zvemisidhari.

15Iri ndiro guta raigara nomufaro risina hanya, raiti mumwoyo maro, `Ndini, hakuchino mumwe kunze kwangu!' Haiwa, raitwa dongo sei, nzvimbo inovata mhuka! Mumwe nomumwe anopfuura napo acharidza muridzo, achizunungusa ruoko rwake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.